1Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.
1以西结受感作先知
2Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.
2他对我说话的时候,灵就进到我里面,使我站立起来;我又听见对我说话的声音。
3Iye akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva irori ranhasi.
3他对我说:“人子啊!我差派你到以色列人那里去,就是到那背叛我的叛逆国民那里去!他们和他们的列祖都得罪了我,直到今日。
4Vana vane moyo mikukutu nemoyo yakasindimara; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi nalshe Jehovha.
4这人民十分顽固,心里刚硬,我差派你到他们那里去。你要对他们说:‘主耶和华这样说。’
5Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nekuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.
5他们或听或不听(他们原是叛逆的民族),也必知道在他们中间有一位先知。
6Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato nemhinzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nekuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo.
6以西结受 神训勉“人子啊!至于你,虽然荆棘和蒺藜在你周围,你又住在蝎子群中,你不要怕他们,也不要怕他们讲的话。他们原是叛逆的民族,你总不要怕他们讲的话,在他们面前,也不要惊惶。
7Asi iwe unofanira kuvavudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nekuti vanondimukira simba kwazvo.
7他们或听或不听,你只要把我的话告诉他们,他们原是叛逆的。
8Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.
8看见书卷“人子啊!至于你,你要听我对你讲的话。不要叛逆我,像那叛逆的民族一样。张开你的口,把我赐给你的吃下去!”
9Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;
9我观看,看见一只手向我伸过来,手中有一卷书卷。
10akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.
10他把书卷在我面前展开,书卷内外都写上字,写的是哀歌、悲叹和灾祸。