1Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vose ndokuparadzirwa kunyika dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori.
1扫罗迫害教会
2Varume vaitenda vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru.
2有些虔诚的人安葬了司提反,为他大大悲痛一番。
3Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo.
3扫罗却残害教会,逐家进去,连男带女拉去坐监。
4Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko.
4福音传到撒玛利亚那些分散的人,经过各地,传扬福音真道。
5Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari.
5腓利下到撒玛利亚城,宣讲基督。
6Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, vachinzwa nekuona zviratidzo zvaaiita.
6群众听了腓利所讲的,看见他所行的神迹,就同心听从了他的话。
7Nekuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa.
7许多人有污灵附在他们身上,污灵大声喊叫了之后,就出来了;还有许多瘫子瘸子都医好了。
8Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro.
8在那城里,就大有欢乐。
9Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru;
9有一个人名叫西门,从前在城里行过邪术,使撒玛利亚的居民惊奇,他又自命不凡,
10wavaiteerera vose kubva kumuduku kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari.
10城里大大小小都听从他,说:“这就是那称为‘ 神的大能’的人。”
11Zvino vaimuteerera, nekuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu.
11他们听从他,因为他长久用邪术,使他们惊奇。
12Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vose varume nevakadzi.
12等到腓利向他们传了 神的国的福音,和耶稣基督的名,他们就信了腓利,连男带女都受了洗。
13NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa.
13连西门自己也信了,他受洗之后,常和腓利在一起,看见所发生的神迹和大能的事,就觉得很惊奇。
14Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani;
14在耶路撒冷的使徒,听见撒玛利亚居民领受了 神的道,就差派彼得和约翰到他们那里去。
15ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene;
15二人到了,就为大家祷告,要让他们接受圣灵。
16nekuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete.
16因为圣灵还没有降在他们任何一个身上,他们只是受了洗归入主耶稣的名下。
17Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene.
17于是使徒为他们按手,他们就受了圣灵。
18Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akauisa mari kwavari,
18西门看见使徒一按手,就有圣灵赐下来,就拿钱给他们,
19achiti: Ndipei iniwo simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene.
19说:“请把这权柄也给我,叫我为谁按手,谁就可以受圣灵。”
20Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nekuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari.
20彼得对他说:“你的银子跟你一同灭亡吧!因为你以为 神的恩赐,是可以用钱买的。
21Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nekuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
21你和这件事是毫无关系的,因为你在 神面前存心不正。
22Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemwoyo wako uukangamwirwe.
22所以,你要悔改离弃这罪恶,要祈求主,也许你心中的意念可以得到赦免。
23Nekuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi.
23我看出你正在苦胆之中,邪恶捆绑着你。”
24Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu izvi zvamataura chingawira pamusoro pangu.
24西门回答:“请你们为我求主,好让你们所说的,没有一样临到我身上。”
25Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yevaSamaria.
25使徒作了见证,讲了主的道,就回耶路撒冷去,一路上在撒玛利亚人的许多村庄里传扬福音。
26Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje.
26腓利对太监传讲耶稣有主的一位使者对腓利说:“起来,向南走,往那从耶路撒冷下迦萨的路上去。”那条路在旷野里。
27Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira munhu weEtiopia, muchekwa, gurukota guru raKandase mambokadzi wevaEtiopia, waivona nezvefuma yake yose, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata,
27他就动身去了。有一个衣索匹亚人,是衣索匹亚女王干大基有权力的太监,掌管女王全部国库。他上耶路撒冷去礼拜。
28wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya.
28他回去的时候,坐在车上读以赛亚先知的书。
29Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyo.
29圣灵对腓利说:“你往前去,靠近那车子!”
30Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here?
30腓利就跑过去,听见他读以赛亚先知的书,就问他:“你所读的,你明白吗?”
31Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye.
31他说:“没有人指导我,怎能明白呢?”于是请腓利上车,同他坐在一起。
32Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatinhwa segwai rinoenda kunobayiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
32他所读的那段经文,就是:“他像羊被牵去宰杀,又像羊羔在剪毛的人面前无声,他总是这样不开口。
33Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani ucharondedzera zera rake? Nekuti upenyu hwake hunobviswa panyika.
33他受屈辱的时候,得不到公平的审判,谁能说出他的身世呢?因为他的生命从地上被夺去。”
34Muchekwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita unoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo?
34太监对腓利说:“请问先知这话是指谁说的?指他自己呢?还是指别人?”
35Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu.
35腓利就开口,从这段经文开始,向他传讲耶稣。
36Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; muchekwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa?
36他们一路走,到了有水的地方,太监说:“你看,这里有水,有什么可以阻止我受洗呢?”
37Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wose, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.
37(有些抄本在此有第37节:“腓利说:‘你若全心相信,就可以受洗。’他回答说:‘我信耶稣基督是 神的儿子。’”)
38Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemuchekwa; ndokumubhabhatidza.
38于是太监吩咐停车,腓利和他两人下到水中,腓利就给他施洗。
39Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; muchekwa ndokusazomuonazve; nekuti wakafamba nenzira yake achifara.
39他们从水里上来的时候,主的灵就把腓利提去了,太监再也看不见他,就欢欢喜喜地上路。
40Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri pamaguta ose, kusvikira asvika paKesariya.
40后来有人在亚锁都遇见腓利。他走遍各城,传讲福音,直到该撒利亚。