1Zvino mupristi mukuru akati: Zvinhu izvi zvakadai here?
1司提反的申辩
2Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahamu vari muMesopotamia, vasati vagara Harani,
2司提反说:“各位父老兄弟请听!我们的祖宗亚伯拉罕,在美索不达米亚,还没有住在哈兰的时候,荣耀的 神向他显现,
3akati kwavari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza.
3对他说:‘你要离开本地本族,到我指示你的地方去。’
4Zvino vakabuda munyika yevaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino;
4他就离开迦勒底人的地方,住在哈兰。他父亲死后, 神又叫他从那里迁到你们现在所住的地方。
5asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana.
5在这里 神并没有赐他产业,连立足之地也没有。但 神应许把这地赐给他和他的后裔为业,虽然那时他还没有儿子。
6Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava vatorwa kunyika yeumweni, uye ichaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana;
6 神就这样说:‘你的后裔必在外地寄居,人要奴役、虐待他们四百年。’
7asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino.
7 神又说:‘奴役他们的那个国家,我要亲自惩罚。以后,他们要出来,在这地方事奉我。’
8Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvo vakabereka Isaka, vakamudzingisa zuva rerusere; naIsaka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri.
8 神也赐他割礼为约。这样,亚伯拉罕生了以撒,第八天就给他行了割礼。后来,以撒生雅各,雅各生了十二位祖先。
9Mateteguru akazadzwa negodo, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye.
9“祖先妒忌约瑟,把他卖到埃及去,然而 神与他同在,
10Akamusunungura pamatambudziko ake ose, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yose.
10救他脱离一切苦难,使他在埃及王法老面前,有智慧、得恩宠。法老立他为首相,管理埃及和法老的全家。
11Zvino kwakauya nzara panyika yose yeEgipita neKanani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana chikafu.
11后来埃及和迦南全地遭遇饥荒、大灾难,我们的祖先找不到粮食。
12Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga.
12雅各听见埃及有谷粮,就派我们的祖先去,这是第一次。
13Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao.
13第二次的时候,约瑟就向哥哥们表露自己的身世,法老才知道约瑟的家世。
14Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzose, vane mweya makumi manomwe nemishanu.
14约瑟就派人去把他父亲雅各和全家七十五人都接来。
15Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu;
15于是雅各下了埃及。后来他和我们祖先都死了,
16uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahamu raakange atenga nemutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.
16运到示剑,埋葬在亚伯拉罕用银子向哈抹子孙买来的坟地里。
17Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaakange apikira kuna Abhurahamu, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita,
17“ 神给亚伯拉罕的应许快要实现的时候,以色列人在埃及人口繁盛增多;
18kusvikira umwe mambo amuka wakange asingazivi Josefa.
18但是,到了另一位不认识约瑟的君王兴起统治埃及的时候,
19Ndiye wakabata rudzi rwedu nemanomano, akatambudza madzibaba edu, chivarasisa vacheche vavo kuti varege kurarama.
19他就谋害我们的同胞,虐待我们的祖先,逼他们拋弃自己的婴孩,不容婴孩存活。
20Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye wakange akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu.
20就在那时候,摩西出生了,他非常俊美,在父亲的家中抚养了三个月。
21Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana.
21他被拋弃的时候,法老的女儿把他拾起来,当作儿子抚养。
22Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwese hwevaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa.
22摩西学尽了埃及人的一切学问,说话行事都有能力。
23Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
23“到了四十岁,他心中起了一个念头,要去看望自己的同胞以色列人。
24Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira wakange achitambudzwa, akarova muEgipita;
24当他看见有一个人受欺负,就去护卫,为那受屈的抱不平,打死了那个埃及人。
25zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari unovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa.
25他以为同胞们都必知道 神要借着他的手拯救他们,事实上他们却不知道。
26Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama?
26第二天,有人在打架,摩西就出面调解,说:‘你们是弟兄,为什么彼此欺负呢?’
27Zvino iye wakange achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu?
27那欺负人的把他推开,说:‘谁立了你作我们的领袖和审判官呢?
28Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here?
28难道你想杀我,像昨天杀那个埃及人一样吗?’
29Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri.
29摩西因为这句话,就逃到米甸地寄居,在那里生了两个儿子。
30Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi.
