1Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharirire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu.
1耶和华的回答
2Jehovha akandipindura, akati, Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamabwendefa, kuti zvigone kurahwa nowanomhanya.
2耶和华回答我说:“把异象写下,记在泥版上,使读的人容易明白,
3nekuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nekuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
3因这异象关乎一定的日期,很快就要实现,决不徒然;纵有迟延,仍当等候,因为它一定会来到,绝不耽误。”
4Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.
4迦勒底人自高自大,心不正直;然而义人必因信得生(“必因信得生”或译:“必因他的信实得生”)。
5Hongu uyezve unonyengera newaini, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.
5财富(传统作“酒”,今照死海古卷译作“财富”)使人奸诈狂傲,不得安宁;扩张欲望,如同阴间;又像死亡,永不满足。他们招聚万国,集合万民,都归自己。
6Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!
6第一祸这些国民岂不都用譬喻、讽刺、暗语指着他们说:“那些滥得他人财物的,满载别人抵押品的,有祸了!他们这样要到几时呢?”
7Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imwi mukapambwa navo?
7你的债主(“你的债主”或译:“咬你的”)岂不忽然起来?扰乱你的岂不醒起?你就成了他们的掳物。
8imwi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.
8因你抢掠多国,杀人流血,向全地各城施行暴力,所以剩下的人也必抢掠你。
9Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa!
9第二祸你这为自己的家积聚不义之财,在高处搭窝,以逃避灾害的,有祸了!
10Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu.
10你剪除多国的民,反害了自己;你所谋算的,使你的家蒙羞。
11nekuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura.
11石头必从墙里呼叫,梁木必在树中应声。
12Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa!
12第三祸你这用人血做城,凭邪恶立镇的,有祸了!
13Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo?
13众民劳碌得来的,被火焚烧;列国辛劳而得的,终归无有。这不都出于万军之耶和华吗?
14nekuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.
14认识耶和华之荣耀的知识,必充满全地,好像众水遮盖海洋一样。
15Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvimwe, anovhenganisiramo uturu bwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo !
15第四祸你这请邻舍喝酒,却把毒物混入,使他醉倒,为要见他赤裸的,有祸了!
16Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chimwai nemiwo, muve seasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.
16你满有羞辱,没有尊荣,你也喝到露出下体来吧!耶和华右手的杯必传回来给你,使极大的羞辱取代你的尊荣。
17nekuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo.
17因你向黎巴嫩使用暴力,杀灭惊吓野兽;又杀人流血,向全地各城居民施行暴力,就必受到报应(“报应”原文作“遮盖”)。
18Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?
18第五祸雕刻的像有什么用处呢?不过是匠人雕刻出来的;铸造的像、虚假的教师,有什么用处呢?匠人竟倚靠自己所做,那不能说话的假神。
19Ane nhamo anoti kudanda, Pepuka! Nokuti kubwe risingatauri. Muka! Iro richadzidzisa? Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku.
19你这对木头说“起来”,对哑石说“醒吧”的人,有祸了!它怎能教导你呢?看哪!它包金镶银,里面却全无气息。
20Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.
20然而耶和华在他的圣殿里,全地当在他面前肃静。