Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Joel

3

1nekuti tarirai, namazuva iwayo nenguva iyo, kana ndichidzosa kutapwa kwaJudha neJerusaremu,
1审判万国“看哪!到了那些日子,在那个时期,我使犹大和耶路撒冷被掳的人归回,(本节在《马索拉抄本》为4:1)
2ndichaunganidza marudzi ose avanhu, nokuaburusira kumupata waJehoshafati; ndichavatongapo pamusoro pavanhu vangu napamusoro penhaka yangu Isiraeri, vakaparadzirwa navo pakati pamarudzi avanhu; vakagovana nyika yangu,
2我必招聚列国,领他们下到约沙法谷,为了我的子民,就是我的产业以色列,我要在那里亲临审判他们,因为他们把我的子民分散在列国中,又分取了我的地土。
3vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatenga chifeve nomukomana, vakatengesa musikana vachipiwa waini, kuti vaimwe.
3他们为我的子民抽签,用男童交换妓女,女童被卖换酒喝。
4Zvirokwazvo, imwi Tire neSidhoni nenyika dzose dzaFirisitia, munoreveiko kwandiri? Munoda kunditsiva here? Kana mukanditsiva, ndichakudzoserai zvamakaita pamisoro yenyu pakarepo nokukasira.
4“推罗、西顿和非利士四境的人哪!你们想对我作什么呢?你们想向我报复吗?你们若向我报复,我很快就使报应归在你们的头上。
5Zvamakatora sirivha yangu nendarama yangu, mukandoisa mutemberi dzenyu zvinhu zvangu zvakanaka zvinodikamwa,
5你们拿去了我的金银,又把我的珍宝带进了你们的庙宇。
6mukatengesa vana vaJudha navana veJerusaremu kuvanakomana vavaGiriki, kuti muvabvisire kure nenyika yavo;
6你们把犹大人和耶路撒冷人卖给希腊人,使他们远离自己的境界。
7tarirai, ndichavamutsa panzvimbo kwamakandovatengesa, ndidzosere pamisoro yenyu zvamakaita;
7看哪!我要激动他们离开被你们卖到的地方,我也要使报应归到你们的头上。
8ndichatengesa vanakomana venyu navanasikana venyu mumaoko avana vaJudha, ivo vachandovatengesa kuvanhu veShebha, kurudzi ruri kure, nekuti Jehovha akataura izvozvo.
8我必把你们的儿女卖在犹大人的手中,犹大人必把他们卖给远方示巴国的人,因为这是耶和华说的。”
9Paridzirai izvozvi pakati pamarudzi; zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa.
9你们要在列国中宣告以下这话:“你们要预备争战,要激动勇士。让所有的战士都近前来,让他们都上去攻击。
10Pfurai mapadza enyu ive minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo; asine simba ngaati, Ndine simba.
10要把犁头打成刀剑,把镰刀打成矛枪;软弱的要说:‘我是勇士。’
11Chimbidzikai, muuye, imwi marudzi ose akapoteredza, muungane; imwi Jehovha, mhare dzenyu ngadziburukireko.
11四围的列国啊!你们快来帮助,在那里一同聚集。耶和华啊!求你叫你的勇士下来吧。
12Marudzi avanhu ngaamuke, aende kumupata waJehoshafati; nekuti ndipo pandichagara ndichitonga marudzi ose akapoteredza.
12在约沙法谷审判万民“万国都当奋起,上到约沙法谷去。因为我必坐在那里,审判四围的列国。
13lsai jeko renyu mumunda, nekuti zviyo zvaibva; uyai musvine, nekuti chisviniro chewaini chazara, zvisviniro zvinopafuma; nekuti kushata kwavo kwakura.
13你们要伸出镰刀,因为庄稼已经熟了。来践踏吧,因为压酒池满了,酒池盈溢,因为他们的罪恶极大。
14Vazhinji-zhinji, vazhinji-zhinji varipo mumupata wokutonga! nekuti zuva raJehovha rava pedo mumupata wokutonga.
14无数的人群齐集在判决谷,因为耶和华的日子临近了判决谷。
15Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo.
15日月昏暗,星星无光。
16Jehovha achaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwevanhu vake, nenhare yavana vaIsiraeri.
16耶和华从锡安吼叫,并从耶路撒冷发声,天地就震动。耶和华却要作他子民的避难所,作以色列众子的保障。
17Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu, agere paZiyoni, iro gomo rangu dzvene; ipapo Jerusaremu richava guta dzvene, hakuna vatorwa vanozopfuura napo.
17你们知道我是耶和华你们的 神,是住在锡安我的圣山上。那时,耶路撒冷必成为圣。外族人必不得从其中经过。
18Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura zhinji; mumba maJehovha muchabuda tsime, richadiridza mupata weShitimi.
18到那日,大山都必滴下甜酒,小山都必流出奶,犹大的一切溪流,都必水流不息。必有泉源从耶和华的殿里流出来,灌溉河谷。
19Egipita richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina mhosva panyika yavo.
19埃及将会荒凉,以东必变成凄凉的旷野,都因为他们向犹大人所行的强暴,又因为在他们的国中流了无辜人血。
20Asi Judha vachavapo nokusingaperi, uye Jerusaremu kusvikira kumarudzi namarudzi.
20犹大必永存“但犹大必存到永远,耶路撒冷也必存到万代。
21Ndichapembedza ropa ravo randisina kumbopembedza; nekuti Jehovha anogara paZiyoni.
21现在我要追讨我还未有追讨的流人血的罪。耶和华在锡安居住。”