30“过了四十年,在西奈山的旷野,有一位使者,在荆棘中的火焰里,向摩西显现。
31Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti:
31他见了这个异象,十分惊奇;他正上前察看的时候,就有主的声音说:
32Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza.
32‘我是你祖宗的 神,就是亚伯拉罕、以撒、雅各的 神。’摩西战战兢兢,不敢观看。
33Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nekuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene.
33主对他说:‘把你脚上的鞋脱掉,因为你所站的地方是圣地。
34Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita.
34我的子民在埃及所受的痛苦,我实在看见了;他们的叹息我也听见了,我下来是要救他们。你来,我要派你到埃及去。’
35Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi.
35他们拒绝了这位摩西,说:‘谁立了你作领袖和审判官呢?’但 神借着在荆棘中向他显现的使者的手,派他作领袖和救赎者。
36Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana.
36这人领他们出来,并且在埃及地、红海和旷野,行奇事神迹四十年。
37Ndiye uya Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye.
37以前那位对以色列人说‘ 神要从你们弟兄中间,给你们兴起一位先知像我’的,就是这摩西。
38Uyu ndiye wakange ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai uye nemadzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe.
38那曾经在旷野的大会中,和那在西奈山上对他说话的使者同在,也与我们的祖先同在的,就是他。他领受了活的圣言,传给我们。
39Ndiye madzibaba edu wavakange vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo.
39我们的祖先不肯听从他,反而把他推开,他们的心已经转向了埃及,
40Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nekuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira.
40就对亚伦说:‘给我们做一些神像,可以走在我们前头。因为把我们从埃及地领出来的那个摩西,我们不知道他遭遇了什么事。’
41Zvino vakaita mhuru mumazuva iwayo, vakauisa chibayiro kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo.
41在那些日子里,他们做了一个牛犊,把祭物献给那偶像,并且因自己手所做的而欢乐。
42Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri?
42于是 神转身离开,任凭他们事奉天象,正如先知书所说:‘以色列家啊,你们在旷野四十年,岂是将祭牲和祭物献给我呢?
43Uye makatakura tende raMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi.
43你们抬着摩洛的帐幕,和理番神的星,就是你们做来敬拜的像。所以我要把你们放逐到巴比伦那一边去。’
44Madzibaba edu aiva netende reuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waakange aona;
44“我们的祖先在旷野有作证的帐幕,就是跟摩西谈话的那位指示他,依照他看见的样式做的。
45yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi;
45我们的祖先相继承受了这帐幕, 神把外族人从他们面前赶走以后,他们就同约书亚把帐幕带进所得为业的地方,直到大卫的日子。
46wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tende.
46大卫在 神面前蒙了恩,就求为雅各的 神找个居所,
47Asi Soromoni wakamuvakira imba.
47而由所罗门为他建造殿宇。
48Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti:
48其实至高者并不住人手所造的,正如先知说:
49Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi?
49‘主说:天是我的宝座,地是我的脚凳,你们要为我建造怎样的殿呢?哪里是我安息的地方呢?
50Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvose here?
50这一切不都是我手所造的吗?’
51Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi.
51“你们颈项刚硬、心和耳都未受割礼的人哪!你们时常抗拒圣灵,你们的祖先怎样,你们也怎样。
52Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Vakaponda avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake.
52有哪一个先知,你们的祖先不迫害呢?你们杀了那些预先宣告那义者要来的人,现在又把那义者出卖了,杀害了。
53Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta.
53你们领受了由天使传达的律法,却不遵守。”
54Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabayiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno.
54司提反被石头打死众人听了这些话,心中非常恼怒,就向着司提反咬牙切齿。
55Asi iye azere neMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,
55但司提反被圣灵充满,定睛望着天,看见 神的荣耀,并且看见耶稣站在 神的右边,
56akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.
56就说:“看哪!我看见天开了,人子站在 神的右边。”
57Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe;
57众人大声喊叫,掩着耳朵,一齐向他冲过去,
58vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
58把他推出城外,用石头打他。那些证人把自己的衣服,放在一个名叫扫罗的青年人脚前。
59Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
59他们用石头打司提反的时候,他呼求说:“主耶稣啊,求你接收我的灵魂!”
60Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara.
60然后跪下来大声喊着说:“主啊,不要把这罪归给他们!”说了这话,就睡了。