1Zvino Festo wakati asvika padunhu iro shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.
1保罗上诉凯撒
2Ipapo vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,
2祭司长和犹太人的首领,到他面前控告保罗。他们为了对付保罗,
3vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, kuti amudanire kuJerusarema, vakamuvandira kuti vamuuraye panzira.
3就要求非斯都恩准,把保罗解来耶路撒冷,他们好埋伏在路上杀死他。
4Asi Festo wakapindura kuti Pauro wakachengetwa Kesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.
4非斯都回答:“保罗现今押在该撒利亚,我就要回到那里去。”
5Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; vagopomera munhu uyu kana pane chakaipa maari.
5又说:“你们中间有权势的,和我一同去吧!那人若有什么不是,他们就可以告他。”
6Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakuburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira Pauro kuti auiswe.
6非斯都在他们那里大约逗留了不过十天八天,就回到该撒利亚去。第二天就开庭,吩咐把保罗带来。
7Zvino wakati asvika, vaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vakapomera Pauro mhosva zhinji dzakaipa, dzavakange vasingagoni kupa uchapupu.
7保罗一到,那些从耶路撒冷来的犹太人,就站在他周围,提出许多严重的控告,可是所控告的他们都不能证实。
8Zvino wakati achizvidavirira akati: Kumurairo wevaJudha, kana kutembere, kanawo kuna Kesari handina kutadza chinhu.
8保罗申辩说:“无论对犹太人的律法、圣殿或凯撒,我都没有罪。”
9Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?
9但非斯都为要讨好犹太人,就问保罗:“你愿意去耶路撒冷,让我在那里审问这事吗?”
10Ipapo Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuvaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunoziva imwiwo.
10保罗说:“我现在站在凯撒的审判台前,这里是我应当受审的地方。我对犹太人并没有作过什么不对的事,这是你清楚知道的。
11Zvino kana ndiri mudariki kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu izvi zvavanondipomera, hakuna munhu ungandikumikidza kwavari. Ndinozvipfuuridzira kuna Kesari.
11我若作过不对的事,犯过什么该死的罪,就是死我也不推辞。不过,如果这些人告我的事不是真的,谁也不可以把我送给他们。我要向凯撒上诉。”
12Ipapo Festo ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waipfuudzira kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.
12非斯都同议会商量后,答复说:“你既然要向凯撒上诉,可以到凯撒那里去。”
13Zvino mushure memamwe mazuva, mambo Agripa naBhenike vakasvika Kesariya kuzokwazisa Festo.
13亚基帕王要听保罗的案情过了一些日子,亚基帕王和百尼基到该撒利亚来,问候非斯都。
14Vakati vagarako mazuva mazhinji, Festo akarondedzera mhosva yaPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa;
14他们在那里逗留了许多天,非斯都把保罗的案情向王陈明,说:“这里有一个囚犯,是腓力斯留下来的。
15iye wandakati pandakange ndichiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo pamusoro pake.
15我在耶路撒冷的时候,祭司长和犹太人的长老控告他,要求把他定罪。
16Vandakapindura ndikati: Haizi tsika yevaRoma kukumikidza munhu kurufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana nevanomupomera, akapiwa mukana wekuzvipindurira pamhosva yaanopomerwa.
16我答复他们说,被告还没有和原告当面对证,又没有机会为所控的罪申辩,就被送给对方,罗马人没有这个规例。
17Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, chifume ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auyiswe.
17后来他们到了这里,我没有耽延时间,第二天就开庭,吩咐把那人提出来。
18Zvino vapomeri vakamusimukira, asi havana kumupomera mhosva sezvandaifungira;
18原告都站在那里,他们所控诉他的,并不是我所意料的恶事。
19asi vaipikisana nezvemamwe mashoko echitendero chavo, neumwe Jesu wakange afa, wainzi naPauro mupenyu.
19他们与他争辩的,只是他们的宗教问题;还论到一位已经死了的耶稣,保罗却说他是活着的。
20Zvino ini zvandakange ndichikahadzika maererano negakava rakadai, ndakabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kunotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.
20关于这些争论,我不知道怎样处理,就问他愿不愿意上耶路撒冷去为这些事在那里受审。
21Pauro wakati akumbira kuregerwa kuzobvunzwa naAgasito, ndakaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
21但保罗要求把他留下,等待皇上裁判,我就下令把他押起来,等候解往凯撒那里。”
22Agripa ndokuti kuna Festo; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndomene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
22亚基帕对非斯都说:“我也愿意听听这人说些什么。”非斯都说:“明天就请你来听。”
23Chifume Agripa wakati asvika naBhenike, vachitaridzika kwazvo, vakapinda mumba mekutambirwa mhosva, nevatungamiriri vakuru, nevakuru veguta sekuraira kwaFesto, vakauya naPauro.
23第二天,亚基帕和百尼基威风凛凛地来了,同千夫长和城中的显要进了厅堂。非斯都吩咐一声,就有人把保罗提出来。
24Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nevarume vose vari pano nesu, munoona uyu, wandakakumbirwa nechaunga chevaJudha zvose paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.
24非斯都说:“亚基帕王和在座的各位,请看这个人。耶路撒冷和本地的犹太人都向我请求,嚷着说这个人不该活着。
25Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake wakakumbira kupfuudzwa kuna mambo mukuru, ndazvigadzirira kumutumira.
25我查明他没有犯什么该死的罪,但是他自己既然要向皇上上诉,我就决定把他解去。
26Asi handina chinhu chaicho chandinganyorera ishe pamusoro pake, naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamubvunzurudza, ndingava nechandinganyora.
26关于这个人,我没有什么可以呈奏主上的。所以把他带到你们面前,特别是你亚基帕王面前,为要在审查之后,有所陈奏。
27Nekuti ndinoona sezvisina kufanira kutuma musungwa, pasina kutaridzwa mhosva dzakanangana naye.
27因为我认为解送囚犯,不指明他的罪状,是不合理的。”