1Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvose;
1我说,那承受产业的,虽然是全部产业的主人,但在孩童的时期,却和奴仆没有分别。
2asi uri pasi pevarairidzi nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.
2他是在监护人和管家之下,直到父亲预先指定的时候。
3Saizvozvo nesu, apo takanga tichiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika;
3我们也是这样,作孩童的时候,被世俗的言论所奴役;
4Asi apo kuzara kwenguva kwakati kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaitwa nemukadzi, wakaitwa pasi pemurairo,
4但到了时机成熟, 神就差遣他的儿子,由女人所生,而且生在律法之下,
5kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.
5要把律法之下的人救赎出来,好让我们得着嗣子的名分。
6Uye nekuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba!
6你们既然是儿子, 神就差遣他儿子的灵进入我们心里,呼叫“阿爸、父!”
7Saka iwe hausisiri muranda, asi mwanakomana; kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari kubudikidza naKristu.
7这样,你不再是奴仆,而是儿子;既然是儿子,就靠着 神承受产业了。
8Asi nenguva iyo, musati maziva Mwari, maiva varanda vaivo vasati vari vamwari pachisikigo;
8保罗为加拉太信徒担忧从前你们不认识 神的时候,是给那些本来不是 神的作奴仆;
9asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve sei kuurongwa hwusina simba hweurombo, hwamunoshuvazve kuva muuranda hwahwo?
9现在你们既然认识 神,更可以说是 神所认识的,怎么还回到那些软弱贫乏的言论,情愿再作它们的奴仆呢?
10Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.
10你们严守日子、月份、节期、年份;
11Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.
11我为你们担心,恐怕我在你们身上的劳苦是白费了。
12Ivai seni, nekuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai. Hamuna kutombonditadzira chinhu;
12弟兄们,我请求你们要像我一样,因为我也像你们一样。你们并没有亏负过我。
13zvino munoziva kuti nemuundonda panyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,
13你们知道,我第一次传福音给你们,是因为身体有病。
14nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba; asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.
14虽然我的身体对你们是个试炼,你们却没有轻看,也没有厌弃,反而接纳我,好像 神的天使,也好像基督耶稣。
15Zvino kuropafadza kwenyu ndekupi? Nekuti ndinopupura nezvenyu, kuti kana zvichibvira, mutumbure meso enyu muape kwandiri.
15现在,你们的欢乐在哪里呢?我可以为你们作证,那时如果可能,你们甚至愿意把你们的眼睛剜出来给我哩!
16Zvino ndava muvengi wenyu nekukuuudzai chokwadi here?
16现在我把真理告诉你们,反而成了你们的仇敌吗?
17Vanokushingairirai nemutowo usakanaka; asi vanoda kukusiyai kunze, kuti imwi muvashingairire.
17那些人热心待你们,并不是出于好意,而是想你们和我疏远,好使你们热心待他们。
18Asi zvakanaka kushingaira pachinhu chakanaka nguva dzose, uye kwete kana ndiripo nemwi chete.
18常常在善事上热心,总是好的;只是不要我在你们那里的时候才是这样。
19Vana vangu vaduku, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri.
19我的孩子们,为了你们我再受生产的痛苦,直到基督在你们里面成形。
20Ndinoshuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nekuti ndiri mukukahadzika pamusoro penyu.
20我恨不得现今就在你们那里,改变我的语气,因为我为你们十分困扰。
21Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?
21两个妇人的寓意你们这愿意在律法之下的人哪!请告诉我,你们没有听过律法吗?
22Nekuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu wakange ane vanakomana vaviri, umwe nemurandakadzi, umwe nemukadzi wakasununguka.
22经上记着说,亚伯拉罕有两个儿子,一个出于婢女,一个出于自由的妇人。
23Asi wemurandakadzi wakaberekwa nenzira yenyama; asi wemukadzi wakasununguka nechivimbiso.
23但那出于婢女的,是按着肉体生的;那出于自由的妇人的,是凭着应许生的。
24Zvinhu izvi zvinofananidzira; nekuti ava isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai, inobereka vana vevuranda, inova Agari.
24这都是寓意的说法:那两个妇人就是两个约,一个是出于西奈山,生子作奴仆,这是夏甲。
25Zvino Agari uyu ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema razvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.
25这夏甲是指着阿拉伯的西奈山,相当于现在的耶路撒冷,她和她的儿女都是作奴仆的。
26Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tose.
26那在上面的耶路撒冷是自由的,她是我们的母亲,
27Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nekuti musiiwa unavana vazhinji kunovaiye unomurume.
27因为经上记着说:“不能生育、没有生养的啊,你要欢欣!没有受过生产痛苦的啊,你要呼喊,大声呼叫!因为弃妇比有夫之妇有更多儿子。”
28Zvino isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.
28可是,弟兄们,你们是按着应许作儿女的,好像以撒一样。
29Asi sepanguva iyo, uyo wakaberekwa nemutowo wenyama wakamutambudza iye wemutovo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.
29不过,当时那按着肉体生的,迫害那按着圣灵生的,现在也是这样。
30Asi rugwaro runoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nekuti mwanakomana wemurandakadzi haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.
30然而经上怎样说呢?”把婢女和她的儿子赶出去,因为婢女的儿子,绝对不可以和自由的妇人的儿子一同承受产业。”
31Naizvozvo, hama, hatizi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.
31所以,弟兄们,我们不是婢女的儿女,而是自由的妇人的儿女了。