Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Daniel

2

1Negore rechipiri rokubata ushe kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari akarota hope; mweya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza.
1巴比伦王忘记自己的梦
2Ipapo mambo akarayira kuti vachenjeri nen'anga navaroyi navaKaradhea vadamwe kuzodudzira mambo kurota kwake. Ipapo vakapinda vakamira pamberi pamambo.
2于是王吩咐人把术士、用法术的、行邪术的和迦勒底人都召来,要他们把王的梦告诉王。他们来了,站在王面前。
3Mambo akati kwavari, Ndarota hope, zvino mweya wangu unotambudzika ndichiti ndinzwisise kurota kwangu.
3王对他们说:“我作了一个梦,心里烦乱,我要知道这是什么梦。”
4Ipapo vaKaradhea vakataura namambo norurimi rwavaSiria, vakati, Mambo ngaararame nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.
4迦勒底人用亚兰话对王说:“愿王万岁!请把那梦告诉仆人,我们好解释梦的意思。”
5Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa-gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru.
5王回答迦勒底人说:“我已经定旨:如果你们不把那梦和梦的意思向我说明,就必被碎尸万段,你们的家必成为废墟。
6Asi kana mukandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchapiwa neni zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru; naizvozvo chindizivisai kurota nokududzirwa kwazvo.
6如果你们能把那梦和梦的意思向我解释,就必从我这里得礼物、奖赏和大尊荣,所以你们要把梦和梦的意思向我解释。”
7Ivo vakapindura rwechipiri, vachiti, Mambo ngaaudze varanda vake kurota kwake, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.
7他们第二次回答王说:“请王把梦告诉仆人,我们好解释梦的意思。”
8Mambo akapindura, akati, Ndinoziva kwazvo kuti imwi munongotsvaka kuwedzerwa nguva, nekuti munoona kuti shoko iri ratemwa neni.
8王回答说:“我清楚知道你们企图拖延时间,因为你们看出我已经定旨。
9Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nekuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.
9如果你们不把那梦向我说明,只有一个办法对付你们。你们串通在我面前胡言乱语,希望时势有所改变。你们现在要把梦告诉我,好使我知道你们真能把梦的意思向我解释。”
10VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nekuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n'anga, kana muKaradhea upi noupi.
10迦勒底人无法说出王的梦迦勒底人在王面前回答说:“世上没有人能把王所问的事说出来,因为从来没有一个伟大和有权势的君王向术士、用法术的和迦勒底人询问过这样的事。
11Chinhu chinobvunzwa namambo chikuru kwazvo, hakuna angachizivisa kuna mambo, asi vamwari ugaro hwavo hahwusi panevenyama.
11王所问的事很难答,除了那不和世人同住的神明以外,没有人能在王面前把这事说出来。”
12Nemhaka iyi mambo akatsamwa, akava nehasha kwazvo, akarayira kuti vachenjeri vose veBhabhironi vaurawe.
12因此,王大发烈怒,下令杀绝巴比伦所有的智慧人。
13Naizvozvo chirevo chakatemwa kuti vachenjeri vaurawe, vakatsvakawo Dhanyeri neshamwari dzake kuti vaurawe.
13于是王的御旨发出,要把智慧人都杀死;人就寻找但以理和他的同伴,要杀死他们。
14Ipapo Dhanyeri akapindura Arioki nenjere nokungwara, iye mukuru wachengeti vamambo, akanga abuda kundouraya vachenjeri veBhabhironi;
14但以理求王宽限那时,王的护卫长亚略出来,要杀死巴比伦的智慧人,但以理就婉转机敏地向他询问;
15akati kuna Arioki mukuru wavachengeti vamambo, Chirevo ichi chamambo chine chimbichimbi neiko? Ipapo Arioki akazivisa Dhanyeri shoko iro.
15但以理对王的护卫长亚略说:“王的命令为什么这样严厉呢?”亚略就把这事告诉但以理。
16Zvino Dhanyeri akapinda kuna mambo, akakumbira kwaari kuti amutarire nguva, azivise mambo kududzirwa kwazvo.
16但以理就进去,求王宽限,使他可以把那梦的意思为王解释。
17Ipapo Dhanyeri akaenda kumba kwake, akandozivisa shamwari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro;
17 神把梦的意义指示但以理但以理回到自己的家里,把这事告诉他的同伴哈拿尼雅、米沙利和亚撒利雅,
18kuti vakumbire nyasha kuna Mwari wokudenga pamusoro pechinhu ichi chakavanzika, kuti Dhanyeri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vachenjeri veBhabhironi.
18要他们为这隐秘的事祈求天上的 神怜悯,免得但以理和他的同伴与巴比伦其余的智慧人一同灭亡。
19Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanyeri pane chaakaratidzwa usiku. Dhanyeri akatenda Mwari wokudenga.
19于是这隐秘的事在夜间的异象中给但以理显明了。但以理就称颂天上的 神。
20Dhanyeri akapindura, akati, Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi-peri, nekuti uchenjeri nesimba ndezvake.
20但以理说:“愿 神的名得称颂,从永远直到永远,因为智慧和能力都是属他的。
21Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo;
21他改变时间、季节;他废王、立王;他赐智慧给智慧人,赐知识给聪明人。
22ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari.
22他显明深奥和隐密的事,他洞悉暗中的一切,因为光明与他同住。
23Ndinokutendai nokukurumbidzai, imwi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nekuti makatizivisa shoko ramambo.
23我列祖的 神啊!我感谢你,赞美你!你把智慧和能力赐了给我;我们向你所求的,现在你已向我显明,把王的事告诉了我们。”
24Naizvozvo Dhanyeri akapinda kuna Arioki, akanga arayirwa namambo kuparadza vachenjeri veBhabhironi; akandoti kwaari, Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndiise pamberi pamambo, ndichazivisa mambo kududzirwa kwazvo.
