1nekuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;
1耶路撒冷的混乱状态
2munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru;
2除掉勇士和战士、审判官和先知、占卜的和长老、
3mukuru wamakumi mashanu, nowanokudzwa, namakurukota, nemhizha dzakachenjera, nomuvuki anoziva.
3五十夫长和尊贵的人、谋士和有技艺的工人,以及精通法术的。
4Ndichavapa vakomana nhubu vave machinda avo, navacheche vachatonga pamusoro pavo .
4我必使孩童作他们的领袖,使婴孩管辖他们。
5Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunowanokudzwa.
5人民必互相压迫,人欺压人,也欺压自己的邻舍;年轻人要欺凌老年人,卑贱人必欺凌尊贵人。
6Musi uyo munhu achabata munin'ina wake mumba mababa vake, achiti, Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.
6人若在父家里,拉住自己一个兄弟,说:“你有一件外衣,你就作我们的官长吧!这败落的事就归你的手处理。”
7Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, Handidi kuva n'anga, nekuti mumba mangu hamune zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.
7那时,那人必高声说:“我不作医治你们的人,因为我家里没有粮食,也没有外衣,你们不要立我作人民的官长。”
8nekuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nekuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.
8耶路撒冷败落,犹大倾倒,是因为他们的舌头和行为都敌对耶和华,惹怒了他那充满荣光的眼目。
9Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nekuti vakazviitira zvakaipa.
9他们面上的表情指证他们的不对;他们像所多玛一般宣扬自己的罪恶,并不隐瞒;他们有祸了,因为他们自招祸害。
10Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nekuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.
10你们要告诉义人,他们必得福乐,因为他们必享自己行为所结的果子。
11Wakaipa ane nhamo ! Iye haangavi nomufaro, nekuti achapiwa mubayiro wamaoko ake.
11恶人却有祸了,他们必遭灾难,因为他们必按自己手所作的得报应。
12Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.
12至于我的子民,孩童欺压他们,妇女管辖他们;我的子民啊!那引导你们的,使你们走错了路,并且混乱了你们所走的方向。
13Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu.
13耶和华的审判耶和华起来辩论,站着审判人民。
14Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.
14耶和华必审问他子民中的长老和领袖,说:“那吞尽葡萄园的,就是你们;从贫穷人那里掠夺的,都在你们家中。”
15Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
15主万军之耶和华说:“你们为什么压迫我的子民,搓磨贫穷人的脸呢?”
16Uyezve Jehovha akati, Vakunda veZiyoni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,
16锡安女子的命运耶和华又说:“因为锡安的女子高傲,走路挺直颈项,媚眼看人,俏步徐行,用脚发出叮当声。
17naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZiyoni negwenyu-kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.
17因此,主必使锡安的女子头顶长出秃疮;耶和华又使她们露出前额。”
18Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi;
18到那日,主必除掉她们华美的脚钏、发网、月牙圈、
19nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo;
19耳坠、手镯、蒙脸的帕子、
20nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuhwira, namazango;
20头饰、脚环、华带、香盒、符囊、
21nezvimhete, noukomba bwemhino;
21戒指、鼻环、
22nenguvo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama;
22美服、外衣、钱袋、
23nezviwoni-woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonakal nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.
23镜子、细麻衬衣、头巾、蒙身帕子。
24Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuhwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguvo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kouranda panzvimbo yokunaka.
24必有腐臭代替馨香,绳子代替腰带,光秃代替美发,麻衣系腰代替美服,烙痕代替美貌。
25Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa.
25你的男丁要倒在刀下,你的勇士必死在战场。
26Masuwo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.
26锡安的城门必悲哀哭号,锡安被掠夺,成了一片荒凉后,必坐在地上。