Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Isaiah

2

1Shoko rakaonekwa naIsaya, mwa nakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu.
1锡安末后必为万国的中心(弥4:1-3)
2Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.
2在末后的日子,耶和华殿的山,必被坚立,超乎众山,必被高举,过于万岭;万国都要流归这山。
3Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakove; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nekuti murayiro uchabva paZiyoni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu.
3必有多国的人前来,说:“来吧!我们上耶和华的山,登雅各 神的殿;他必把他的道指教我们,我们也必遵行他的路。”因为训诲必出于锡安,耶和华的话必来自耶路撒冷。
4Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
4他要在列国施行审判,为多国的人断定是非。他们必把刀打成犁头,把矛枪打成镰刀。这国不举刀攻击那国,他们也不再学习战争。
5Iwe imba yaJakove, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.
5雅各家啊,来吧!我们要在耶和华的光中行走!
6nekuti imwi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakove, nekuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.
6一切偶像全被废弃耶和华啊!你离弃了你的子民雅各家,是因为他们充满了东方的迷信,和占卜的人,像非利士人一样,并且与外族人击掌交易。
7Nyika yavo izere nesirivha nendarama, fuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi.
7他们的地满了金银,他们的财宝没有穷尽,他们的地满了马匹,他们的车辆也无数。
8Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa nemimwe yavo.
8他们的地满了偶像;他们敬拜自己双手所做的,就是他们的指头所做的。
9Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakangamwira.
9卑贱人向偶像俯首,尊贵人也降卑,所以不可饶恕他们。
10Pinda mudombo uvande,muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake.
10要进入岩洞,藏在泥土中;躲避耶和华的惊吓和他威严的荣光。
11Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
11到那日,眼目高傲的人必降卑,性情骄傲的人也必俯首,唯独耶和华被高举。
12nekuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa;
12因为万军之耶和华必有一日,要攻击一切骄傲的、狂妄的,和所有高抬自己的,他们都要降卑。
13napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamiouki yose yeBhashani,
13又要攻击黎巴嫩所有高大的香柏树,和巴珊所有的橡树。
14napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira,
14又攻击所有的高山,和所有的峻岭;
15napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa,
15攻击每一个高台,和每一道坚固的城墙;
16napamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza.
16攻击所有他施的船只,和所有美丽的船。
17Ukuru hwevanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
17人的高傲必变为谦虚,人的狂妄都必降为卑微,在那日,唯独耶和华被高举。
18Zvifananidzo zvichapera chose.
18偶像却必全然消逝。
19Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
19耶和华起来,使大地震动的时候,人必进入石洞,进入土穴,躲避耶和华的惊吓和他威严的荣光。
20Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhuta nezviremwaremwa;
20到那日,人必把那些自己所做、供自己敬拜的金偶像和银偶像,拋给田鼠和蝙蝠。
21vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
21这样,当耶和华起来,大地震动的时候,他们就能进入磐石缝中和岩石隙里,躲避耶和华的惊吓和他威严的荣光。
22Regai munhu, anokufema mumhino dzake; nekuti anobatsireiko?
22你们不要倚靠世人,他的鼻孔里只有一口气息,他实在算得什么呢?