1Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.
1向 神求救的祷告
2Jehovha mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwedu mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.
2耶和华啊!求你施恩给我们;我们等候你。每天早晨,愿你作我们的膀臂,在遭难的时候,作我们的拯救。
3Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imwi muchisimuka.
3喧嚷的声音一发,众民必逃跑;你一兴起,列国就四散。
4Zvakapambwa zvenyu zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyiro wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri.
4列国啊!你们所掳掠的必被收取,像蚂蚱收取禾稼一样;蝗虫怎样为食物忙碌走动,人也怎样在掳物上忙乱。
5Jehovha akakudzwa, nekuti anogara kumusoro; akazadza Ziyoni nokururamisira nokururama.
5耶和华必被尊崇,因为他居住在高天;他必以公平与公义充满锡安。
6Panguva dzako pachava nokugarika, nokuwanda kokuponeswa, nouchenjeri nezivo; kutya Jehovha ndiyo fuma yake.
6他是你一生一世的保障、丰盛的救恩、智慧和知识;敬畏耶和华就是你的至宝。
7Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinochema zvikuru.
7看哪!他们的勇士在街上呼叫;和平的使者在痛苦哭泣。
8Migwagwa mikuru yaparadzwa, vafambi havachipo; aputsa sungano, azvidza maguta, haane hanya nomunhu.
8大路荒凉,过路的人绝迹;敌人背约,藐视约章,不尊重任何人。
9Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni ranyadziswa, rooma; Sharoni rafanana nerenje; Bhashani neKarimeri azuka mashizha.
9大地悲哀衰残,黎巴嫩羞惭枯干;沙仑好像荒原,巴珊和迦密的树木凋零。
10Zvino ndichasimuka, ndizvo zvinotaura Jehovha; zvino ndichazvisimudza, zvino ndichakudzwa.
10 神彰显大能加以干预耶和华说:“现在我要起来,现在我要兴起,现在我要被人尊崇。
11Imi muchava napamuviri pehundi, muchabereka mashanga; mweya wenyu moto uchakupedzai.
11你们所怀的是糠秕,所生的是碎秸;我的气息必像火一般吞灭你们。
12Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, semhinzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.
12众民必像燃烧的石灰,又像被割下的荆棘,在火中焚烧。
13Inzwai, imwi muri kure, zvandakaita, imwi muri pedo, muzive simba rangu.
13远方的人哪!你们要听我所作的事;近处的人哪!你们要承认我的大能。”
14Vatadzi vari paZiyoni vanotya, vasingadi Mwari, vabatwa nokudedera. Ndianiko pakati pedu angagara nomoto unoparadza? Ndiani pakati pedu angagara nokupisa kusingaperi?
14在锡安的罪人都恐惧;战兢抓住了不敬虔的人:“我们中间谁能与吞灭一切的火同住呢?我们中间谁能与不断燃烧的火同住呢?”
15Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora fuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;
15那行事公义,说话正直,拒绝不义的财利,摇手不受贿赂,塞耳不听血腥的事,闭眼不看邪恶的事的,
16iye achagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake achazvipiwa, mvura yake haingapwi.
16这样的人必居住在高处,他的保障必在坚固的磐石上,他的粮食必有供应,他的水源永不断绝。
17Meso ako achaona mambo pakunaka kwake, achaona nyika yakakura kwazvo.
17幸福美好的将来你必亲眼看见王的荣美,必看见辽阔之地。
18moyo wako ucharangarira nguva yokutya, uchiti, Aripiko iye aiverenga, aripiko aiyera mutero? Aripiko aiverenga shongwe?
18你的心必默想已往的恐惧,说:“那记数目的在哪里?那称贡银的在哪里?那数点城楼的在哪里呢?”
19Haungazooni vanhu vane hasha, vanhu vanorurimi runoshamisa, rwausingagoni kunzwa, rurimi rwokumwe rwausingagoni kunzwisisa.
19你必不再见那强暴的民了,就是那说话深奥,难以明白,舌头结巴,难以听懂的民。
20Tarirai Ziyoni, iro guta remitambo yedu; meso ako achaona Jerusaremu hwava ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.
20你要看着锡安,就是我们举行制定节期的城,你必看见耶路撒冷,是一个安全的居所,一个不挪移的帐幕,它的橛子永不会拔起来,它的绳索也不会扯断。
21Asi Jehovha achavapo nesu noumambo hwake, ichava nzvimbo ine nzizi nehova dzakafara, magwa anokwasviwa haangasvikipo, nezvikepe zvikuru hazvingapfuuripo.
21在那里,威严的耶和华必作我们江河宽渠溢流之地。必没有荡桨摇橹的船只能在其上往来,威武的战船也不能经过。
22nekuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa.
22因为耶和华是我们的审判者,耶和华是我们的立法者,耶和华是我们的君王,他必拯救我们。
23Mabote ako akati dembu-tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi wedanda rechikepe chavo, haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapwa nezvakapambwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapwa.
23现在你的绳索虽然松开,不能绑紧桅杆,也不能扬起帆来,但到那时,许多掳物必被你们瓜分,甚至瘸腿的也能把掠物掠去。
24Hakuna ageremo, achati, Ndinorwara; vanhu vageremo vachakangamwirwa zvakaipa zvavo.
24以色列的居民必不再说:“我有病”;因为在其中居住的,罪孽必得赦免。