1Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kokudengenyeka kwenyika.
1阿摩司的默示
2Akati, Jehovha uchaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.
2他说:“耶和华从锡安吼叫,从耶路撒冷发声;牧人的草场因此干旱,迦密的山顶枯干。
3Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakapura Giriyadhi nemipuro yamatare.
3惩罚大马士革“耶和华这样说:‘大马士革三番四次犯罪,我必不收回惩罚他的命令;因为他用打谷的铁器蹂躏基列。
4Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi.
4我必降火在哈薛的王宫,烧毁便.哈达的堡垒。
5Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni nowakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
5我必折断大马士革的门闩,剪除亚文平原的居民,以及伯.伊甸掌权的首领;亚兰的人民也必被掳至吉珥。’这是耶和华说的。
6Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nekuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu.
6惩罚非利士“耶和华这样说:‘迦萨三番四次犯罪,我必不收回惩罚他的命令;因为他带走全部的俘虏,交给以东。
7Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
7我必降火在迦萨的城墙,烧毁他的堡垒;
8Ndichaparadza vagere Ashidhodhi nowakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
8我必剪除亚实突的居民,以及亚实基伦掌权的领袖;我必伸手攻击以革伦,把余剩的非利士人都灭绝。’这是主耶和华说的。
9Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.
9惩罚推罗“耶和华这样说:‘推罗三番四次犯罪,我必不收回惩罚他的命令;因为他把全部的俘虏交给以东,并不记念与兄弟所立的盟约。
10Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTire, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
10我必降火在推罗的城墙,烧毁他的堡垒。’
11Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakateverera munin'ina wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.
11惩罚以东“耶和华这样说:‘以东三番四次犯罪,我必不收回惩罚他的命令;因为他拿刀追杀他的兄弟,没有丝毫怜悯;他的怒气不断爆发,他的忿怒永不止息。
12Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira.
12我必降火在提幔,烧毁伯斯拉的堡垒。’
13Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriyadhi, kuti vakurise nyika yavo.
13惩罚亚扪“耶和华这样说:‘亚扪三番四次犯罪,我必不收回惩罚他的命令;因为他为了扩张疆界,甚至剖开基列孕妇的肚腹。
14Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri;
14在战争之日的吶喊中,在风雨天的暴风中;我必在拉巴的城墙放火,烧毁他的堡垒。
15mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake, ndizvo zvinotaura Jehovha.
15他的君王必被掳走,君王和官员一同被掳。’这是耶和华说的。”