1Regai kufara, imwi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nekuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo.
1离弃 神的必将被掳
2Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera.
2打谷场和榨酒池不能喂养他们,新酒也必使他们失望。
3Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Egipita, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria.
3他们必不得住在耶和华之地;以法莲要回到埃及去,要在亚述吃不洁之物。
4Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nekuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.
4他们必不得向耶和华奠酒,他们的祭物也不能使他喜悦。他们的饼好像丧家的饼,凡吃这饼的,都必被玷污;因为他们的饼只可自己吃,不可带进耶和华的殿。
5Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha?
5那么,在规定集会的日子和耶和华节期的时候,你们能作什么?
6nekuti tarirai, vakabva nokuda kokuparadzwa, asi vaEgipita vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; mhinzwa ichava mumatende avo.
6看哪!他们逃到亚述去,埃及要收殓他们,摩弗要埋葬他们。他们珍贵的银器必为蒺藜所占有,他们的帐棚必长满荆棘。
7Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nekuti ruvengo rukuru.
7惩罚的日子临近,报应的时候来到,以色列必定知道,因着你们众多的罪孽和深仇大恨,先知被看为愚昧,受灵感动的人被当作疯子。
8Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.
8先知与 神一同作以法莲的守望者,在他所行的一切路上,都满有捕鸟人的网罗,在他 神的家中只有仇恨。
9Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhiya; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.
9以法莲深深败坏,如同在基比亚的日子一般。 神必记得他们的罪孽,惩罚他们的罪恶。
10Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaita zvinonyangadza vachifanana nezvaidikamwa navo.
10以色列犯罪及其后果“我遇见以色列,好像在旷野里遇见葡萄。我看见你们的列祖,像看见无花果树初熟的果子。他们却来到巴力.毗珥,专作羞耻的事,成为可憎恶的,像他们所爱的偶像一样。
11Kana vari VaEfuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri.
11至于以法莲,他们的荣耀必如鸟儿飞逝;没有生育,没有怀胎,没有成孕。
12Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.
12即使他们把儿女养大,我也必使他们丧子,一个不留。我离弃他们的时候,他们就有祸了。”
13Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo.
13在我看来,以法莲的儿女注定被当作猎物;以法莲要把自己的儿女带出来,交给施行杀戮的人。
14Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.
14耶和华啊,求你赐给他们;你要赐给他们什么呢?求你使他们坠胎小产,乳房萎缩。
15Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nekuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.
15“他们的一切罪恶都在吉甲,我在那里憎恨他们,因他们的恶行,我要把他们从我的家里赶出来;我不再爱他们,他们的领袖都是叛徒。
16Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikamwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.
16以法莲被击打,他们的根枯干了,必不能再结果子。即使他们生产,我必杀死他们所生的爱子。”
17Mwari wangu achavarasha, nekuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.
17我的 神必弃绝他们,因为他们不听从他;他们必在列国中飘流。