1Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvidavirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruoko, akazvipindurira, achiti:
1保罗在亚基帕王面前申辩(徒9:3-8,22:6-11)亚基帕对保罗说:“准你为自己申辩。”于是保罗伸手辩护说:
2Pane zvose zvandakamhan'arirwa nevaJudha, Mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;
2“亚基帕王啊,犹太人控告我的事,今天我可以在你面前辩护,实在是万幸;
3zvikuru imwi mune ruzivo rwetsika dzose nemakakava ari pakati pevaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai kuti mundinzwe nemoyo murefu.
3特别是你熟悉犹太人的一切规例和争论,所以求你耐心听我申诉:
4Mufambiro wangu kubva pauduku, waiva pakutanga pakati porudzi rwangu paJerusarema, vaJudha vose vanoziva,
4我从幼年到现在,在本国、在耶路撒冷为人怎样,犹太人都知道。
5vaindiziva kubva pakutanga, kana vachida kupupura kuti nenzira chaiyo yeboka rechitendero chedu, ndairarama ndiri muFarisi.
5如果他们肯作证的话,他们是早就知道,我是按着我们祖宗最严格的教派,过着法利赛人的生活。
6Nazvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba edu,
6现在我站着受审,是为了对 神向我们祖先的应许存着盼望。
7mairi marudzi edu gumi nemaviri anoramba achishumira siku nesikati vachitarisira kuti inouya. Nekuda kwetariro iyi mambo Agripa, ndinopiwa mhosva nevaJudha.
7我们十二支派昼夜切切地事奉 神,都是盼望这应许实现。王啊,我被犹太人控告,正是为了这个盼望。
8Zvinofungwa sei kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?
8 神使死人复活,你们为什么认为是不可信的呢?
9Ini zvirokwazvo ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.
9从前,我也认为应该多方敌对拿撒勒人耶稣的名。
10Ndizvo zvandakaitawo paJerusarema, nevazhinji vevatsvene ndakapfigira mutirongo ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; uye nepavaiurawa neni ndaibvumira.
10后来就在耶路撒冷这样作了。我得到了众祭司长授权,把许多圣徒关在监里,并且他们被杀的时候,我也表示同意。
11Uye ndaivaranga nguva zhinji musinagoge rimwe nerimwe, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira kumaguta evahedheni.
11我在各会堂里多次用刑强迫他们说亵渎的话;我非常愤恨他们,甚至追到国外的城巿去迫害他们。
12Ndipo ndichienda Dhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,
12“那时候,我得到祭司长的授权和准许,去大马士革。
13pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenyera chakandipoteredza nevaifamba neni.
13王啊,就在中午的时候,我在路上看见一道光,比太阳更明亮,从天上四面照着我和同行的人。
14Zvino takati tose tawira pasi, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, Unondishushirei? Zvinokuremera kukava zvibayo.
14我们都仆倒在地上,我听见有声音用希伯来话对我说:‘扫罗!扫罗!你为什么迫害我?你要踢刺是难的。’
15Zvino ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza.
15我说:‘主啊,你是谁?’主说:‘我就是你所迫害的耶稣。
16Asi simuka umire nemakumbo ako; nekuti ndazviratidza kwauri nechikonzero ichi, ndikuite mushumiri nechapupu chezvinhu zvose zvawakaona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;
16你起来,站着,我向你显现,是要指派你为我工作。你要为你所见过的事,和我将要向你显明的事作见证。
17ndichakurwira kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari zvino,
17我要救你脱离这人民和外族人,差遣你到他们那里去,
18usvinudze meso avo, kuvatendeusa kubva murima, vaende kuchiedza, nepasimba raSatani, vaende kuna Mwari; kuti vagamuchire kangamwiro yezvivi nenhaka pakati pevakaitwa vatsvene norutendo rwuri mandiri.
18开他们的眼睛,使他们从黑暗中归向光明,从撒但的权下归向 神,使他们的罪恶得到赦免,并且在那些因信我而成圣的人中同得基业。’
19Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;
19“亚基帕王啊,因此,我没有违背这从天上来的异象,
20asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko, nepaJerusarema, nekudunhu rose reJudhiya nekuvahedheni, kuti vanofanira kutendeuka vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.
20先向大马士革、耶路撒冷、犹太全地的人宣讲,后向外族人宣讲,叫他们悔改,归向 神,行事与悔改的心相称。
21Nekuda kwezvinhu izvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.
21犹太人就是为了这缘故在殿里捉住我,想要杀我。
22Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvaduku nekuvakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa nevaporofita naMozisi kuti zvichaitika;
22然而,我得到 神的帮助,直到今日还是站得稳,向尊卑老幼作见证,我所讲的都是众先知和摩西所论的将来必成的事,
23zvekuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ave wokutanga kumuka kuvakafa, aparidze chiedza kuvanhu nekuvahedheni.
23就是基督必须受难,并且从死人中首先复活,把光明的信息传报给这人民和外族人。”
24Zvino wakati achizvidavirira saizvozvi Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.
24保罗说服亚基帕王保罗申诉到这里,非斯都大声说:“保罗!你疯了;你的学问太大,使你疯了!”
25Asi wakati: Handipengi, Festo makakurumbira; asi ndinotaura mashoko echokwadi akarurama.
25保罗说:“非斯都大人,我没有疯,我说的都是真实的话,清醒的话。
26nekuti mambo vanoziva zvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavo ndisingatyi; nekuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwaari, nekuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona*.
26因为王知道这些事,所以我对王坦白直说。我确信这些事没有一件能瞒得过他,因为这不是在背地里作的。
27Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
27亚基帕王啊,你信先知吗?我知道你是信的。”
28Ipapo Agripa akati kuna Pauro: Wasara padiki kundipwisa kuva muKristu.
28亚基帕对保罗说:“你想用这样短短的时间就可以说服我作基督徒吗!”
29Pauro akati: Ndinoshuva kuna Mwari kunyange neduku, kana nehuru, musava imwi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vave vose vakadai sezvandiri ini, asi kunze kwezvisungo izvi.
29保罗说:“无论时间短也好,时间长也好,我向 神所求的,不单是你,而且是今天所有的听众,都能像我一样作基督徒,只是不要有这些锁链。”
30Zvino wakati ataura saizvozvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri naBhenike, nevakange vagere navo;
30亚基帕王、总督和百尼基,还有在座的人都站起来,
31vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.
31退到一边,彼此谈论,说:“这个人并没有犯过什么该死该绑的罪。”
32Ipapo Agripa akati kuna Festo: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuzvipfuuridza kuna Kesari.
32亚基帕对非斯都说:“这个人若没有向凯撒上诉,早就可以释放了。”