Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Haggai

1

1Negore rechipiri ramambo Dhariusi, nomwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, richiti,
1责备人民拖延重建圣殿
2Jehovha wehondo unotaura, achiti, Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.
2“万军之耶和华这样说:‘这民说,重建耶和华殿宇的时候还没有到。’”
3Ipapo shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
3于是,耶和华的话临到哈该先知说:
4Ko zvino inguva yamungagara imwi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?
4“这殿宇仍然荒废,岂是你们住在有天花板的房屋的时候吗?”
5Zvino zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
5现在万军之耶和华这样说:“你们要反省自己的行为。
6Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munomwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziyirwa; unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka.
6你们撒的种多,收割的却少;你们吃,却吃不饱;你们喝,却喝不足;你们穿衣服,却穿不暖;得工钱的,却把工钱放在破袋里。”
7Zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
7劝勉人民动工重建万军之耶和华这样说:“你们要反省自己的行为。
8Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
8你们要上山取木材,建造殿宇;我必因此喜悦,并且得荣耀。”耶和华说:
9Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.
9“你们期望丰收,反倒歉收;你们收到家里的,我就吹去。”为什么呢?万军之耶和华说:“因为我的殿宇荒废,你们各人却为自己的房屋奔驰。
10Saka denga rakaramba nedova nemhaka yenyu, nenyika inoramba nezvibereko zvayo.
10所以,因你们的缘故,天就不降甘露,地也不出土产。
11Ndakadana kuwoma kuuye panyika, napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napane zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, napamabasa ose amaoko avanhu.
11我叫干旱临到大地、群山、五谷、新酒、新油、地上的出产、人畜和人手劳碌得来的一切。”
12Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.
12劝勉的果效那时,撒拉铁的儿子所罗巴伯、约撒答的儿子大祭司约书亚和所有余剩的子民,都听从了耶和华他们 神的话,听从了耶和华他们 神所差来的哈该先知的话。众民在耶和华面前都存着敬畏的心。
13Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarairwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati, ndinemwi ndizvo zvinotaura Jehovha.
13耶和华的使者哈该,奉耶和华的命,对众民说:“耶和华说:‘我与你们同在。’”
14Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,
14于是耶和华激发了撒拉铁的儿子、犹大省长所罗巴伯的心,和约撒答的儿子大祭司约书亚的心,以及所有余剩子民的心,他们就来兴工建造万军之耶和华他们 神的殿宇。
15nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu, negore rechipiri ramambo Dhariusi.
15那时是大利乌王第二年六月二十四日。