1Zvino akasvika paDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda; asi baba vake vaiva muGiriki.
1保罗带提摩太同行
2Iye waipupurwa nezvake zvakanaka nehama dzepaRistra neIkoniyamu.
2路司得和以哥念的弟兄们都称赞他。
3Iye Pauro wakada kuti abude naye, akamutora akamudzingisa nekuda kwevaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nekuti vose vakange vachiziva kuti baba vake muGiriki.
3保罗有意要他一同出去,但为了那些地方的犹太人,就给他行了割礼,因为他们都知道他父亲是希腊人。
4Zvino vakati vachipfuura nemumaguta, vakavakumikidza zviga kuti vachengete, zvakatemwa nevaapositori nevakuru vepaJerusarema.
4他们经过各城,把耶路撒冷的使徒和长老所定的规条,交给门徒遵守。
5Naizvozvo kereke dzakasimbiswa parutendo, dzikawedzera pauwandu zuva rimwe nerimwe.
5于是众教会信心越发坚固,人数天天增加。
6Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.
6保罗见异象往马其顿去圣灵既然禁止他们在亚西亚传道,他们就走遍弗吕家、加拉太地区。
7Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bhitinia, asi Mweya haana kuvatendera.
7他们来到每西亚边境,想要去庇推尼,耶稣的灵也不许。
8Vakati vapfuura Misia vakaburukira Troasi.
8他们经过每西亚,下到特罗亚。
9Chiratidzo chikaonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume weMakedhonia wakange amire achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.
9夜间有一个异象向保罗显现:有一个马其顿人站着求他说:“请你到马其顿来,帮助我们!”
10Zvino wakati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende Makedhonia, tapedza tichiti zvirokwazvo Mwari watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
10保罗见了这异象,我们就认定是 神呼召我们去传福音给他们,于是立刻设法前往马其顿。
11Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira Samotirasi; fumewo kuNeapori;
11吕底亚信主我们从特罗亚开船,直航撒摩特拉,第二天到达尼亚波利,
12tikabvapo, tikaenda kuFiripi, rinova ndiro guta guru redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; tikagara mamwe mazuva muguta iro.
12从那里来到腓立比,就是马其顿地区的首要城市,是罗马的殖民地。我们在这城里住了几天。
13Nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; tikagara pasi, tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.
13安息日我们出了城门,来到河边,以为那里是个祈祷的地方。我们坐下,对聚集的妇女讲论。
14Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhiya, mutengesi wezvine ruvara rwehute, weguta reTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; moyo wake Ishe waakazarurwa kuti ateerere zvinhu zvaitaurwa naPauro.
14有一位敬畏 神的妇女,名叫吕底亚,是推雅推拉城卖紫色布的商人,她一直在听,主开启她的心,使她留心听保罗所讲的。
15Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira; achiti: Kana maona kuti ndinotenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Akatikumbirisa.
15她和她一家受了洗以后,就请求说:“你们若认为我是对主忠实的,就请到我家来住。”于是她强留我们。
16Zvino zvakaitika pataipinda kunonyengetera, umwe musikana waiva nemweya wokuuka akasangana nesu, waiwanira vatenzi vake mibairo mizhinji nekuuka.
16在腓立比被囚有一次,我们到祈祷的地方去的时候,一个被巫鬼附着的婢女迎面而来;她行占卜使主人们发了大财。
17Iye akatevera Pauro nesu achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
17她跟着保罗和我们,喊叫说:“这些人是至高 神的仆人,向你们传讲得救的道路。”
18Izvi wakazviita mazuva mazhinji. Asi Pauro arwadziwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyoyo.
