1Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekia, madzimambo avaJudha.
1先知责备子民
2Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nekuti Jehovha akataura, achiti, Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.
2诸天哪!要听。大地啊!要留心听。因为耶和华说:“我把孩子养育,使他们成长,他们却背叛了我。
3Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Isiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.
3牛认识主人,驴认识主人的槽;以色列却不认识我,我的子民不明白我。”
4Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsiraeri, vadzokera shure.
4嗐!犯罪的国,罪孽深重的子民,行恶的子孙,败坏的儿女!他们离弃了耶和华,藐视以色列的圣者,他们转离了他。
5Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza, nomoyo wose waziya.
5你们为什么屡次悖逆,还要受责打吗?你们整个头都受了伤,整个心都发昏了。
6Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvimwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.
6从脚掌到头顶,没有一处是完全的;尽是创伤、鞭痕和流血的伤口;没有挤干净伤口,没有包扎,也没有用膏油滋润。
7Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imwi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.
7你们的土地荒凉,你们的城镇被火烧毁,你们的田地,在你们面前给外族人侵吞;被外族人倾覆之后,就荒凉了。
8Mukunda weZiyoni wasiiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.
8仅存的锡安居民(“居民”原文作“女子”),好像葡萄园中的草棚,瓜田里的茅屋,被围困的城镇。
9Dai Jehovha wehondo asina kutisiira vakasara vashomashoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.
9若不是万军之耶和华给我们留下一些生还者,我们早已像所多玛、蛾摩拉一样了。
10Inzwai shoko raJehovha, imwi vabati veSodhoma; teererai murayiro waMwari wedu, imwi vanhu veGomora.
10一面守节,一面犯罪你们这些所多玛的官长啊!要听耶和华的话;你们这些蛾摩拉的人民啊!要侧耳听我们 神的教训。
11Zvanzi naJehovha, Zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.
11耶和华说:“你们献上众多祭物,对我有什么益处呢?公绵羊的燔祭和肥畜的脂肪,我已经够了;公牛、羊羔和公山羊的血,我都不喜悦。
12Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?
12你们来朝见我的时候,谁要求你们这样践踏我的院子呢?
13Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuhwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara komwedzi nedzamasabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.
13不要再带没有意义的供物来了,烧献祭物的香气也是我厌恶的。我厌烦月朔、安息日和集会;作罪孽又守严肃会,是我不能容忍的。
14Nguva dzenyu dzokugara komwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.
14你们的月朔和制定的节期,我心里恨恶;它们都成了我的重担,我已承担得不耐烦了。
15Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa
15所以你们张开双手的时候,我必掩眼不看你们;即使你们多多祷告,我也不听;你们的手都沾满血腥。
16Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa;
16务要除恶行善你们要洗涤自己,洁净自己;从我眼前除掉你们的恶行;要停止作恶,
17dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.
17学习行善,寻求公平,指责残暴的人,替孤儿伸冤,为寡妇辨屈。”
18Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
18耶和华说:“你们来,我们彼此辩论;你们的罪虽像朱红,必变成雪白;虽红如丹颜,必白如羊毛。
19Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika;
19你们若愿意听从,就必得吃地上的美物;
20asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
20你们若不听从,反而悖逆,就必被刀剑吞灭。”这是耶和华亲口说的。
21Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.
21圣城的罪恶那忠贞的城,怎么会变成妓女!她从前充满公平,有公义居在其中,现在却有凶手居住。
22Sirivha yako ava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
22你的银子变成了渣滓,你的酒用水搀混。
23Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda fufuro, anovinga mibairo; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.
23你的官长存心悖逆,与盗贼同伙;人都贪爱贿赂,追索私酬;他们不替孤儿伸冤,寡妇的案件也呈不到他们面前。
24Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba wavaIsiraeri, Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu;
24若悔改必得救赎因此,主万军之耶和华,以色列的大能者说:“哎!我要向我的对头雪恨,向我的仇敌报复。
25ndichatambanudza ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako.
25我必把手转过来攻击你;我要炼除你的渣滓,如同用碱来炼一样,我要除去你的一切杂质。
26Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.
26我必恢复你的审判官,像起初一样;也必恢复你的谋士,像起先一般;以后,你必称为公义的城、忠贞的城。”
27Ziyoni richadzikunurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.
27锡安必因公平蒙救赎,城中悔改的人也必因公义蒙救赎。
28Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanosiya Jehovha, vachapedzwa.
28但悖逆的和犯罪的,必一同灭亡,离弃耶和华的,也必灭亡。
29nekuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.
29你们必因你们所喜爱的橡树抱愧,必因你们所选择的园子蒙羞。
30nekuti muchava somouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.
30因为你们必像一棵叶子凋落的橡树,又如一个缺水的园子。
31Ane simba achava sorwonzi, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzimura.
31有权势的必如麻絮,他所作的好像火星;都要一同焚毁,没有人能扑灭。