1Zvino zvakaitika kuti taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama muKose, fume muRodhe, tikabvapo, tikasvika Patara;
1结束第三次宣教旅程
2tikati tawana chikepe, chaiyambukira Fonisiya, tikapinda, tikaenda nechikepe.
2遇见了一艘开往腓尼基的船,就上船起行。
3Takati toona Saipuresi, tikaisiya kuruoko rweruboshwe, tichienda Siria nechikepe, tikamhara paTire; nekuti chikepe chaifanira kututunura mutoro wacho ipapo;
3我们远远看见塞浦路斯,就从南边驶过,直航叙利亚,在推罗靠了岸,因为船要在那里卸货。
4zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati kubudikidza nemweya kuna Pauro arege kukwira kuJerusarema.
4我们找到了一些门徒,就在那里住了七天。他们凭着圣灵的指示告诉保罗不要上耶路撒冷去。
5Zvino takati tapedza mazuva iwayo takabuda tikaenda; uye vose vakatiperekedza nevakadzi nevana, kusvikira kunze kweguta; ipapo tikafugama pamahombekombe tikanyengetera.
5过了这几天,我们就启程前行,他们众人带着妻子儿女送我们到城外。我们跪在海滩上祷告,互相道别。
6Tawonekana takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.
6我们上了船,他们就回家去了。
7Isu takati tapedza rwendo kubva Tire, tikasvika Pitoremai, tikakwazisa hama, tikagara navo zuva rimwe.
7我们从推罗继续航行,到了多利买,问候那里的弟兄,与他们同住了一天。
8Zvino fume isu taiva veboka raPauro tikabva, tikasvika Kesariya; zvino tikapinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.
8第二天我们离开那里,来到该撒利亚,到了传福音的腓利家里,与他住在一起。他是那七位执事中的一位。
9Iyeyu wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.
9他有四个女儿,都是童女,是会说预言的。
10Zvino takati tichigarap mazuva mazhinji, kwakauya kubva Judhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,
10我们住了几天之后,有一位先知,名叫亚迦布,从犹太下来。
11uye wakati asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo nemaoko, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanhire iri, nekumuisa mumaoko avahedheni.
11他来见我们,把保罗的腰带拿过来,绑住自己的手脚,说:“圣灵说,犹太人在耶路撒冷要这样捆绑这腰带的主人,把他交在外族人的手里。”
12Zvino takati tichinzwa zvinhu izvi, isu tose nevenzvimbo iyo tikamukumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.
12我们听了这些话,就和当地的人劝保罗不要去耶路撒冷。
13Asi Pauro akapindura, akati; Munoitei, muchichema nekuodza moyo wangu? Nekuti ini ndakagadzirira kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.
13保罗却回答:“你们为什么哭,使我心碎呢?我为主耶稣的名,不但被捆绑,就算死在耶路撒冷我也都准备好了。”
14Zvino wakati achiramba kudzorwa, tikanyarara tikati: Kuda kwaIshe ngakuitwe.
14他既然不听劝,我们只说了“愿主的旨意成就”,就不出声了。
15Zvino shure kwem, takarongedza, tikakwira kuJerusarema.
15过了几天,我们收拾行装,上耶路撒冷去。
16Nevamwe vadzidzi veKesariya vakaenda nesu, uye vakauya neumwe Minaasoni weSaipuresi, mudzidzi wakare watainogara naye.
16有该撒利亚的几个门徒同我们在一起,领我们到一个塞浦路斯人拿孙家里住宿;他作了门徒已经很久了。
17Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzikatigamuchira nemufaro.
17保罗报告工作的情况我们到了耶路撒冷,弟兄们欢欢喜喜接待我们。
18Fume Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; nevakuru vose vakange varipo.
18第二天,保罗和我们一同去见雅各,长老们也都在座。
19Zvino wakati avakwazisa, ndokuvarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevahedheni nekushumira kwake.
19保罗问候了他们,就把 神借着他的工作在外族人中所行的事,一一述说出来。
20Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe, vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zvevaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo;
20他们听了,就赞美 神,对保罗说:“弟兄,你看,犹太人中信主的有好几万,都是对律法很热心的人。
21zvino vakaudzwa nezvako kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.
