Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Daniel

3

1Zvino mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chendarama chakanga chakaita mamita makumi matanhatu pakureba, namamita matanhatu paupamhi; akachimisa pabani reDhura munyika yaBhabhironi.
1王制造金像并下令全国敬拜
2Ipapo mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vefuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
2尼布甲尼撒王派人召集总督、总监、省长、参谋、财政大臣、法官、裁判官和各省所有的官员,要他们参加尼布甲尼撒王为所立的像举行的揭幕典礼。
3Ipapo machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vefuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika vakaungana kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari; vakamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
3于是总督、总监、省长、参谋、财政大臣、法官、裁判官和省内所有其他的官员,都聚集起来,参加尼布甲尼撒王为所立的像举行的揭幕典礼;他们都站在尼布甲尼撒所立的像前。
4Zvino mudanidziri akadanidzira nesimba achiti, Munorayirwa imwi vanhu, namarudzi, namarimi,
4那时,传令官大声呼叫说:“各国、各族、说各种语言的人哪!这是传给你们的命令:
5kuti nenguva yamunonzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhinezari;
5你们一听见角、笛、琵琶、弦琴、竖琴、风笛和各种乐器的声音,就要俯伏,向尼布甲尼撒王所立的金像下拜。
6ani naani asingawiri pasi achinamata, nenguva iyo achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
6凡不俯伏下拜的,就必立刻扔在烈火的窑中。”
7Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhinezari.
7因此,各国、各族和说各种语言的人,一听见角、笛、琵琶、弦琴、竖琴和各种乐器的声音,就都俯伏,向尼布甲尼撒王所立的金像下拜。
8Zvino nenguva iyo vamwe vaKaradhea vakaswedera vakapomera vaJudha.
8迦勒底人指控但以理之三友那时,有几个迦勒底人前来,诬蔑控告犹大人。
9Vakapindura, vakati kuna mambo Nebhukadhinezari, Imi mambo, raramai nokusingaperi.
9他们对尼布甲尼撒王说:“愿王万岁!
10imwi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama;
10王啊,你曾下令,凡听见角、笛、琵琶、弦琴、竖琴、风笛和各种乐器声音的人,都要俯伏,向金像下拜。
11asi ani naani asingawiri pasi achinamata, achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
11凡不俯伏下拜的,就必被扔在烈火的窑中。
12Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vana Shadhireki naMisheki naAbhedhinego; varume ava havana hanya nemi, imwi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.
12但有几个犹大人,就是王所派管理巴比伦省政务的沙得拉、米煞和亚伯尼歌,王啊!这些人不理会你的命令,不事奉你的神,也不向你所立的金像下拜。”
13Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo.
13王怒责三人当时尼布甲尼撒勃然大怒,吩咐人把沙得拉、米煞和亚伯尼歌带来;他们就被带到王面前。
14Nebhukadhinezari akapindura akati kwavari Mavune here, imwi Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, kuti hamushumiri mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?
14尼布甲尼撒问他们说:“沙得拉、米煞、亚伯尼歌啊!你们真的不事奉我的神,也不向我所立的金像下拜吗?
15Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchina mata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira komumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeramwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?
15现在,如果你们想清楚,一听见角、笛、琵琶、弦琴、竖琴、风笛和各种乐器的声音,就俯伏向我所做的像下拜,那还可以。如果你们不下拜,就必立刻扔在烈火的窑中。哪里有神能救你们脱离我的手呢?”
16Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo: Imwi Nebhukadhinezari: Hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri.
16拒绝拜金像沙得拉、米煞、亚伯尼歌回答王说:“尼布甲尼撒啊!这件事我们无需回答你。
17Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imwi mambo.
17如果我们被扔在火窑里,我们所事奉的 神必能拯救我们;王啊!他必拯救我们脱离烈火的窑和你的手。(本节或译:“如果我们所事奉的 神能拯救我们,王啊!他必拯救我们脱离烈火的窑和你的手。”)
18Asi kana zvikasaitika, zivai imwi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.
18即或不然,王啊!你要知道,我们决不事奉你的神,也不向你所立的金像下拜。”
19Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhireki naMisheki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.
19三人在烈火的窑中毫无损伤当时尼布甲尼撒向沙得拉、米煞和亚伯尼歌大发烈怒,连脸色也变了,吩咐人把窑烧热,比平常猛烈七倍。
20Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo.
20又吩咐他军队中几个最精壮的士兵,把沙得拉、米煞和亚伯尼歌绑起来,扔在烈火的窑中。
21Ipapo varume avo vakasungwa vakapfeka majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguvo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
21于是这三个人穿着外袍、长裤、头巾和身上其他的衣服,被绑起来,扔在烈火的窑中。
22Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhireki naMisheki naAbhedhinego.
22由于王的命令紧急,窑又烧得非常猛烈,那些把沙得拉、米煞和亚伯尼歌抬起来的人,都被火焰烧死了。
23Varume ava vatatu, vana Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.
23而沙得拉、米煞和亚伯尼歌这三个人仍被绑着,落入烈火的窑中。
24Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here? Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, Ndizvozvo, mambo.
24王亲历其境就称颂 神那时尼布甲尼撒王非常惊奇,急忙起来,问他的谋臣说:“我们绑起来扔在火里的,不是三个人吗?”他们回答王说:“王啊!是的。”
25Iye akapindura, akati, Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita soMwanakomana waMwari.
25王说:“但我见有四个人,并没有绑着,在火中走来走去,也没有受伤,并且那第四个的样貌好像神子。”
26Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wevira romoto wakange uchipfuta kwazvo, akataura, akati, Nhai imwi Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, imwi varanda vaMwari Wekumusoro-soro, budai muuye pano. Ipapo Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakabuda mukati memoto.
26于是尼布甲尼撒走近烈火的窑口,说:“至高 神的仆人沙得拉、米煞和亚伯尼歌啊!你们出来,到这里来吧。”沙得拉、米煞和亚伯尼歌就从火中出来。
27Zvino machinda navarayiri namadzishe namakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto wakange washaiwa simba pamiviri yavo, kunyange nevhudzi remisoro yavo rakanga risina kubviswa, namajasi avo akanga asina kubvuraudzwa; kunyange nomunhuwi womoto wakange usina kusvika kwavari.
27那些总督、总监、省长和王的谋臣,都聚拢来看这三个人,见火无力伤他们的身体;他们的头发没有烧焦,衣服没有烧坏,身上也没有火烧的气味。
28Nebhukadhinezari akataura akati, Mwari waShadhireki naMisheki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo.
28尼布甲尼撒说:“沙得拉、米煞、亚伯尼歌的 神是应当称颂的,他差遣使者拯救那些倚靠他的仆人;他们违抗王的命令,宁愿舍命,除了自己的 神以外,不肯事奉敬拜任何其他的神。
29Naizvozvo ndinotema chirevo, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhireki naMisheki naAbhedhinego, vatemwe-temwe, neimba yavo iitwe durunhuru; nekuti hakuna mumwe mwari anogona kurwira saizvozvo.
29我现在下令:无论各国、各族、说各种语言的人,凡说话得罪沙得拉、米煞、亚伯尼歌的 神的,必被碎尸万段,他的家也必成为废墟,因为没有别的神能这样施行拯救。”
30Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhireki naMisheki naAbhedhinego panyika yeBhabhironi.
30于是王在巴比伦省提升了沙得拉、米煞和亚伯尼歌。