Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Acts

3

1Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.
1彼得医好瘸腿的人
2Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.
2有一个生来瘸腿的人被人抬来。他们天天把他放在那名叫美门的殿门口,让他好向进殿的人讨饭。
3Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.
3他看见彼得和约翰将要进殿,就向他们讨饭。
4Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire!
4彼得和约翰定睛看着他,彼得说:“你看我们!”
5Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.
5那人就留意看着他们,希望从他们得些什么。
6Petro ndokuti: Sirivheri nendarama handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.
6彼得却说:“金银我都没有,只把我有的给你:我奉拿撒勒人耶稣基督的名,吩咐你行走!”
7Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.
7于是拉着他的右手,扶他起来;他的脚和踝骨立刻强壮有力,
8Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.
8他一跳就站了起来,并且行走。他连走带跳,赞美 神,同他们进入殿中。
9Uye vanhu vose vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.
9群众看见他一边走一边赞美 神;
10Vakaziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.
10他们一认出他就是那平时坐在圣殿美门口讨饭的,就因所经历的事,满心希奇,惊讶不已。
11Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.
11彼得在所罗门廊下的讲道那人拉着彼得和约翰的时候,群众都很惊奇,跑到他们那里,就是所罗门廊的下面。
12Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume vaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?
12彼得看见了,就对群众说:“以色列人哪,为什么因这事希奇呢?为什么瞪着我们,好像我们是凭着自己的能力和虔诚,使这人行走呢?
13Mwari waAbhurahamu newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura.
13亚伯拉罕、以撒、雅各的 神,就是我们祖宗的 神,荣耀了他的仆人耶稣。这位耶稣,你们把他送交官府。彼拉多本来定意要放他,你们却当着彼拉多的面拒绝他。
14Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,
14你们把那圣者义者拒绝了,反而要求给你们释放一个杀人犯。
15mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.
15你们杀了那‘生命的源头’, 神却使他从死人中复活。我们就是这件事的见证人。
16Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mose.
16是他的名(因信他的名)使你们所看见所认识的这个人强壮了。这从耶稣而来的信心,当着你们众人面前,把他完全医好了。
17Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.
17弟兄们,我知道你们所作的,是出于无知,你们的官长也是这样。
18Asi zvinhu izvo Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vose, kuti Kristu uchatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi.
18但 神曾经借着众先知的口,预先宣告他所立的基督将要受害的事,就这样应验了。
19Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pamberi pechiso chaIshe dzisvike,
19所以你们应当悔改归正,使你们的罪得着涂抹。
20uye uchatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;
20这样,那安乐的日子,必从主面前来到,并且他必把为你们预先选定的基督(耶稣)差来。
21wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vose kubva panguva dzakare.
21他必留在天上,直到万物复兴的时候,就是 神自古借着圣先知的口所说的。
22Nekuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; iye muchamuteerera pazvose zvaachataura kwamuri.
22摩西曾说:‘你们的主 神要从你们弟兄中间,给你们兴起一位先知像我;无论他对你们说什么,你们都应当听从。
23Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.
23无论谁不听从那位先知,必定从民中灭绝。’
24Uye nevaporofita vose kubva kuna Samueri nevakatevera, vose vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.
24所有从撒母耳起,以及相继兴起来讲话的先知,都曾经宣告这些日子。
25Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahamu: Nemumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa.
25你们是先知的子孙,也是承受 神向你们祖先所立之约的人。 神曾经对亚伯拉罕说:‘地上万族,都要因你的后裔得福。’
26Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvake.
26 神先给你们兴起他的仆人,差他来祝福你们,使你们各人回转,离开邪恶。”