21他们听说,你教导所有在外族人中的犹太人背弃摩西,叫他们不要给孩子行割礼,也不要遵守规例。
22Zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane, nekuti vachanzwa kuti wasvika.
22他们总会听见你来了,那怎么办呢?
23Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri: Tine varume vana vane mhiko;
23你就照我们的话作吧,我们这里有四个人,都有愿在身。
24zvino uvatore, uzvinatse pamwe navo, uvaripire kuti vaveure misoro; kuti vose vazive kuti zvose zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo; asi iwewo pachako unofamba zvakanaka uchichengeta murairo.
24你把他们带去,和他们一同行洁净礼,并且替他们付钱,让他们剃去头发,这样大家就知道以前所听见关于你的事,都不是真实的,也知道你是遵守律法循规蹈矩而行的人。
25Asi maererano nevahedheni vanotenda, takavanyorera nekutema kuti vasachengeta zvinhu zvakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.
25至于信主的外族人,我们已经写了信,吩咐他们要禁戒祭偶像的食物、血、勒死的牲畜和淫乱。”
26Ipapo Pauro akatora varume avo zuva raitevera, akazvinatsa pamwe navo, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwemazuva okunatsa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe.
26保罗就把那几个人带走了,第二天和他们一同行了洁净礼。他们进了殿,报明了他们洁净期满的日子,以及各人献祭的时间。
27Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha vaibva Asia vakamuona mutembere, vakamutsa vanhu vose vakaisa maoko kwaari.
27保罗在圣殿被犹太人捉住七日将完的时候,从亚西亚来的犹太人看见保罗在殿里,就煽动群众,并且捉住他,
28vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vose kose-kose zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino, pamusoro pazvo unouisa vaGiriki mutembere, achisvibisa nzvimbo ino tsvene.
28喊叫着说:“以色列人哪,快来帮忙!这个人到处教人反对人民,反对律法和这个地方,他甚至把希腊人也带进殿里,污秽了这圣地。”
29Nekuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifungidzira kuti Pauro wakamuuisa mutembere.
29原来他们看见过以弗所人特罗非摩同保罗在城里,就以为保罗带他进了殿。
30Neguta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.
30于是全城震动,民众一齐跑来,捉住保罗,拉出殿外,殿门就立刻关起来了。
31Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru chemazana chehondo, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.
31他们正想杀他的时候,有人报告营部的千夫长,说:“整个耶路撒冷都乱了!”
32Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari. Ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.
32千夫长立刻带着士兵和百夫长跑到他们那里。众人一看见千夫长和士兵,就停止殴打保罗。
33Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri; akabvunza kuti wainzi ani, uye kuti waitei.
33于是千夫长上前捉住保罗,吩咐人用两条铁链捆住他,问他是什么人,作过什么事。
34Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi noekuda kwenyonganyonga, akaraira kuti vamuise kuimba yemauto.
34那时众人叫这个喊那个,吵吵闹闹,以致千夫长没有办法知道真相,只好下令把保罗带到营楼去。
35Wakati achisvika pamitanho, akaita zvekutakurwa nemauto nekuda kwebongozozo rechaunga;
35保罗到了台阶下面的时候,士兵把他抬起来,因为群众猛挤,
36nekuti chaunga chevanhu chakatevera, chichidanidzira, chichiti: Mubvisei!
36而且有一群人跟在后面叫喊:“干掉他!”
37Zvino Pauro oda kupinzwa muimba yemauto wakati kumukuru wechuru: Ko ndingataura nemwi here? Iye akati: Unoziva chiGiriki here?
37保罗为自己申辩(徒9:1-22,26:9-18)他们带着保罗快到营楼的时候,保罗对千夫长说:“我可以跟你讲一句话吗?”千夫长说:“你懂希腊话吗?
38Ko hausi uya muEgipita wakadeya kumutsa bongozozo pamazuva apfuura here; akaendesa murenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?
38难道你不就是不久以前作乱的、带领四千个杀手到旷野去的那个埃及人吗?”
39Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta risiri duku. Zvino ndinokukumbirai: Nditenderei kutaura kuvanhu.
39保罗说:“我是犹太人,是基利家的大数人,并不是无名小城的公民,求你准我向民众讲几句话。”
40Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti:
40千夫长准许了他,保罗就站在台阶上,向民众作了一个手势。大家安静下来了,保罗就用希伯来语讲话,说: