Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Acts

9

1Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuponda akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,
1扫罗悔改归主(徒22:3-16,26:9-18)
2akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyi vose varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.
2要求他发公函给大马士革各会堂,如果发现奉行这道的人,准他连男带女缉拿到耶路撒冷。
3Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;
3他快到大马士革的时候,忽然有光从天上向他四面照射。
4zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?
4他仆倒在地,听见有声音对他说:“扫罗,扫罗!你为什么迫害我?”
5Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha; zvinokuremera kukava zvibayo.
5他说:“主啊,你是谁?”主说:“我就是你所迫害的耶稣。
6Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.
6起来,进城去!你应当作的事,一定有人告诉你。”
7Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.
7同行的人,听见声音,却看不见人,只是目瞪口呆地站在那里。
8Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa Dhamasiko.
8扫罗从地上爬起来,睁开眼睛,却什么也看不见。他们牵着他的手,领他进大马士革。
9Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.
9他三天都不能看见什么,不吃也不喝。
10Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.
10在大马士革,有一个门徒名叫亚拿尼亚,主在异象中对他说:“亚拿尼亚!”他说:“主啊,我在这里。”
11Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu unonzi Sauro, weTaso; nekuti tarira unonyengetera,
11主说:“起来,到那叫直街的路上去,要在犹大家里找一个大数人,名叫扫罗。你看,他正在祷告,
12uye waona muchiratidzo murume unonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.
12在异象中他看见一个人,名叫亚拿尼亚,进来为他按手,使他可以再看得见。”
13Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;
13但亚拿尼亚回答:“主啊,我听见许多人说起这个人,他在耶路撒冷作了许多苦害你圣徒的事;
14uye pano une simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vose vanodana zita renyu.
14并且他在这里得到祭司长的授权,要捆绑所有求告你名的人。”
15Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nekuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri;
15主对他说:“你去吧!这人是我拣选的器皿,为要把我的名传给外族人、君王和以色列人。
16nekuti ini ndichamuratidza kuti unofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.
16我要指示他,为了我的名他必须受许多的苦。”
17Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.
17扫罗在大马士革传道亚拿尼亚就去了,进了那家,为扫罗按手,说:“扫罗弟兄,在你来的路上向你显现的耶稣,就是主,差我来使你可以看见,又被圣灵充满。”
18Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.
18立刻有鳞状的东西,从扫罗的眼里掉下来,他就能看见了。于是起来,受了洗,
19Zvino wakati agamuchira chikafu akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.
19吃过了饭,就有气力了。他和大马士革的门徒一同住了几天,
20Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.
20随即在各会堂传讲耶稣,说他是 神的儿子。
21Asi vose vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?
21听见的人都很惊奇,说:“在耶路撒冷残害求告这名的,不是这个人吗?他来这里不是要缉拿他们交给祭司长吗?”
22Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza vaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.
22然而扫罗更加有能力,驳倒住在大马士革的犹太人,证明耶稣是基督。
23Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, vaJudha vakarangana pamwechete kuti vamuuraye;
23扫罗逃脱犹太人的谋害过了许多日子,犹太人商议要杀掉扫罗;
24asi zano ravo rakazikamwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;
24但他们的计谋给扫罗知道了。他们就在各城门日夜把守,要杀掉他。
25asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.
25于是他的门徒就漏夜用大篮子把他从城墙上缒下去。
26Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vose vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.
26扫罗到了耶路撒冷,想要接近门徒,但大家都怕他,不信他是个门徒。
27Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.
27只有巴拿巴接待他,带他去见使徒,把他怎样在路上看见主,主向他说话,和他怎样在大马士革奉耶稣的名放胆讲道,都讲了出来。
28Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,
28于是扫罗在耶路撒冷和门徒一同出入,奉主的名放胆讲道,
29ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa vaHerenisiti*; asi vakaidza kumuuraya.
29并且与讲希腊话的犹太人谈论辩驳,那些人却想下手杀他。
30Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.
30弟兄们知道了,就送他到该撒利亚,差他往大数去。
31Naizvozvo kereke paJudhiya yose neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.
31那时犹太、加利利、撒玛利亚各处的教会,都得到平安,被建立起来,存着敬畏主的心过生活,并且因着圣灵的激励,人数增多起来。
32Zvino zvakaitika Petro achigiura nzvimbo dzose, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha.
32彼得医好以尼雅彼得周游各地的时候,也到了住在吕大的圣徒那里。
33Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange avete panhovo makore masere, akafa mitezo.
33他遇见一个人,名叫以尼雅,害了瘫痪病,在床上躺卧了八年。
34Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka, uzviwarurire. Zvino akasimuka pakarepo.
34彼得对他说:“以尼雅,耶稣基督医好你了!起来,收好你的褥子!”他就立刻起来。
35Zvino vose vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
35所有住在吕大和沙仑的人,看见了他就归向主。
36Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.
36彼得使多加复活在约帕有一个女门徒,名叫戴比莎,希腊话叫多加;她为人乐善好施。
37Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika muimba yekumusoro.
37那时,她因病死了;有人把她洗净了,停放在楼上。
38Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.
38吕大靠近约帕,门徒听说彼得在那边,就派两个人去求他,说:“请到我们那边去,不要耽延!”
39Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzose dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo.
39彼得就动身,跟他们一同去。到了之后,他们领他上楼。所有寡妇站在彼得旁边哭,把多加和她们在一起的时候所做的内衣外衣拿给他看。
40Asi Petro wakavabudisira panze vose akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.
40彼得叫大家出去之后,就跪下来祷告,然后转过身来对着尸体说:“戴比莎,起来!”她就睁开眼睛,一看见彼得,就坐了起来。
41Zvino wakamutandavadzira ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.
41彼得伸手扶她起来,叫圣徒们和寡妇都进来,把多加活活地交给他们。
42Zvino zvikazikamwa paJopa yose; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.
42这事传遍了约帕,就有很多人信了主。
43Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.
43此后,彼得在约帕一个制皮工人西门的家里住了许多日子。