1Rine nhamo iro guta rinomukira Jehovha, rakasvibiswa, rinomanikidza!
1指摘耶路撒冷的罪
2Harina kuteerera izwi, harina kutenda kurangwa, harina kuvimba naJehovha, harina kuswedera kuna Mwari waro.
2她不听话,也不受管教;她不倚靠耶和华,也不亲近她的 神。
3Machinda aro mukati maro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, asingasii chinhu kusvikira mangwanani.
3城中的领袖都是咆哮的狮子,城中的审判官是夜间的豺狼,什么都不留到早晨。
4Vaporofita varo vanhu vakareruka vanonyengera; vapristi varo vakamhura nzvimbo tsvene, vakaitira murayiro simba.
4城中的先知都是轻浮诡诈的人;城中的祭司亵渎圣物,违犯律法。
5Jehovha uri mukati maro akarurama, haangaiti zvakaipa; zuva rimwe nerimwe mangwanani anobudisa pachena kururamisa kwake, asingadariki; asi asina kururama haazivi kunyara.
5耶和华在城中是公义的,决不行不义的事;他每日早晨都显明公正,永不止息。不公义的人却不知廉耻。
6Ndakaparadza ndudzi, shongwe dzavo ava matongo; nzira dzavo dzomumisha ndakadziparadza, hakuchina anopfuura napo; maguta avo akaparadzwa, hakuna vanhumo, hakuna agerepo.
6我耶和华已经剪除列国,他们的城楼被毁;我已经使他们的街道荒凉,以致杳无人迹;他们的城市荒废,以致无人存留,无人居住。
7Ndakati, Unditye chete; tenda kurangwa; ipapo paanogara hapazaiparadzwa, sezvandakaraira zvose pamusoro pake; asi vakafumira mangwanani, vakasvibisa zvose zvavakaita.
7我说:“她定要敬畏我,接受管教。”这样,她的住所必不会照着我原定对她的惩罚被剪除。可是他们殷勤行恶,败坏了自己一切所作的。
8Naizvozvo, ndimirirei ndizvo zvinotaura Jehovha kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nekuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nekuti nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rangu.
8耶路撒冷必蒙拯救耶和华说:“因此,你们要等候我,等候我起来指证的日子,我已经决定集合万邦,召聚列国,把我的盛怒,就是我的一切烈怒,都倾倒在他们身上;因为全地都必被我的妒火吞灭。
9nekuti nenguva iyo ndichavigira vanhu rurimi rwakachena, kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.
9那时我要使万民有洁净的嘴唇,他们全都可以呼求耶和华的名,同心合意事奉耶和华。
10Vanamati vangu, iye mukunda wavanhu vangu vakaparadzirwa, vachandivigira chipiriso changu vachibva mhiri kwenzizi dzeItiopia.
10敬拜我的人,就是我所分散的人,必从古实河外而来,给我献上礼物。
11Nezuva iro haunganyadziswi pamusoro pamabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nekuti nenguva iyo ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza; haungazovi namanyawi pagomo rangu dzvene.
11到了那日,你必不因你背叛我所作的一切感到羞愧,因为那时我必从你中间除掉那些自高自大的人。在我的圣山上,你必不再高傲。
12Asi ndicharega mukati mako vanhu vanotambudzika navarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha.
12但我要在你中间留下谦虚卑微的人;他们必投靠耶和华的名。
13Vakasara vaIsiraeri havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwi mumiromo yavo; nekuti vachafura nokuvata pasi, hakuna angavatyisa.
13以色列的余民必不再行不义,也必不说谎;他们的口里也没有诡诈的舌头。他们吃喝躺卧,没有人惊吓他们。”
14Imba, iwe mukunda weZiyoni, pururudza, iwe Isiraeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusaremu.
14欢乐之歌锡安的居民(“居民”原文作“女子”)哪!你们要高歌。以色列啊!你们要欢呼。耶路撒冷的居民哪!你们要满心欢喜快乐。
15Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa.
15耶和华已经除去你们的刑罚,赶走你们的仇敌。以色列的王,耶和华在你们中间,你们必不再惧怕灾祸。
16Nezuva iro vachati kuJerusaremu, Usatya hako iwe; iwe Ziyoni, maoko ako ngaarege kushaiwa simba.
16到了那日,必有人对耶路撒冷说:“锡安哪!不要惧怕;你的手不要下垂。
17Jehovha Mwari wako ari mukati mako, iye ane simba, achaponesa; achakufarira nomufaro, uchanyarara parudo rwake; achakufarira nokupururudza.
17耶和华你的 神在你中间,他是施行拯救的大能者,必因你欢欣快乐,必默然爱你,而且必因你喜乐欢唱。”
18Ndichaunganidza vanochemera ungano yakatarwa, ivo vaibva kwamuri, vairemerwa nokuzvidzwa kwavo.
18“那些属你,为了切慕大会而忧愁的人,他们担当了羞辱;我必招聚他们。
19Tarirai, nenguva iyo ndichatonga vose vanokumanikidza, ndichaponesa mhetamakumbo, nokuunganidza vakadzingwa; ndichavaitira mbiri nezita rakanaka, ivo vainyadziswa panyika yose.
19看哪!那时我必对付一切苦待你的人;我必拯救那些瘸腿的,聚集那些被赶散的;在全地受羞辱的,我必使他们得称赞,有名声。
20Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nekuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imwi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha.
20那时我必把你们领回,那时我必把你们齐集;我使你们被掳的人归回的时候,必在你们眼前,叫你们在地上的万民中得称赞,有名声。”这是耶和华说的。