Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Habakkuk

1

1Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuki.
1先知首次疑问
2Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imwi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
2耶和华啊!我恳求,你不垂听,要到几时呢?我向你呼叫“有狂暴的事”,你却不拯救。
3Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? nekuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.
3你为什么使我看见恶行?有奸恶的事,你为什么见而不理?毁灭和强暴在我面前,纷争和相斗常常发生。
4Saka murayiro haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nekuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.
4因此律法不能生效(“律法不能生效”原文作“律法松懈”),公理无法彰显。因为恶人把义人包围,所以公理颠倒。
5Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo-kwazvo; nekuti ndinobata basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa.
5耶和华的回答你们当看列国,要定睛观看,就会大大惊奇,因为在你们的日子,我要作一件事,即使有人说了出来,你们也不会相信。
6nekuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo.
6就是要兴起迦勒底人,那残忍凶暴的民;他们遍行全地,占领别人的家园。
7Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene.
7他们恐怖可怕,自以为义,趾高气扬。
8Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya.
8他们的马比豹更快,比晚上的豺狼更猛。他们的骑兵奔驰,自远而来;他们如鹰飞翔,迅速吞噬。
9Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha.
9他们定着脸面向前,齐来行暴,掳获战俘多如尘沙。
10Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nekuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda.
10他们戏弄君王,以掌权的为笑柄;他们嗤笑一切城堡,筑垒攻取;
11Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo.
11然后扫荡如风吹过。他们是有罪的,因他们以自己的势力为神。
12Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga-tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imwi makavatemera kuti vatonge, nemwi dombo makavaisapo kuti varange,
12先知第二次的疑问耶和华我的 神,我的圣者啊!你不是自古就有的吗?我们不会死的。耶和华啊!你派他们行审判。磐石啊!你立他们施惩罚。
13Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama;
13你的眼目纯洁,不看邪恶,不能坐视奸恶;为什么见行诡诈的人而不理?恶人吞灭比自己公义的人,你为什么缄默呢?
14muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?
14你竟使人像海里的鱼,像无人管辖的爬虫类。
15Vanovabudisa vose nehaka yavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vanomufaro.
15迦勒底人既用钩把他们钓起来,用网拖走,用鱼网收聚在一处,就欢喜快乐,
16Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuhwira, nekuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda.
16向自己的网献祭,对鱼网烧香,因他们借此收获丰富,饮食充裕。
17Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?
17这样,他们倒空自己的网,毫不留情地继续杀戮列国。