Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Acts

2

1Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vose vakange vari pamwe nemoyo umwe.
1五旬节圣灵降临
2Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sokwemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yose mavakange vagere.
2忽然有一阵好像强风吹过的响声,从天而来,充满了他们坐在里面的整间屋子。
3Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokumhara pamusoro peumwe neumwe wavo.
3又有火焰般的舌头显现出来,分别落在他们各人身上。
4Zvino vose vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.
4他们都被圣灵充满,就照着圣灵所赐给他们的,用别种的语言说出话来。
5Zvino paigara paJerusarema vaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwose rwevari pasi pedenga.
5那时住在耶路撒冷的,有从天下各国来的虔诚的犹太人。
6Zvino mutinhimira uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nekuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwavo.
6这声音一响,许多人都聚了来,人人都听见门徒讲出听众各人本乡的话,就莫名其妙。
7Zvino vakakatyamara vose vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havasi vaGarirea here?
7他们又惊讶、又惊奇,说:“你看,这些说话的,不都是加利利人吗?
8Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo?
8我们各人怎么听见他们讲我们从小所用的本乡话呢?
9VePatia neveMedhia neveEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokia, vePonto neveAsia,
9我们帕提亚人、玛代人、以拦人和住在美索不达米亚、犹太、加帕多家、本都、亚西亚、
10veFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemamativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni vaRoma, vose vaJudha nevakatendeukira kuvaJudha,
10弗吕家、旁非利亚、埃及,并靠近古利奈的利比亚一带地方的人,客居罗马的犹太人和归信犹太教的人,
11vaKrete nevaAraAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.
11克里特人以及阿拉伯人,都听见他们用我们的语言,讲说 神的大作为。”
12Zvino vakakatyamara vose, vakakahadzika vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chei?
12众人还在惊讶迷惘的时候,彼此说:“这是什么意思?”
13Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vadhakwa newaini inotapira.
13另有些人讥笑说:“他们是给新酒灌醉了。”
14Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume vaJudha, nevose vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikamwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu.
14彼得在五旬节的讲道彼得和十一使徒站起来,他高声对众人说:“犹太人和所有住在耶路撒冷的人哪,你们应当明白这件事,也应该留心听我的话。
15Nekuti ava havana kudhakwa sezvamunofunga imwi; nekuti iawa rechitatu rezuva;
15这些人并不是照你们所想的喝醉了,现在不过是上午九点钟罢了。
16asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti:
16这正是约珥先知所说的:
17Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, unodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yose; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope;
17‘ 神说:在末后的日子,我要把我的灵浇灌所有的人,你们的儿女要说预言,你们的青年人要见异象,你们的老年人要作异梦。
18uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita.
18在那些日子,我也要把我的灵浇灌我的仆人和使女,他们就要说预言。
19Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi.
19我要在天上显出奇事,在地上显出神迹,有血、有火、有烟雾;
20Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya;
20太阳将变为黑暗,月亮将变为血红,在主伟大显赫的日子临到以前,这一切都要发生。
21zvino zvichava kuti ani nani unodana zita raIshe uchaponeswa.
21那时,凡求告主名的,都必得救。’
22Varume vaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi mumene,
22“以色列人哪,请听听这几句话:正如你们所知道的, 神已经借着拿撒勒人耶稣在你们中间施行了大能、奇事、神迹,向你们证明他是 神所立的。
23iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukuuraya;
23他照着 神的定旨和预知被交了出去,你们就借不法之徒的手,把他钉死了。
24iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nekuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo.
24 神却把死的痛苦解除,使他复活了,因为他不能被死亡拘禁。
25Nekuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nekuti uri kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
25大卫指着他说:‘我时常看见主在我面前,因他在我右边,我必不会动摇。
26Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro.
26为此我的心快乐,我的口舌欢呼,我的肉身也要安居在盼望中。
27Nekuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
27因你必不把我的灵魂撇在阴间,也必不容你的圣者见朽坏。
28Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu.
28你已经把生命之路指示了我,必使我在你面前有满足的喜乐。’
29Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvose vakafa uye vakavigwa, guva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino.
29“弟兄们,关于祖先大卫的事,我不妨坦白告诉你们,他死了,葬了,直到今日他的坟墓还在我们这里。
30Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama uchasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe,
30他是先知,既然知道 神向他起过誓,要从他的后裔中立一位,坐在他的宝座上,
31aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora.
31又预先看见了这事,就讲论基督的复活说:‘他不会被撇在阴间,他的肉身也不见朽坏。’
32Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, zvatiri zvapupu zvazvo tose.
32这位耶稣, 神已经使他复活了,我们都是这事的见证人。
33Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino.
33他既然被高举到 神的右边,从父领受了所应许的圣灵,就把他浇灌下来,这就是你们所看见所听见的。
34Nekuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi unoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
34大卫并没有升到天上,他却说:‘主对我主说:你坐在我的右边,
35kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
35等我使你的仇敌作你的脚凳。’
36Naizvozvo imba yose yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakaita iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, zvose Ishe naKristu.
36因此,以色列全家应当确实知道,你们钉在十字架上的这位耶稣, 神已经立他为主为基督了。”
37Zvino vakati vachinzwa izvi vakabayiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nekune vamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei?
37他们听了以后,觉得扎心,就对彼得和其余的使徒说:“弟兄们,我们应当作什么呢?”
38Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kangamwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
38彼得说:“你们应当悔改,并且每一个人都要奉耶稣基督的名受洗,使你们的罪得赦,就必领受所赐的圣灵。
39Nekuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nevose vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
39这应许原是给你们和你们的儿女,以及所有在远方的人,就是给凡是我们主 神召来归他的人。”
40Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.
40彼得还用许多别的话,郑重作证,并且劝勉他们,说:“你们应当救自己脱离这弯曲的世代!”
41Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.
41于是接受他话的人都受了洗,那一天门徒增加了约三千人。
42Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero.
42他们恒心遵守使徒的教训,彼此相通、擘饼和祈祷。
43Uye kutya kukawira pamusoro pemweya woga woga; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori.
43信徒的团契生活使徒行了许多奇事神迹,众人就都惧怕。
44Nevaitenda vose vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvose panhu pamwe,
44所有信的人都在一起,凡物公用,
45ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vose, umwe neumwe paaishaiwa napo.
45并且变卖产业和财物,按照各人的需要分给他们。
46Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya chikafu nemufaro nemoyo wakachena,
46他们天天同心在殿里恒切地聚集,一家一家地擘饼,存着欢乐和诚恳的心用饭,
47vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.
47又赞美 神,并且得到全民的喜爱。主将得救的人,天天加给教会。