1Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakove zvivi zvavo.
1禁食的真正意义
2Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasii zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.
2他们天天寻求我,乐意明白我的道路,好像行义的国民,不离弃他们 神的公理;他们向我求问公义的判语,又喜欢亲近 神。
3Vanoti, Takazvinyimireiko zvoku dya, imwi mukasazviona? Takatambudzireiko mweya yedu, imwi mukasazviziva? Taurirai, pazuva rokutsanya munotsvaka kuzvifadza henyu nokubata mabasa enyu ose.
3他们说:“为什么我们禁食,你不看呢?为什么我们刻苦己身,你不理会呢?”看哪!你们在禁食的日子,仍然追求自己喜欢作的事,欺压为你们作工的人。
4Tarirai, munotsanya, kuti murwe nokukakavara, nokurova netsiva yezvakaipa, hamuzvinyimi zvokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumusoro.
4看哪!你们禁食,结果是吵闹和打架,用凶恶的拳头打人;你们不要像今天这样的禁食,使你们的声音可以听闻于天上。
5Ndikoko kutsanya kwandakasanangura here? Izuva rokuti munhu atambudze mweya wake here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kutsanya, nezuva rinodikamwa naJehovha here?
5使人刻苦自己的日子,这样的禁食是我拣选的吗?难道只是叫人垂头像一根苇子,用麻布和炉灰铺在下面吗?你可以称这是禁食,为耶和华所悦纳的日子吗?
6Ko kutsanya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?
6我所拣选的禁食不是这样吗?不是要松开凶恶的锁链,解开轭上的绳索,使被压迫的获得自由,折断所有的轭吗?
7Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako neanenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?
7不是要把你的食物分给饥饿的人,把流浪的穷困人接到你的家里,见到赤身露体的,给他衣服蔽体,不可逃避自己的骨肉而不顾恤吗?
8Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.
8这样,你的光就必突然发出,像黎明的曙光,你的伤口就必快快复原;你的公义就必行在你的前面,耶和华的荣耀要作你的后盾。
9Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; achadanidzira iwe, iye achati, Ndiripano. Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomumwe, nokutaura zvakaipa;
9那时,你求告,耶和华必应允;你呼求,他必说:“我在这里!”你若从你中间除掉欺压人的轭,除去指责人的指头和恶毒的言语,
10kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati;
10你的心若顾念饥饿的人,使困苦的人得到饱足,你的光就必在黑暗中升起来,你的幽暗必如日中天。
11Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mafupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.
11耶和华必常常引导你,在干旱之地使你的心灵饱足,使你的骨头坚强有力;你必像有水源浇灌的园子,又像水流不绝的泉源。
12Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa, Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo.
12你的子孙必重建久已荒废之处,你必重建历代拆毁了的根基;你要称为修补破口的人,重修路径给人居住的人。
13Kana uchidzora gumbo rako pazuva resabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako.,
13守安息日的福乐“因安息日的缘故,你若转离你的脚步;在我的圣日不作你喜欢作的;你若称安息日为可喜乐的,称耶和华的圣日为可尊重的;你若尊重这日,不作自己的事,不寻求自己所喜悦的,或不说无谓的话,
14Ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakove, nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
14你就必以耶和华为乐,我要使你乘驾地的高处,用你祖雅各的产业喂养你。”这是耶和华亲口说的。