24但以理入宫见王于是但以理进去见亚略,就是王委派去杀绝巴比伦的智慧人的,对他这样说:“不要杀绝巴比伦的智慧人;请把我带到王面前,我要把梦的意思向王解释。”
25Ipapo Arioki akaisa Dhanyeri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.
25亚略就急忙把但以理带到王面前,对王这样说:“我在被掳的犹大人中找到一个能把梦的意思向王说明的人。”
26Mambo akapindura, akati kuna Dhanyeri, ainzi Bheteshazari. Iwe unogona kundizivisa kurota kwandakaona, nokududzirwa kwazvo here?
26王问称为伯提沙撒的但以理说:“你能向我说明我所见的梦和梦的意思吗?”
27Dhanyeri akapindura mambo, akati, Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana n'anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo;
27但以理在王面前回答说:“王所问的那隐秘的事,没有智慧人、用法术的、术士和占星家能向王解释;
28asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhovo dzenyu, hezvi;
28只有一位在天上的 神能把一切隐秘的事显明;他已经把日后将要发生的事告诉你尼布甲尼撒王了。你的梦和你躺在床上时脑海中出现的异象就是这样:
29kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhovo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa.
29王啊!你躺在床上时,想到日后将要发生的事,那显明隐秘事的 神就把将要发生的事向你说明了。
30Asi kana ndirini, chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose, asi kuti mambo aziviswe kududzirwa kwazvo, uye kuti muziviswe pfungwa dziri mumwoyo wenyu.
30现在这隐秘的事向我显明,并不是因为我的智慧胜过所有的人,而是要使王知道梦的意思和你心想明白的事。
31Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakakurisisa, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.
31复述梦境“王啊!你正在观看,看见有一座大像,那像甚高,非常光耀,竖立在你面前,样貌十分可怕。
32Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakange uri wendarama yakaisvo-naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira,
32这像的头是纯金的,胸膛和手臂是银的,腹和腰是铜的,
33makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu.
33腿是铁的,脚是铁和泥混杂的。
34Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa-putsa.
34你正观看的时候,有一块非人手凿成的石头,击在那座大像铁和泥混杂的脚上,把脚砸碎了。
35Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose.
35于是铁、泥、铜、银、金都一同砸得粉碎,好像夏天禾场上的糠秕,被风吹散,无处可寻;那打碎这像的石头却变成一座大山,充满全地。
36Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberi pamambo.
36详解梦义“这就是那梦,现在我们要在王面前讲解那梦的意思。
37imwi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMwari wokudenga ushe noumambo nesimba nokubwinya;
37王啊!你是万王之王,天上的 神已经把国度、权柄、能力和尊荣都赐给你;
38pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imwi ndimi musoro wendarama.
38也把散居在各处的世人、田野的走兽和空中的飞鸟,都交在你手里,使你管理这一切。你就是那金头。
39Shure kwenyu bwumwe vushe bwuchamuka, vuduku kwamuri; tevere vushe bwechitatu bwendarira; huchabata panyika yose.
39在你以后,另一国将兴起,不及于你。后有第三国,就是那铜的,要统治全地。
40Ushe bwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya.
40还有第四国,坚强如铁,因为铁能砸碎击破万物;铁怎样压碎一切,那国也要照样砸碎一切。
41Zvamakaona tsoka nezvigumwe, zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari, pamwe nedare, uchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo, zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu vokuumba naro.
41正如你看见那像的脚和脚趾是窑匠的泥和铁混杂的,那国也必分裂;正如你看见铁和陶泥混合在一起,那国也必有铁的坚硬。
42zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwe nedare pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba, pamwe haungatani kuputsika.
42那些脚趾是铁和泥混杂的,那国也必是部分坚强,部分脆弱。
43Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu.
43你怎样看见铁和陶泥混合在一起,那国的人也必和列国的人通婚混杂,却不能彼此联合,正如铁和泥不能混杂一样。
44Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe, usingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.
44那些王在位的时候,天上的 神必兴起另一个永不灭亡的国,国权必不归给别族的人。这国必砸碎毁灭其他各国;并且这国必存到永远。
45Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa-putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.
45正如你看见那块从山而出,非人手凿成的石头,把铁、铜、泥、银和金都砸碎了,伟大的 神已把日后必有的结局都告诉王了。这梦是确实的,梦的意思也是准确的。”
46Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanyeri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuhwira zvinozipa.
46王高抬并重赏但以理尼布甲尼撒王俯伏在地,向但以理下拜,又下令向但以理献上供物和香品。
47Mambo akapindura Dhanyeri, akati, Zvirokwazvo, Mwari wako ndiye Mwari wavamwari, naIshe wamadzimambo, nomuzivisi wezvakadzama, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakavanzika
47王对但以理说:“你们的 神真是万神之神,万王之王,又是显明隐秘事的,因为你能把这隐秘的事显明出来。”
48Ipapo mambo akaita Dhanyeri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, akamuita mubati wenyika yose yeBhabhironi, nokumuitawo mutariri mukuru wavakachenjera vose veBhabhironi.
48于是王提升但以理,赐他许多贵重的礼物,使他管理巴比伦全省,又立他为总长,管理巴比伦所有的智慧人。
49Dhanyeri akakumbira kuna mambo, akagadza Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakava varairi vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi; asi Dhanyeri akagara pasuwo ramambo.
49但以理求王,王就委派沙得拉、米煞、亚伯尼歌管理巴比伦省的政务;但以理却在朝中侍立。