1Kana ndirini, negore rokutanga raDhariusi muMedhia, ini ndakasimuka kundomutsigira nokumudzivirira.
1波斯攻击希腊的预言
2Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nefuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe bweGirisi.
2现在我要把真理告诉你。看哪!在波斯还有三个王要兴起;第四个王必非常富有,远超过所有的王;他因富足成为强盛以后,就必煽动众民攻击希腊国。
3Zvino mambo ane simba achamuka, achabata ushe nesimba guru, achiita sezvaanoda.
3后来必有一个英勇的王兴起,他必执掌大权,任意而行。
4Kana amuka, ushe hwake huchadamburwa, ndokuparadzanisirwa kumhepo ina dzokudenga, asi hahungaendi kuvazukuru vake, uye hahungaenzani nesimba raakabata naro iye; nekuti ushe hwake huchadzurirwa vamwe kunze kwaivavo.
4他兴起的时候,他的国就破裂,向天的四方(“四方”原文作“四风”)分开,却不归给他的后代,国势也不及他掌权的时候;因为他的国必被拔出,归给他后代以外的人。
5Mambo wezasi achava nesimba, nomumwe wamachinda ake; zvino iye achamupfuura nesimba, ndokubata ushe; ushe hwake huchava ushe hukuru.
5南方王与北方王时战时和“南方的王必强盛,他的将领中必有一个比他更强盛的,这人必掌权,他的权势很大。
6Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzoenzaniswa, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyange naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa pakuparadzwa.
6过了多年,南方王的女儿必到北方王那里去修好,他们必互相结盟。但这女子的势力必存留不住;王和他的势力也站立不住;她连同那些带她来的、那生她的,和那帮助她的,都被交出处死。
7Asi pabukira remidzi yake mumwe achamuka panzvimbo yake; iye acharwa namambo wokumusoro, acharwa navo nokuvakunda.
7但这女子的本家(“本家”原文作“根”)必另有一个儿子(“儿子”原文作“枝子”)兴起,继承父位;他必来攻击北方王的军队,进入北方王的堡垒,攻打他们,而且得胜。
8Achatapawo vamwari vavo, pamwechete nemifananidzo yavo yakaumbwa, nemidziyo yavo yakanaka yesirivha nendarama, achindozviisa Egipita; ipapo acharega mambo wokumusoro mamwe makore.
8他又把他们的神像、铸成的偶像,连同金银的宝器,都一起掳掠到了埃及去。此后数年之久,他不再去攻击北方王。
9Achapindawo muushe hwamambo wezasi, asi achazodzokera kunyika yake.
9后来北方王必侵入南方王的国土,然后撤退归回本国。
10Vanakomana vake vachandorwa, vachaunganidza boka guru ravarwi, richauya, nokupararira, ndokupfuura neseri; ipapo richadzoka ndokuzorwa kusvikira panhare yake.
10“北方王的众子必备战,招集大军;这大军前进,如洪水泛滥,横扫南方王的国土;之后他又再去争战,直到南方王的堡垒。
11Zvino mambo wezasi achatsamwa zvikuru, achandorwa naye, naiye mambo wokumusoro; asi iye achakokera boka guru, boka iro richaiswa mumaoko ake.
11南方王必发大怒,出来和北方王交战;北方王必摆列大军,但这大军必交在南方王的手里。
12Boka iro richatapwa, zvino mwoyo wake uchazvikudza; uchaparadza vana makumi ezviuru, asi haangakundi.
12这大军被扫除以后,南方王就心高气傲;他虽然使千万人倒毙,他的胜利却不能持久。
13Zvino mambo wokumusoro achadzoka, ndokukokera boka guru kune rokutanga; achauya pakupera kwenguva dziya, dziya dzamakore ane hondo huru nenhumbi zhinji.
13北方王必再招聚大军,比先前的更多;时机成熟的时候,他就率领装备好了的大军而来。
14Nenguva idzo vazhinji vachamukira mambo wezasi; uye vana vavanopenga pakati pavanhu vako vachazvikudza, kuti vasimbise zvawakaratidzwa; asi vachaparadzwa.
