Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Ezekiel

3

1Ipapo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, chidya chaunowana; chidya rugwaro urwu rwakapetwa uende, undotaura neimba yaIsiraeri.
1吃书卷
2Ipapo ndakashamisa muromo wangu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa.
2于是我把口张开,他就给我吃下那书卷。
3Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, dyisa dumbu rako, ugutise vura bwako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Ipapo ndikarudya, rukava mumukamwa wangu sohuchi nokuzipa.
3他又对我说:“人子啊!把我赐给你的那书卷吃下去,填满你的肚子。”于是我吃了,这书卷在我口里像蜜糖一样甘甜。
4Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsiraeri, utaure kwavari mashoko angu.
4受主训勉他对我说:“人子啊,你去!到以色列家那里,把我的话告诉他们。
5nekuti hautumwi kurudzi runo mutauriro usingazikamwi norurimi rwakaoma, asi kuimba yaIsiraeri;
5你受差派不是到一个说话难明、言语难懂的民族那里去,而是到以色列家去;
6hautumwi kumarudzi mazhinji anomutauriro usingazikamwi norurimi rwakaoma, vausingagoni kunzwisisa mashoko avo. Zvirokwazvo, dai ndaikutuma kwavari vangadai vaikunzwa.
6不是到说话难明、言语难懂的众多民族那里去,他们的话是你听不懂的。但是,如果我差派你到他们那里去,他们必听从你。
7Asi imba yaIsiraeri icharamba kukunzwa, nekuti havadi kundinzwa ini, nekuti imba yose yaIsiraeri vane huma dzakaoma, nomoyo mikukutu.
7以色列家却不肯听从你,因为他们不肯听从我,整个以色列家都是额坚心硬的。
8Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo.
8看哪!我要使你的脸硬过他们的脸,使你的额硬过他们的额。
9Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya, usavhunduswa nezviso zvavo, nekuti ivo iimba inondimukira simba.
9我要使你的额好像最坚硬的宝石,比火石更硬。他们虽然是叛逆的民族,你却不要怕他们,在他们面前,也不要惊惶。”
10Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichataura kwauri, uagamuchire mumoyo mako, uanzwe nenzeve dzako.
10他又对我说:“人子啊!我对你说的一切话,你都要留心听,记在心里。
11Famba uende kuna vari mukutapwa, kuvana vavanhu vako, utaure navo uvaudze uti, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kana vachida kunzwa, kana vasingadi.
11你去,到被掳的人民那里,向他们宣讲;他们或听或不听,你只要对他们说:‘主耶和华这样说。’”
12Ipapo Mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu mubvumo wokuunga kukuru, zvichiti, Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe panzvimbo yake.
12那时,灵使我升起,我就听见后面有轰轰的响声:“耶和华的居所显现出来的荣耀是应当称颂的!”
13Ndikanzwa mubvumo wamapapiro ezvipenyu, achigunzvana, nomubvumo wamakumbo engoro kumativi azvo, uri mubvumo wokuunga kukuru.
13我又听见那些活物的翅膀彼此相碰的声音和活物旁边的轮子的声音,以及轰轰的响声。
14Ipapo Mweya wakandisimudza, ndokundibvisapo; ndikaenda ndine shungu, mweya wangu wakatsamwa; ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu nesimba.
14灵使我升起,把我提去。那时我心灵忿激、愁苦。耶和华的手强而有力临到我身上。
15Zvino ndakasvika kuna vaiva mukutapwa paTeriabhibhi, vakanga vagere parwizi rwaKebhari, ipapo pavakanga vagere; ini ndikagarapo pakati pavo mazuva manomwe ndichishayiwa mashoko.
15于是我来到提勒.亚毕被掳的人那里,他们住在迦巴鲁河边。我在他们居住的地方坐了七天,在他们中间震惊得不知所措。
16Zvino mazuva manomwe akati apera, shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti,
16以色列家的守望者(结33:1-9)过了七天,耶和华的话临到我说:
17Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharire yeimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobva mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
17“人子啊,我立了你作以色列家守望的人,所以你要聆听我口中的话,替我警告他们。
18Kana ini ndikati kuno wakaipa, Zvirokwazvo uchafa, iwe ukasamunyevera, kana kutaura zvinonyevera wakaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese upenyu hwake, munhu uyu wakaipa achafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
18如果我对恶人说:‘你必定死亡!’你却不警告他,也不警戒他离开恶行,好救他的性命,这恶人就必因自己的罪孽死亡。但我要因他的死追究你。
19Asi kana iwe ukanyevera akaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye achafira muzvakaipa zvake, asi iwe waponesa hako mweya wako.
19如果你警告恶人,他仍不离开他的罪恶和他的恶行,他就必因自己的罪孽死亡,你却救了自己的性命。
20Uyezve, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa; zvausina kumunyevera, achafira muzvivi zvake; zvakarurama zvaakaita hazvingarangarirwi, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
20如果义人偏离正义,行事邪恶,我必把绊脚石放在他面前,他必定死亡;因为你没有警告他,他必因自己的罪死亡。他素常所行的义,也必不被记念。但我要因他的死追究你。
21Asi kana ukanyevera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, zvirokwazvo achararama, nekuti wakateerera kunyeverwa, newe waponesa mweya wako.
21如果你警告义人不要犯罪,他就不犯罪。他因为接受警告,就必存活,你也救了自己的性命。”
22Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu ipapo, akati kwandiri, Simuka, uende kubani, ndichataura newe ipapo.
22暂时缄口不言耶和华的手在那里临到我身上,他对我说:“你起来,出到平原去,在那里我要向你说话。”
23Zvino ndakasimuka, ndikaenda kubani, ndikaona kubwinya kwaJehovha kumirepo, kwakafanana nokubwinya kwandakaona parwizi rwaKebhari; ndikawira pasi nechiso changu.
23于是,我起来,出到平原去,看见耶和华的荣耀停在那里,这荣耀就像我在迦巴鲁河边看见的一样。于是我俯伏在地。
24Ipapo Mweya wakapinda mandiri, ukandimisa namakumbo angu, ukataura neni, ukati kwandiri, Enda, undozvipfigira mumba mako.
24灵进到我里面,使我站立起来,耶和华对我说:“你进去,把自己关在家里。
25Asi iwe, Mwanakomana womunhu, tarira, vachauya nezvisungo kwauri, vachakusunga nazvo, kuti urege kubudira pakati pavo;
25人子啊!人要用绳子把你捆绑起来,使你不能出到他们中间去。
26ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukamwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nekuti ivo iimba inondimukira simba.
26我要使你的舌头贴住上膛,使你变成哑巴,不能作责备他们的人,因为他们是叛逆的民族。
27Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, Zvanzi nalshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nekuti ivo iimba inondimukira simba.
27但我对你说话的时候,我必开你的口,你就要对他们说:‘主耶和华这样说。’肯听的就让他听,不肯听的,就由他不听吧,因为他们是叛逆的民族。”