Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Daniel

10

1Negore rechitatu raKoreshi mambo wePeresia, chimwe chinhu chakaratidzwa Dhanyeri, ainzi Bheteshazari; chinhu icho chakanga chiri chechokwadi, chiri chokurwisana kukuru; akanzwisisa chinhu icho, nokuziva kududzirwa kwezvaakaratidzwa.
1但以理再得启示与异象
2Namazuva iwayo ini Dhanyeri ndakanga ndichichema vhiki nhatu dzose.
2悲哀禁食那时,我但以理悲伤了三个星期。
3Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvinozipa, kunyange nenyama newaini hazvina kupinda mumuromo mangu, uye handina kutongozora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzose dzapera.
3美味的食物我没有吃,肉和酒没有入我的口,我也没有用膏油抹身,整整三个星期。
4Zvino nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, ndakati ndiri pamahombekombe erwizi rukuru, irwo Hidhekeri,
4得天使的安慰正月二十四日,我在底格里斯大河边的时候,
5ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akapfeka hanzu dzemicheka, akasunga chiuno chake nendarama yakaisvonaka yeUfazi;
5我举目观看,看见有一个人身穿细麻衣,腰束乌法纯金的带。
6muviri wake wakange wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji.
6他的身像碧玉,面貌像闪电的样子,眼睛像火把,手臂和腿像擦亮的铜那么闪耀,说话的声音像群众喊叫的声音。
7Zvino ini Dhanyeri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nekuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda.
7独有我但以理看见这异象,那些和我在一起的人都没有看见,不过他们却大大惊慌,逃跑躲藏起来了。
8Ini ndikasiiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nekuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.
8因此,只有我一人留下来;我看见了这大异象,就全身无力,脸色大变,一点力气都没有。
9Kunyange zvakadaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; zvino ndakati ndichinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete pachiso changu, chiso changu chakatarira pasi.
9我却仍听见他说话的声音;我一听见他说话的声音,就沉睡了,脸伏在地。
10Ipapo tarira, ruoko rwakandibata, rukandizungunusa namabvi angu nezvanza zvamaoko angu ndichidzedzereka.
10忽然有一只手按在我身上,使我用膝和手掌勉强支持着要站起来。
11Akati kwandiri, Iwe Dhanyeri, murume anodikamwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nekuti ndatumwa kwauri iwe zvino. Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera.
11他对我说:“大蒙眷爱的但以理啊!你应当留意我要对你说的话。你只管站起来,因为我现在奉差遣到你这里来。”他和我说这话的时候,我就战战兢兢地站起来。
12Ipapo akati kwandiri, Usatya Dhanyeri, nekuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako.
12他又对我说:“但以理啊!不要惧怕,因为自从你第一天决心要明白这些事,又在你的 神面前谦卑自己,你祷告的话已蒙垂听了;我就是因你祷告的话而来的。
13Asi muchinda woushe hwevaPeresia akandidzivisa mazuva ana makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, akauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPeresia.
13但波斯国的护卫天使拦阻我二十一天;后来有护卫天使长中的一位米迦勒来帮助我,我就留他在那里(“我就留他在那里”按照《马索拉抄本》应作“我就被留在那里”;现参照《七十士译本》翻译),和波斯众王在一起。
14Zvino ndauya kuzokuzivisa zvichaitirwa vanhu vako namazuva okupedzisira; nekuti zvawakaratidzwa ndezvamazuva mazhinji achazouya.
14现在我来是要使你明白日后所要发生在你的同胞身上的事,因为这异象是关于将来许多的年日的。”
15Zvino akati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi nechiso changu, ndikashayiwa shoko.
15他和我说这些话的时候,我就脸伏在地,默默无声。
16Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa.
16忽然有一位像人的,摸我的嘴唇,我就开口和那站在我面前的交谈,说:“我主啊!因着这异象,我非常痛苦,毫无气力。
17nekuti muranda washe wangu uyu angagona kutaura seiko nashe wangu uyu? nekuti kana ndirini, pakarepo ndakasara ndisina simba, uye ndakanga ndisisina mweya mukati mangu.
17我主的仆人怎能和我主说话呢?我现在全身无力,没有气息。”
18Ipapo mumwe akafanana nomunhu akandibatazve, akandisimbisa.
18那位像人的再摸我,使我有力量。
19Akati, Iwe murume anodikamwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba. Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, Ishe wangu ngaataure hake, nekuti makandisimbisa.
19他说:“大蒙眷爱的人哪!不要惧怕,愿你平安,你要大大刚强。”他和我说话的时候,我就刚强起来;于是我说:“我主请说,因为你刚强了我。”
20Zvino akati, Unoziva chandakauyira kwauri here? Zvino ndichadzokera kundorwa nomuchinda wePeresia; kana ndabvapo, tarira, muchinda weGirisi achauya.
20他说:“现在我要回去和波斯的护卫天使作战;我一离去,希腊的护卫天使就要来。但你知道我为什么到你这里来吗?
21Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; asi hakuna anozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri muchinda wenyu.
21我来是要把那记录在真理书上的事告诉你。除了你们的护卫天使米迦勒之外,没有一个帮助我,和我一起抵挡他们。”