1Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu koonekwa nezvakashata zveSamaria; nekuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.
1指摘他们作恶多端
2Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.
2他们心里并未想到,我记得他们的一切罪恶。他们所作的一切,现在都围绕他们,都在我面前。
3Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo.
3他们以自己的恶行讨王欢喜,用自己的虚谎叫领袖快乐。
4Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira.
4他们全是犯奸淫的,像一个被烤饼的人烧热的火炉,从抟面,直到全团发酵的时候,烤饼的人暂停使火发旺。
5Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki.
5在我们王喜庆的日子,领袖们因酒的烈性而生病,王就与亵慢人联手。
6nekuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata husiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.
6他们阴谋埋伏的时候,心中烧得热如火炉。他们整夜抑制怒气,一到早晨,却像发出火焰的火燃烧起来。
7Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri.
7所有的人都热如火炉,吞灭他们的官长。他们所有的君王都倒毙了,他们中间没有一人向我呼求。
8Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisina kushandurwa.
8指摘以法莲的罪“以法莲与外族混杂,以法莲是没有翻过的饼。
9Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose-pose, asi iye haazvizivi.
9外族人吞吃了他的力量,他却不知道;他头上满是白发,他也不晓得。
10Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyange izvi zvose zvakadaro.
10虽然以色列的骄傲当面指证自己,他们却不回转归向耶和华他们的 神,也不因此寻求他。
11Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Egipita, vanoenda Asiria.
11以法莲好像一只愚蠢无知的鸽子。他们向埃及求助,投奔亚述。
12Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo.
12但他们去的时候,我要把我的网撒在他们身上;我要把他们如同空中的飞鸟打下来。我要按着他们会众所听见的,惩罚他们。
13Vane nhamo ivo nekuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nekuti vakandidarikira; kunyange ndakanga ndichida kuvadzikunura, vakandirevera nhema.
13他们有祸了,因为他们离弃了我;他们遭毁灭,因为他们背叛了我。我虽然想救赎他们,他们却对我说谎。
14Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhovo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.
14他们并没有真心向我呼求,只是在床上哀恸罢了。他们为了五谷和新酒割伤自己,仍然悖逆我。
15Kunyange ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyange zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa
15我虽然锻炼他们的手臂,使它们有力,他们却图谋恶计攻击我。
16Vanodzoka asi havangadzokeri kune Wekumusoro-soro; vakafanana neuta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeEgipita.
16他们转向巴力,成了不可靠的了。他们的领袖因自己舌头上的狂傲倒在刀下,这在埃及地必成为被人讥笑的对象。”