Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Zephaniah

2

1Unganai, zvirokwazvo unganai, imwi rudzi rusinganyari;
1劝及时悔改
2chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu.
2趁命令还没有发出,日子还没有像风前的糠秕一般吹过,耶和华的烈怒还没有临到你们,耶和华忿怒的日子还没有临到你们以前,你们要聚集起来!
3Tsvakai Jehovha, imwi mose vanyoro venyika, imwi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavanzika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.
3地上所有谦卑的人,就是遵守耶和华典章的人哪!你们要寻求耶和华,你们要寻求公义,寻求谦卑。在耶和华忿怒的日子,你们或许得以隐藏起来。
4nekuti Gaza richasiiwa, Ashikeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashidhodhi masikati makuru, Ekironi richadzurwa.
4审判非利士因为迦萨必被拋弃,亚实基伦必成荒场,亚实突的居民必在晌午被赶走;以革伦必连根拔起来。
5Vane nhamo vagere panyika iri pagungwa, irwo rudzi rwavaKeteti! Shoko raJehovha rinokutuka, iwe Kanani, nyika yavaFirisitia; ndichakuparadza, kuti parege kuzova anogarapo.
5住在沿海地带的人,基列提的国民哪!你们有祸了。这是耶和华攻击你们的话:“非利士人之地迦南啊!我必毁灭你,使你那里没有人居住。
6mahombekombe egungwa aichava mafuro anamapako avafudzi nezvirugu zvamakwai.
6沿海的地必成为草场、牧人的洞穴、羊群的圈栏。
7Mahombekombe achava evakasara veimba yaJudha; vachafudzapo makwai avo; vachavata pasi madekwana mudzimba dzeAshikeroni; nekuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira nokudzosa kutapwa kwavo.
7这地必归给犹大家的余民;他们要在那里放牧,晚上他们躺卧在亚实基伦的房舍中;因为耶和华他们的 神必眷顾他们,使他们从被掳之地归回。”
8Ndakanzwa kuzvidzwa kwaMoabhi, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu, vachiita manyawi pamuganhu wavo.
8审判摩押与亚扪我听见了摩押人的辱骂之言,听见了亚扪人的毁谤之语,他们辱骂我的子民,又自夸自大侵犯他们的境界。
9Naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Zvirokwazvo, Moabhi vachaita seSodhoma, navana vaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatongo nokusingaperi; vanhu vangu vakasara vachavaita chinhu chakatapwa, vakasara vorudzi rwangu vachavagara nhaka.
9因此,万军之耶和华以色列的 神说:“我指着我的永生起誓:摩押人必要像所多玛,亚扪人必定像蛾摩拉,成为刺草和盐坑之所,永远荒凉之地。我余下的子民必掳掠他们,我国中所余的要得着他们为业。”
10Ndizvo zvavachapiwa nokuda kokuzvikudza kwavo, nekuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondo nokuzvikudza kwavari.
10由于他们的狂傲,这事就临到他们;因为他们自夸自大,辱骂万军之耶和华的子民。
11Jehovha achavatyisa kwazvo, nekuti achaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata iye, mumwe nomumwe achibva panzvimbo yake, naizvo zviwi zvose zvendudzi.
11对于他们,耶和华是可畏惧的,因为他要消灭地上一切神祇;那时,列国海岛上的居民,都各在自己的地方敬拜他。
12Nemiwo veItiopia, muchaurawa nomunondo wangu.
12审判古实与亚述古实人哪!你们也必被我的刀剑所杀。
13Achatambanudzira ruoko rwake kurutivi rwokumusoro, ndokuparadza Asiria; Ninivhe achariita dongo, riome serenje.
13耶和华必伸手攻击北方,毁灭亚述,使尼尼微变成荒场,干旱像旷野。
14Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamahwindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo, nekuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.
14群畜和各类的走兽必躺卧在其中;鹈鹕和箭猪栖宿在柱顶上;窗内有鸣叫的声音,门槛上必有荒凉;因为香柏木都要暴露出来。
15Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu! Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake.
15这就是那欢乐安居之城,她心里曾说:“只有我,除我以外,再没有别的了。”现在怎么竟成了荒场、走兽躺卧之处呢!凡从那里经过的,都必舞手嗤笑。