14“那时,必有许多人起来攻击南方王,并且你同胞中的强暴人必挺身而起,要使那异象应验,但他们必失败。
15Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handzingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro.
15北方王必来,堆土筑垒攻取坚固城。南方的军力必抵挡不住,甚至精锐的部队也无力抵抗。
16Asi uyo anouya kuzorwa naye achaita sezvaanoda, hakuna angamira pamberi pake; zvino iye achamira panyika yakaisvonaka, akabata kuparadza muruoko rwake.
16那来攻击南方王的,必任意而行;没有人能在他面前站立得住;他必站在那荣美之地,手握毁坏之权。
17Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana.
17他决意倾全国的力量而来,但他先和南方王修好,把自己的女儿给南方王为妻,好毁灭南国;可是他的计划没有成功,他自己也得不到什么好处。
18Shure kwaizvozvo acharinzira chiso chake kuzvivi, ndokukunda zvizhinji; asi mumwe mukuru wehondo achagumisa kushoora kwake; kunze kokuti achadzosera kushoora kwake kuna iye amene.
18后来他必转向沿海的岛屿,夺取了许多海岛。但有一个将领要制止他的骄横,并且使他的骄横归回他身上。
19Ipapo acharinzira chiso chake kunhare dzenyika yake; asi achagumburwa nokuwa, ndokushayikwa.
19于是他转向自己国中的堡垒,终于绊跌仆倒,不再存在了。
20Zvino panzvimbo yake kuchamuka mumwe achatuma muteresi kupfuura pakaisvonaka paushe hwake, asi kana mazuva mashoma apera uchaparadzwa, zvisingaitwi nehasha kana nokurwa.
20“那时,必有一个人兴起来代替他;这人要派一个横征暴敛的人,为了王国的荣华,走遍全地;可是不多几日,这人就必被毁灭,不是因为忿怒,也不是因为战争。
21Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa koushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
21必另有一个卑鄙的人兴起来代替他;虽然人未曾把王国的尊荣给这人,这人却乘人不备的时候来到,用奉承的话夺得了王国。
22Hondo dzinokukura dzichakukurwa pamberi pake, dzichaparadzwa; zvirokwazvo, naiye muchinda wesunganowo.
22必有无数的军兵在他面前像洪水冲没,并且溃败;立约的君也必这样。
23Kana apedza kusungana navo, achavanyengera; nekuti achakwirira, nokuva nesimba navanhu vashoma.
23他结盟以后,就必行诡诈;他虽然只有少数的国民,却渐渐强盛起来。
24Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva chete.
24他必乘人不备的时候,侵入省内最富庶的地区,行他列祖和他列祖的祖先所未曾行过的;他把掳掠之物和财物分给自己的部属;又必设下计谋攻打堡垒,只是这都是暂时的。
25Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nekuti vachamutandira mano.
25他必竭尽己力,鼓起勇气,率领大军攻击南方王;南方王也必带领极强大的军队奋起还击,却抵挡不住,因为有人设下计谋陷害南方王。
26Vanodya zvokudya zvake, ndivo vachamuparadza; hondo yake ichapararira, vazhinji vachawira pasi vaurawa.
26那些吃王膳的必毁灭他;他的军队必被冲没,受重伤而倒毙的很多。
27Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nekuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa.
27至于那两个王,他们都存心不良;他们同桌吃饭,也彼此说谎;他们的阴谋却不成功,因为要到了指定的时候,结局才会来到。
28Ipapo achadzokera kunyika yake nenhumbi zhinji; mwoyo wake uchavenga sungano, achaita sezvaanoda, ndokudzokera kunyika yake.
28北方王废弃圣约“北方王必带着大批财物返回自己的国土去;他的心既然反对圣约,必任意而行,然后返回自己的国土去。
29Nenguva yakatarwa uchadzoka, ndokusvika kunyika yezasi; asi nenguva yokupedzisira hazvingaiti sapakutanga.
29“到了指定的时候,他必回来,再侵入南方的王国,不过这次的情况却不像前一次。
30nekuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.
30因为基提的战船必来攻击他,他就丧胆而回;他又恼恨圣约,任意而行;他必回来,听取那些背弃圣约的人的建议。
31Hondo dzichamutswa naye., dzichamhura nzvimbo tsvene, iye nhare, vachabvisa chipiriso chinopiswa nguva dzose, ndokumutsa chinonyangadza chinoparadza.
