1Madzishe, ipai kuvaranda izvo zvakarurama nezvakaringana; muchiziva kuti nemwiwo muna Ishe kumatenga.
1你们作主人的,要公平地对待仆人,因为知道你们也有一位主在天上。
2Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nekuvonga;
2训勉的话你们要恒切祷告,在祷告的时候存着感恩的心警醒;
3mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho iniwo;
3也要为我们祷告,求 神为我们开传道的门,宣讲基督的奥秘(我就是为了这个缘故被捆锁),
4kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
4使我照着我所应当说的,把这奥秘显明出来。
5Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikunura nguva.
5你们要把握时机,用智慧与外人来往。
6Shoko renyu ngarigare nenyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.
6你们的话要常常温和,好像是用盐调和的,使你们知道应当怎样回答各人。
7Zvose zvakanangana neni muchaudzwa naTikiko, hama inodikamwa nemushumiri wakatendeka, nemuranda pamwe neni muna Ishe;
7问候的话我的一切景况,推基古会告诉你们。他是我所爱的弟兄,是忠心的仆役,也是在主里同作仆人的。
8wandakatumira kwamuri nechikonzero ichochi kuti azive zviri maererano nemwi, anyaradze moyo yenyu;
8我派他到你们那里去,使你们知道我们的景况,并且安慰你们的心。
9pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikamwa unova wekwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zviri pano.
9他是跟欧尼西慕一同去的。欧尼西慕是忠心的亲爱的弟兄,是你们那里的人。他们会把这里的一切告诉你们。
10Arisitako musungwa pamwe neni unokukwazisai, naMako muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo kubudikidza naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,
10与我一同坐监的亚里达古,和巴拿巴的表弟马可,问候你们。(关于马可,你们已经受了吩咐:他若到你们那里,你们要接待他。)
11naJesu unonzi Justo, vari vekudzingiswa; ivava chete vanobata neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.
11别号犹士都的耶数,也问候你们。在受过割礼的人中,只有这几位是为 神的国与我同工的,他们也成了我的安慰。
12Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, unokukwazisai, achikurwirai nguva dzose muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana, muchiziva kwazvo zvido zvose zvaMwari.
12以巴弗问候你们,他是你们那里的人,是基督耶稣的仆人;他祷告的时候,常常竭力为你们祈求,好使你们在 神的一切旨意中完全站稳,满有坚定的信念。
13Nekuti ndinopupura nezvake kuti une shungu kwazvo nekuda kwenyu, neveRaodhikia, neveHirapori.
13我可以为他作证,他为了你们和在老底嘉、希拉波立的人,多受劳苦。
14Unokukwazisai Ruka chiremba unodikamwa, naDhemasi.
14亲爱的路加医生和底马问候你们。
15Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.
15请问候在老底嘉的弟兄和宁法,以及在她家里的教会。
16Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti iverengwewo mukereke yevaRaodhikia; imwivo murave inobva Raodhikia.
16这封信你们宣读了以后,也要交给老底嘉的教会宣读;你们也要读老底嘉的那封信。
17Vudzai Akipo, muti: Chenjerera kushumira kwawakagamuchira muna Ishe kuti ukupedzise.
17你们要对亚基布说:“你要留心在主里领受的职分,好把它完成。”
18Kwaziso neruoko rwangu, ini Pauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.
18我保罗亲笔问候你们。你们要记念我的捆锁。愿恩惠与你们同在。