1Swederai, imwi marudzi avanhu, munzwe, teererai imwi vanhu, nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo.
1 神要审判其子民的仇敌
2nekuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa.
2因为耶和华向列国发怒,向他们所有的军队发烈怒,要把他们灭尽,要把他们交出来受屠杀。
3Vakaurawa vavo vacharaswa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo.
3他们被杀的必被拋弃在外面,尸体的臭气上腾,众山都被他们的血所溶化。
4Hondo dzose dzokudenga dzichanyakatika, denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamuzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde.
4天上的万象都必消残;天也像书卷一般被卷起,所有星宿也必衰残,像葡萄树的叶子衰残一样,又像无花果树的叶子凋落一样。
5nekuti munondo wangu wamwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomu, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe.
5因为我的刀在天上已经喝足了,看哪!它要落在以东,以及我决定要灭绝的民身上,为要施行审判。
6Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondobwe; nekuti Jehovha ane chibayiro chake paBhozira, nokubaya kukuru panyika yaEdhomu.
6耶和华的刀染满了血,这刀因脂肪、羊羔和公山羊的血,以及公绵羊腰子的脂肪而滋润,因为耶和华在波斯拉有杀牲献祭的事,在以东地有大屠杀。
7Nyati dzichawa pamwechete navo, nenzombe pamwechete nehandira; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta.
7野牛、牛犊与壮牛要与他们一同倒下,他们的地喝足了血,他们的尘土因脂肪而肥润。
8nekuti Jehovha ane zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Ziyoni.
8因为耶和华有报仇的日子,为锡安的案件,必有报应之年。
9Hova dzayo dzichashanduka namo, ,huruva rayo sariferi, nyika yavo ichaitwa namo inopfuta.
9以东的河水都要变成石油,它的尘土必变成硫磺,它的地土要变成烧着的石油,
10Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi.
10昼夜不熄,烟气永远上腾,并且必世世代代变为荒凉,永永远远无人经过。
11Asi zvichava zvehukurwizi nenungu; zizi negunguvo zvichagaramo; achatambanudzirapo rwonzi rwokuparadza nechokururamisa chezvisina chinhu.
11但鹈鹕与箭猪要占据那地,猫头鹰和乌鸦必住在其中。耶和华必把空虚的准绳、混沌的线铊,拉在其上。
12Vakuru vayo vachadanirwa kuushe, asi havangavipo; machinda ayo ose achava pasina.
12它的显贵一个也没有了,以致不能称为一国,所有的领袖也没有了。
13mhinzwa ichamera mudzimba dzamadzimambo ayo, hutumbambeva norukato munhare dzayo; huchava hugaro hwamakava, nenzvimbo yemhou.
13以东的宫殿必长荆棘,它的堡垒必长蒺藜和刺草;它要作野狗的住处,作鸵鸟的居所。
14Zvikara zvomusango zvichasangana namapere, mweya wakaipa uchadana shamwari yawo; zvirokwazvo, chikara chousiku chichagarapo norugare, chichiwanapo nzvimbo yokuzorora.
14旷野的走兽必与豺狼相遇,野山羊必呼喊它的同伴;连夜间的怪物也必在那里栖身,为自己寻找休息的地方。
15Rovambira richaita dendere raropo, nokukandira, nokuchechenya mazai aro, nokuunganidza vana varo mumumvuri waro; zvirokwazvo, ndipo pachaunganira ruvangu, rumwe norumwe neshamwari yarwo.
15箭蛇要在那里筑窝、下蛋、孵蛋,并且聚子在它的阴影下;鹞鹰也各与自己的伴偶,聚集在那里。
16Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nekuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.
16你们要查考和阅读耶和华的书卷;这些都无一缺少,也没有一个是没有伴偶的,因为他的口已吩咐了,他的灵已把它们聚集。
17Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
17他也为它们抽签,他的手用准绳给它们分地;它们必永远得着那地,也要世世代代住在其中。