31他的军队必起来,亵渎圣殿,就是那堡垒,废除常献祭,又在殿里设立了那使地荒凉的可憎的像。
32Vanoitira sungano zvakaipa, achavatsausa nokubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru.
32那些作恶违背圣约的人,他必用奉承的话败坏他们;但认识 神的人民,必刚强行事。
33Vakachenjera pakati pavanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachaparadzwa nomunondo, uye nomurazvo womoto, uye nokutapwa, uye nokupambwa mazuva mazhinji.
33民中的智慧人必使许多人明白是非;但他们必有很多日子倒在刀剑之下,或被火烧,或被掳去,或被抢掠。
34Zvino kana voparadzwa vachabatsirwa nokubatsirwa kuduku; asi vazhinji vachazviisa kwavari nokubata kumeso.
34他们仆倒的时候,必得到一些援助,必有许多人用奉承的话要和他们联盟。
35Vamwe vavo vakachenjera vachaparadzwa, kuti vaedzwe, vacheneswe, kusvikira kunguva yokupedzisira; nekuti nguva yokupedzisira ichigere kusvika.
35智慧人中有些仆倒的,为要锻炼他们,洁净他们,使他们成为雪白,直到末了,因为要到了指定的时候,结局才会来到。
36Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nekuti zvakatemwa zvichaitika.
36“那王必任意而行,自高自大,超过所有的神,又说一些怪诞的话攻击万神之 神。他必行事顺利,直到 神的忿怒完毕;因为所定的事必会实现。
37Uye haangavi nehanya navamwari vamadzibaba ake, kana norudo rwavakadzi, haangavi nehanya namwari upi noupi; nekuti achazvikudza achiti ndakapfuura vose.
37他必不尊重他列祖所拜的神,也不尊重妇女所爱慕的神,无论什么神他都不尊重,因为他必自大,高过一切。
38Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakange asingazikamwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikamwa.
38他倒要敬拜堡垒的神,用金银宝石和各样珍宝去敬拜他列祖所不认识的神。
39Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani waanorangarira, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubayiro wavo.
39他必得着外族神的帮助,攻破坚固的堡垒;凡承认他的,他必使他们大得尊荣,又使他们管辖许多人,并且把土地分给他们作赏赐。
40Zvino nenguva yokupedzisira mambo wezasi achapesana naye; mambo wokumusoro achauya kuzorwa naye sechamupupuri, ane ngoro navatasvi vamabhiza nezvikepe zvizhinji, achapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuura neseri.
40“到了末期,南方王要和他交战;北方王必带着战车、骑兵和大批战船,像暴风一般来到他那里;他必侵入列国,如洪水泛滥,横扫而过。
41Achapindawo munyika yakaisvonaka, nyika zhinji dzichakundwa, asi idzi dzicharwirwa paruoko rwake, dzinoti Edhomu, neMoabhu norutivi rwakanaka rwavana vaAmoni.
41他也必侵入那荣美之地;必有许多国倾覆;但那些以东人、摩押人和亚扪人的首领,必被拯救脱离他的手。
42Achatambanudzirawo ruoko rwake kune dzimwe nyika; nyika yeEgipita haingapukunyuki.
42他必伸手攻击列国,埃及地也不能逃脱。
43Asi achava anesimba pamusoro pefuma yendarama nesirivha, napamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveEgipita; vaRibhia navaItiopia vachatevera makwara ake.
43他必掌管埃及的金银宝藏和一切珍宝;吕彼亚人和古实人都必追随他。
44Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundusa; ipapo achabuda nehasha kwazvo kundoparadza nokupedza chose vazhinji.
44但从东方和北方必有消息传来,使他惊惶,他就在烈怒之下出兵,要把许多人杀尽灭绝。
45Achadzika matende ake oushe pakati pemakungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro achasvika pakuguma kwake, achashayiwa anomubatsira,
45他必在海和荣美的圣山之间支搭如宫殿一般的帐幕;然而他们的结局来到,必没有人能帮助他。”