1Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nekuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.
1世事难测宜忠心勤劳
2Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nekuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
2你要分为七份,或分为八份,因为你不知道将来会有什么灾祸在地上发生。
3Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.
3云若充满水气,雨就倾倒在地上;树无论向南倒,或向北倒,倒在哪里,就横在哪里。
4Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.
4看风的,不撒种;观云的,不收割。
5Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amafupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
5你不晓得风的路向,不知道骨头如何在孕妇胎中形成,照样,创造万物之 神的作为,你也不得而知。
6Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nekuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
6早晨要撒你的种,直到黄昏也不要歇手;因为你不知道哪一样种得成,是早撒的,或晚撒的,或两者都一样好。
7Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.
7当趁壮年记念主光是美好的,眼睛得见天日,也是好的。
8Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo.
8人无论多长寿,都当乐在其中,不过他要想到黑暗的日子,因为这些日子将会很多;要来的,都是虚空的。
9Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
9年轻人哪!你在幼年时要快乐,在壮年的日子,要使你的心欢畅;顺着你心所愿的,眼所见的去行。不过,你要知道,为了这一切事, 神必审问你。
10Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nekuti uduku noujaya hazvinamaturo.
10所以你当除掉心中的烦恼,除去肉体的疾苦,因为无论是幼年或是壮年,都是虚空的。