1Varume hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu zvino kwamuri.
1“各位父老弟兄,请听听我现在对你们的申辩。”
2Ivo vakati vachinzwa kuti unotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara, iye akati:
2他们听见保罗用希伯来语说话,就更加安静了。保罗说:
3Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika dzakazara dzemurairo wamadzibaba, ndichishingairira Mwari, sezvamuri mose nhasi;
3“我是犹太人,生在基利家的大数,在城里长大,按照我们祖宗律法的严格要求,在迦玛列门下受教,我为 神热心,好像你们大家今天一样。
4ndikatambudza nzira iyi kusvikira parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vose varume nevakadzi;
4我曾经迫害信奉这道的人直至死地,把男男女女都捆绑起来,送进监狱,
5nemupristi mukuru sezvaanopupura nezvangu nedare rose remakurukota evatariri; kwavari kwandakagamuchira tsamba kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapo vakasungwa, kuti varangwe.
5这是大祭司和全公议会都可以给我作证的。我也从他们那里得到了写给众弟兄的信,就去大马士革,要把那里的人捆绑起来,带到耶路撒冷接受惩罚。
6Zvino zvakaitika kuti ndichifamba, ndoswedera Dhamasiko anenge masikati, pakarepo kwakaonekwa kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza.
6保罗自述信主经过“约在正午,当我走近大马士革的时候,忽然有大光从天上向我四面照射,
7Zvino ndakawira pasi, ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei?
7我仆倒在地上,听见有声音对我说:‘扫罗,扫罗,你为什么迫害我?’
8Ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha.
8我回答:‘主啊,你是谁?’他说:‘我就是你所迫害的拿撒勒人耶稣。’
9Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, vakatya, asi havana kunzwa inzwi rewakataura neni.
9跟我在一起的人,只看见那光,却听不清楚那位对我说话的声音。
10Zvino ndikati: Ndichaitei, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Dhamasiko; apo uchaudzwa zvinhu zvose zvakatarirwa iwe kuti uite.
10我说:‘主啊,我应当作什么呢?’主说:‘起来,进大马士革去,在那里有人会把指定给你作的一切事告诉你。’
11Zvino zvandakange ndisingagoni kuona nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko rwevaiva neni, ndikasvika Dhamasiko.
11因为那光太强烈,我的眼睛就瞎了,跟我在一起的人就牵着我的手,进了大马士革。
12Zvino umwe Ananiasi, murume wainamata sezvinoreva murairo, waipupurwa nezvake zvakanaka nevaJudha vose vakange vagerepo,
12“有一个人名叫亚拿尼亚的,他是一个虔诚而遵守律法的人,当地所有的犹太人都称赞他。
13akauya kwandiri akamira padivi pangu, akati kwandiri: Sauro hama, chionazve! Nenguva iyo ndikamuona.
13他来见我,站在我旁边,对我说:‘扫罗弟兄,你现在可以看见了。’我立刻往上一看,看见了他。
14Iye akati: Mwari wemadzibaba edu wakakusarudza, kare kuti uzive kuda kwake, nekuona iye wakarurama, nekunzwa inzwi remuromo wake.
14他又说:‘我们祖先的 神选派了你,让你明白他的旨意,看见那义者,听见他口中的声音。
15Nekuti uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nekunzwa.
15因为你要把所看见所听见的,向万人为他作见证。
16Ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe.
16现在你为什么还耽搁呢?起来受洗,求告他的名,洗净你的罪吧。’
17Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya,
17保罗蒙差遣向外族人传福音“后来,我回到耶路撒冷,在殿里祷告的时候,魂游象外,
18ndikamuona achiti kwandiri: Kurumidza ubve kuJerusarema ikozvino-zvino, nekuti havagamuchiri kupupura kwako maererano neni.
18看见主对我说:‘你要快快离开耶路撒冷,因为你为我作的见证,他们是不会接受的。’
19Zvino ndikati: Ishe, vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge roga-roga avo vaitenda kwamuri;
19我说:‘主啊,他们知道我曾把信你的人监禁起来,又在各会堂拷打他们,
20nepakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndakange ndimirewo ndichibvumirana nekuurawa kwake, ndakachengeta nguvo dzevaimuponda.
20并且你的见证人司提反受害流血的时候,我也亲自在场,表示同意,并且为杀他的人看守衣服。’
21Zvino akati kwandiri: Enda, nekuti ndichakutuma kure kuvahedheni.
21他对我说:‘你走吧,我要派你到远方的外族人那里去。’”
22Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakasimudza manzwi avo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nekuti hazvina kufanira kuti ararame.
22保罗与千夫长众人听见他说到这句话,就高声说:“这样的人应该从地上除掉,不应该活着!”
23Zvino vachidanidzira, vachirasha nguvo, vachikushira guruva kudenga,
23大家正在喊叫着,拋掷衣服,向空中扬灰撒土的时候,
24mukuru wechuru akaraira, kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti ingavai ravaidanidzira kudai pamusoro pake.
24千夫长下令把保罗带到营楼去,吩咐人用鞭子拷问他,要知道群众为什么这样向他喊叫。
25Zvino vakati vamusunga nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana wakange amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma asina kutongwa?
25士兵正用皮带绑他的时候,保罗对站在旁边的百夫长说:“你们鞭打一个还没有定罪的罗马公民,是合法的吗?”
26Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda akandoudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamunoita, nekuti munhu uyu muRoma.
26百夫长听了,就去报告千夫长,说:“这个人是罗马公民,你要怎么办呢?”
27Zvino mukuru wechuru akauya akati kwaari: Ndiudze, uri muRoma here? Iye akati: Hongu.
27千夫长就来问保罗:“告诉我,你是罗马公民吗?”他说:“是的。”
28Mukuru wechuru akapindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana uRoma uhwu. Pauro akati: Ini ndakaberekwa nahwo.
28千夫长说:“我花了一大笔钱,才取得罗马籍。”保罗说:“我生下来就是罗马公民。”
29Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza, nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nekuti wakange amusunga.
29于是那些要拷问他的人,立刻离开他走了。千夫长既知道他是罗马公民,又因捆绑过他,就害怕起来。
30Zvino chifume, achida kuziva chokwadi chaaipomerwa nevaJudha, akamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare remakurukota ose vaungane, akaburusira Pauro, ndokumugadzika pamberi pavo.
30保罗在公议会面前申辩第二天,千夫长为要知道犹太人控告保罗的真相,就解开他,召集了祭司长和公议会全体在一起,把保罗带下来,叫他站在他们面前。