Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Ephesians

5

1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikamwa;
1因此,你们既然是蒙爱的儿女,就应当效法 神。
2uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibayiro kuna Mwari kuva hwema hwunonhuhwira.
2要凭着爱心行事,好像基督爱我们,为我们舍己,当作馨香的供品和祭物献给 神。
3Asi upombwe netsvina yose kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
3至于淫乱和任何污秽或贪心的事,在你们中间连提都不可提,才合圣徒的体统。
4neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
4更不要讲淫秽和愚妄的话,或下流的笑话,这些都与你们不相称;却要说感谢的话。
5Nekuti izvi munozviziva kuti hakuna mhombwe, kana munhu usina kuchena, kana munhu unochiva, unova munamati wezvifananidzo, ungava nenhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.
5因为你们确实知道,无论是淫乱的、污秽的或贪心的(贪心就是拜偶像),都得不到在基督和 神的国里的基业。
6Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nekuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevanakomana vekusateerera.
6要作光明的儿女不要给别人用空言欺骗了你们,正因为这些事, 神的震怒必定临到那些悖逆的人。
7Naizvozvo regai kuva vagovani navo;
7所以,不要与他们同流合污。
8Nekuti maimbova rima, asi zvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.
8你们从前是黑暗的,现今在主里却是光明的,行事为人就应当像光明的儿女。
9Nekuti chibereko chemweya chiri mukunaka kose nekururama, nechokwadi,
9光明所结的果子,就是一切良善、公义、诚实。
10muchiidza zvinofadza kuna Ishe;
10你们要察验什么是主所喜悦的。
11uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mumhure;
11不要参与暗昧无益的事,倒要把它揭露出来,
12Nekuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura nezvazvo.
12因为他们暗中所作的事,连提起来也是羞耻的。
13Asi zvinhu zvose zvinomhurwa zvinoratidzwa nechiedza; nekuti zvose, zvinoratidzwa chiedza,
13凡被光揭露的,都是显而易见的。
14saka unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, zvino Kristu uchakuvhenekera.
14因为一切显露出来的就是光,所以有话说:“睡了的人哪,醒过来,从死人中起来吧!基督必要照亮你。”
15Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;
15所以,你们行事为人要谨慎,不要像愚昧人,却要像聪明人。
16muchidzikunura nguva, nekuti mazuva akaipa.
16要把握时机,因为这时代邪恶。
17Saka musava matununu, asi vanonzwisisa kuti kuda kwaIshe kwakadini.
17因此,不要作糊涂人,要明白什么是主的旨意。
18Uye regai kudhakwa newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya;
18不要醉酒,醉酒能使人放荡乱性,却要让圣灵充满。
19muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe;
19应当用诗章、圣诗、灵歌,彼此呼应,口唱心和地赞美主。
20muchipa kuvonga nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu;
20凡事要奉我们主耶稣基督的名,常常感谢父 神,
21muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.
21还要存敬畏基督的心,彼此顺服。
22Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu, sekuna Ishe.
22丈夫与妻子你们作妻子的,要顺服自己的丈夫,好像顺服主一样,
23Nekuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke; uye ndiye Muponesi wemuviri.
23因为丈夫是妻子的头,好像基督是教会的头;基督又是教会全体的救主。
24Asi kunyange kereke sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachinhu chose.
24教会怎样顺服基督,妻子也要照样凡事顺服丈夫。
25Varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;
25你们作丈夫的,要爱妻子,好像基督爱教会,为教会舍己,
26kuti aiite tsvene ainatse nekushambidza kwemvura neshoko,
26为的是要用水借着道把教会洗净,成为圣洁,
27kuti aikumikidze kwaari iri kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chinhu chakadai; asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.
27可以作荣耀的教会归给自己,什么污点皱纹等也没有,而是圣洁没有瑕疵的。
28Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida iye;
28丈夫也应当这样爱妻子,好像爱自己的身体一样。爱妻子的,就是爱自己了。
29Nekuti hakuna munhu wakatongovenga nyama yake, asi unoifunda nekuichengetedza, saizvozvo Ishe kukereke;
29从来没有人恨恶自己的身体,总是保养顾惜,好像基督对教会一样,
30Nekuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.
30因为我们是他身上的肢体。
31Nekuda kwaizvozvi munhu uchasiya baba namai vake, abatanidzwe kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.
31为了这缘故,人要离开父母,与妻子结合,二人成为一体。
32Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nekereke.
32这是极大的奥秘,但我是指着基督和教会说的。
33Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nemukadzi ngaatye murume.
33无论怎样,你们各人都要爱自己的妻子,好像爱自己一样。妻子也应当敬重丈夫。