18她一连多日这样喊叫,保罗觉得厌烦,就转身对那鬼说:“我奉耶稣基督的名,命令你从她身上出来!”那鬼就立刻出来了。
19Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yemibairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevatongi,
19她的主人们看见发财的希望完了,就揪住保罗和西拉,拉到市中心去见官长,
20akati avauisa kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha vanopesanisa guta redu zvikuru,
20又带到裁判官面前,说:“这些人是犹太人,扰乱我们的城市,
21vachiparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kutevedza, tiri vaRoma.
21传我们罗马人不准接受、不准实行的规例。”
22Zvino chaunga chikavamukira pamwe, vatongi vakavabvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varohwe netsvimbo.
22群众一齐起来攻击他们,裁判官就剥去他们的衣服,下令用棍子打他们。
23Zvino vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo, vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo.
23打了很多棍,就把他们放在监牢里,吩咐狱吏严密看守。
24Iye wakati agamuchira murairo wakadaro, akavaisa mutirongo yemukati, akasimbisa makumbo avo mumatanda.
24狱吏领了命令,就把他们押入内监,两脚拴了木狗。
25Zvino panenge pakati peusiku, Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo kuna Mwari; vasungwa vakavanzwa.
25保罗领狱吏全家信主约在半夜,保罗和西拉祈祷歌颂 神,囚犯们都侧耳听着。
26Pakarepo kukavapo kudengenyeka kwenyika kukuru zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; pakarepo mikova yose ikazarurwa, nezvisungo zvevose zvikasununguka.
26忽然发生了大地震,以致监牢的地基都摇动起来,所有的监门立刻开了,囚犯的锁链都松了。
27Ipapo murindi wetirongo akapepuka pahope, achiona mikova yetirongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
27狱吏醒过来,看见监门全开,以为囚犯都已经逃脱了,就拔出刀来想要自刎。
28Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nekuti tiri muno tose.
28保罗大声呼叫说:“不要伤害自己,我们都在这里!”
29Zvino wakati akumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi,
29狱吏叫人拿了灯来,就冲进去,战战兢兢地俯伏在保罗和西拉面前,
30akavabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
30随后领他们出来,说:“先生,我应该作什么才可以得救?”
31Ivo vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe nemhuri yako.
31他们说:“当信主耶稣,你和你一家人都必定得救。”
32Vakataura kwaari shoko raMwari nekuna vose vaiva mumba make.
32他们就把主的道,讲给他和他全家的人听。
33Akavatora nenguva iyoyo yeusiku, akasuka mavanga, ndokubhabhatidzwa iye nevose vake pakarepo.
33就在当夜的那个时候,狱吏领他们去洗伤,狱吏和他家人都受了洗,
34Zvino wakati aenda navo mumba make ndokuisa tafura yechikafu pamberi pavo, akafara zvikuru, nemhuri yake yose achitenda kuna Mwari.
34就带他们到家里,摆上饭食,他和全家因信了 神就大大喜乐。
35Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa vachiti: Regai vanhu vaya vaende.
35到了天亮,裁判官派法警来,说:“放了这些人!”
36Murindi wetirongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai zvino muende nerugare.
36狱吏就把这话告诉保罗,说:“裁判官派人来释放你们,现在可以出来,平平安安地去吧!”
37Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhoswa isu tiri vaRoma, vakatiisa mutirongo; ikozvino veda kutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavauye vamene vatibudise.
37保罗对他们说:“我们是罗马人,还没有定罪,他们就公开打我们,又放在监里;现在要私下赶我们出去吗?不行!他们应当亲自来,领我们出去!”
38Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya pavakanzwa kuti vaRoma,
38法警把这番话回报裁判官,裁判官听说他们是罗马人,就害怕起来,
39vakasvika vakavakumbira, vakavabudisa ndokukumbira kuti vabve muguta.
39于是来请求他们,领他们出监之后,就请他们离开那城。
40Zvino vakabuda mutirongo, vakapinda kwaRidhia; vakati vaona hama, vakavanyaradza ndokuenda.
40两人出了监,就到吕底亚的家里去,见了弟兄们,劝勉他们一番,就离开了。