1Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvinhu zviri kumusoro, uko Kristu ugere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
1所以,你们既然与基督一同复活,就应当寻求天上的事,那里有基督坐在 神的右边。
2Isai fungwa dzenyu kuzvinhu zviri kumusoro, kwete zvinhu zvepanyika.
2你们要思念的,是天上的事,不是地上的事。
3Nekuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.
3因为你们已经死了,你们的生命与基督一同隐藏在 神里面。
4Kana Kristu, unova upenyu hwedu, achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.
4基督就是你们的生命,他显现的时候,你们也要和他一同在荣耀里显现。
5Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.
5所以要治死你们在地上的肢体,就如淫乱、污秽、邪情、恶欲和贪心,贪心就是拜偶像。
6Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari kunouya pavana vekusateerera;
6因着这些事, 神的忿怒必要临到悖逆的人(有些抄本无“悖逆的人”)。
7imwiwo maimbofamba mazviri, pamaigara mukati mazvo.
7你们从前在其中生活的时候,也曾经这样行过。
8Asi zvino imwiwo bvisai zvose izvi, kutsamwa, hahsa, kuvenga, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa mumuromo wenyu.
8但现在你们要除去忿怒、恼怒、恶毒、毁谤,以及粗言秽语这一切事。
9Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,
9不要彼此说谎,因为你们已经脱去了旧人和旧人的行为,
10mukafuka mutsva, unovandudzwa paruzivo, semufananidzo wewakamusika;
10穿上了新人。这新人照着他的创造者的形象渐渐更新,能够充分认识主。
11apo pasina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa, muSitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvose, uye uri mune vose.
11在这一方面,并不分希腊人和犹太人,受割礼的和未受割礼的,未开化的人和西古提人,奴隶和自由人,唯有基督是一切,也在一切之内。
12Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikamwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa mufungwa, unyoro, nemoyo murefu;
12所以,你们既然是 神所拣选的,是圣洁、蒙爱的人,就要存怜悯的心肠、恩慈、谦卑、温柔和忍耐。
13muchiitirana moyo murefu, nekukangamwirana kana munhu ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukangamwirai, saizvozvowo imwi.
13如果有人对别人有嫌隙,总要彼此宽容,互相饶恕;主怎样饶恕了你们,你们也要照样饶恕人。
14Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chekuzadzisa.
14在这一切之上,还要有爱心,爱心是联系全德的。
15Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.
15又要让基督的平安在你们心里作主;你们蒙召归为一体,也是为了这个缘故。你们要有感谢的心。
16Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi neuchenjeri hwose muchidzidzisana nekurairana namapisarema, nenziyo, nenziyo dzomweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo yenyu;
16你们要让基督的道丰丰富富地住在你们心里,以各样的智慧,彼此教导,互相劝戒,用诗章、圣诗、灵歌,怀着感恩的心歌颂 神。
17uye choga choga chamunoita pashoko kana chiito, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.
17凡你们所作的,无论是言语或行为,都要奉主耶稣的名,借着他感谢父 神。
18Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.
18过新人的生活你们作妻子的,要顺服丈夫,这在主里是合宜的。
19Varume, idai vakadzi venyu, regai kuvavavira.
19你们作丈夫的,要爱妻子,不可苦待她们。
20Vana, teererai vabereki pazvinhu zvose, nekuti izvi zvinofadza kwazvo kuna Ishe.
20你们作儿女的,要凡事听从父母,因为这在主里是可喜悦的。
21Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.
21你们作父亲的,不要激怒儿女,免得他们灰心丧志。
22Varanda, teererai pazvinhu zvose vari vatenzi venyu panyama; kwete nokushumira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama muchitya Mwari.
22你们作仆人的,要凡事听从世上的主人,作事不要只作给人看,像那些讨人欢心的一样,却要以真诚的心敬畏主。
23uye zvose kunyange chipi chamunoita, itai nomoyo sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;
23无论你们作什么,都要从心里去作,像是为主作的,不是为人作的,
24muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nekuti munoshandira Ishe Kristu.
24因为你们知道,你们一定会从主那里得到基业为赏赐。你们应当服事主基督,
25Nekuti unoita zvisakarurama, uchagamuchira zvisakarurama zvaakaita; hakuna kusarurwa kwavanhu.
25但那些不义的人,必按他所行的不义受报应。主并不偏待人。