1Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.
1耶路撒冷的会议
2Naizvozvo kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kuduku kwaPauro naBhanabhaisi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwe vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko renharo idzi.
2保罗和巴拿巴,与他们大大地争执辩论起来。大家就派保罗、巴拿巴和他们中间的几个人,为这个问题上耶路撒冷去见使徒和长老。
3Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; vakaitira hama dzose mufaro mukuru.
3于是教会给他们送行,他们就经过腓尼基、撒玛利亚,述说外族人怎样归主的事,使弟兄们大大喜乐。
4Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvose Mwari zvaakaita navo.
4到了耶路撒冷,他们受到教会、使徒和长老的接待,就报告 神同他们一起所行的一切。
5Asi kwakamuka vamwe vebato revaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.
5然而有几个法利赛派的信徒站起来,说:“我们必须给外族人行割礼,吩咐他们遵守摩西的律法。”
6Vaapositori nevakuru vakuungana pamwe kuti vaongorore shoko iri.
6使徒和长老聚集在一起,商议这件事。
7Zvino vakati vakakavadzana zvikuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, munoziva kuti pamazuva ekutanga Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.
7经过了很多的辩论,彼得站起来对他们说:“弟兄们,你们知道,前些时候 神在你们中间拣选了我,使外族人从我的口中听见福音的道,而且信了。
8Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura nezvavo, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;
8知道人心的 神也为他们作证──赐圣灵给他们,像给我们一样;
9uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achinatsa moyo yavo nerutendo.
9而且他待他们和我们没有分别,因为借着信,他洁净了他们的心。
10Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamitsipa yevadzidzi, ratisina kugona kutakura isu nemadzibaba edu?
10现在你们为什么试探 神,把我们祖先和我们所不能负的轭,放在门徒的颈上呢?
11Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti isu tinoponeswa, sezvakaitwa ivowo.
11我们相信,我们得救是借着主耶稣的恩,和他们也是一样。”
12Chaunga chose ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kukura kwezviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.
12大家都静默无声,听巴拿巴和保罗述说 神借着他们在外族人中所行的神迹奇事。
13Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, teererai kwandiri:
13他们讲完了,雅各说:“弟兄们,请听我说!
14Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.
14刚才西门述说 神当初怎样关怀外族人,从他们中间拣选了众人,归在自己的名下。
15Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:
15众先知的话,也符合这个意思,正如经上所记:
16Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tende raDhavhidhi rakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisa;
16‘此后我要回来,重建大卫倒塌了的帐幕,重建它损坏之处,把它重新竖立起来,
17Kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vose pavanodamwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe unoita zvinhuizvi zvose.
17使余下的人,就是所有称为我名下的外族人,都寻求主,
18Anozikamwa kuna Mwari mabasa ake ose kubva pakusingaperi.
18这是自古以来就显明了这些事的主所说的。’
19Naizvozvi ndinogura kuti tirege kutambudza pakati pevahedheni vakatendeukira kuna Mwari;
19“所以我认为不可难为这些归服 神的外族人,
20asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo, neupombwe, nezvakadzipwa, neropa.
20只要写信叫他们禁戒偶像的污秽、淫乱,勒死的牲畜和血。
21Nekuti Mozisi unavo kubva pamazera ekare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.
21因为自古以来,在各城里都有人宣讲摩西的书,每逢安息日,在各会堂里都有人诵读。”
22Zvino zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru nekereke yose, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya naPauro naBhanabhasi; Judhasi wainzi Bhasabhasi, naSirasi, varume vakuru pakati pehama,
22会议的决定当时,使徒、长老和全教会都认为好,就从他们中间选出人来,差他们和保罗、巴拿巴一同到安提阿去,所选的就是别号巴撒巴的犹大和西拉,他们是弟兄中的领袖。
23vakanyora neruoko rwavo seizvi: Vaapostora nevakuru nehama, kwaziso kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya, neSiria, neKirikia.
23于是写信给他们带去,信上说:“使徒和作长老的弟兄们,向安提阿、叙利亚、基利家的外族众弟兄问安。
24Sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;
24我们听说有人从我们这里出去,说了一些话搅扰你们,使你们心里不安,其实我们并没有吩咐他们。
25zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemwoyo umwe, kusarudza titumire varume kwamuri, nevadikamwa vedu Bhanabhasi naPauro,
25因此,我们一致同意,选派一些人跟我们亲爱的巴拿巴和保罗去见你们,
26vanhu vakapira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
26这两个人为了我们主耶稣基督的名,曾经把性命置之度外。
27Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.
27我们派了犹大和西拉一同去,他们也会亲口述说这些事。
28Nekuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira,
28圣灵和我们都同意,不把别的重担加在你们身上,然而有几件事是重要的,
29kuti mubve pazvakabayirwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukabuda pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.
29就是禁戒祭过偶像的食物、血、勒死的牲畜和淫乱。这些事你们若能保守自己不作,那就好了。祝你们平安!”
30Zvino vakati vaendeswa, vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.
30他们受了差派,下安提阿去,集合了众人,就把书信交上。
31Vakati vaverenga vakafara zvikuru pamusoro pekukurudzirwa.
31众人读了,因信上的劝勉,就感到欣慰。
32Judhasi naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nemashoko mazhinji, nekuvasimbisa.
32犹大和西拉也是先知,说了许多话劝勉弟兄,坚固他们。
33Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,
33住了一段时间,弟兄们就给他们送行,祝一路平安;他们就回到差派他们的人那里去。
34Asi zvakaonekwa zvakanaka naSirasi kuti asarepo.
34(有些抄本在此有第34节:“但西拉认为自己应当在那里住下来,只有犹大回到耶路撒冷。”)
35Paurowo naBhanabhasi vakasara paAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwe vazhinjiwo.
35保罗和巴拿巴却住在安提阿,跟许多别的人一同教导,传讲主的道。
36Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere zvekare tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.
36第二次宣教旅程过了一些时候,保罗对巴拿巴说:“我们要回到我们传过主道的各城,探望弟兄们,好知道他们的情形怎么样。”
37Asi Bhanabhasi wakange aronga kutora Johwani wainzi Mako, kuti afambe naye.
37巴拿巴有意要带别号马可的约翰一同去,
38Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo iye wakavasiya paPamufiriya, akasaenda nawo kubasa.
38但保罗认为不应带他去,因为他从前在旁非利亚离开过他们,不跟他们一起去作工。
39Kukauya kukakavadzana kukuru zvekuti vakabva vaparadzana nepakati, umwe kubva kune umwe, nekudaro Bhanabhasi akatora Mako, akaenda Saipuresi nechikepe.
39他们各持己见,以致彼此分手。巴拿巴带着马可,坐船到塞浦路斯去;
40Asi Pauro wakasarudza Sirasi, akabuda akenda, aiswa panyasha dzaMwari nehama.
40保罗却选了西拉,众弟兄把他交托在主的恩典中之后,他就出发了。
41Nokugura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.
41他走遍了叙利亚、基利家,坚固众教会。