1Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa;
1先知谴责人民的罪
2asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.
2而是你们的罪孽使你们与你们的 神隔绝;你们的罪恶使他掩面不顾你们,不听你们的祷告。
3nekuti maoko enyu akasvibiswa neropa, nemimwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runogunin'ina zvakashata.
3因为你们的手沾满了血,你们的指头被罪孽玷污,你们的嘴唇说虚谎的话,你们的舌头讲出凶言。
4Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
4没有人按公义求告,没有人凭诚实争辩;他们都倚靠虚无,说虚谎的话;所怀的是毒害,所生的是罪孽。
5Vanochochonya mazai emvumbi, vanoruka dandira rebuve; anodya mazai avo achafa, kana richipwanyika rinobudisa nyoka.
5他们所孵化的是毒蛇的蛋,他们所结的是蜘蛛的网,吃了它们的蛋,就一定死;蛋破了,就孵出蝮蛇来。
6Matandira avo haangaiti nguvo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.
6他们的网,不能作衣服,他们所作的,也不能遮盖自己;他们所作的是罪孽的作为,他们的手里满是强暴的行为。
7Tsoka dzavo dzinomhanyira zvakaipa, vanokurumidza kuteura ropa risina mhaka; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nokuputsanya zviri panzira dzavo.
7他们的脚奔跑行恶,他们急于流无辜人的血;他们的思想都是邪恶的思想,他们的行径全是破坏和毁灭。
8Nzira yorugare havaizivi; hakuna kururama pakufamba kwavo; vakazviitira nzira dzakaminama, ani naani anofamba nadzo haazivi rugare.
8平安的路,他们不认识,在他们的行径中没有公平;他们为自己使道路弯曲,行在其上的,都不认识平安。
9Naizvozvo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakusvikiri kwatiri; tinotsvaka chiedza, asi, tarirai, rima chete; tinotsvaka kubwinya, asi tinofamba pakasviba.
9因此,公平远离我们,公义赶不上我们,我们指望亮光,不料,却是黑暗。我们指望光明,却行在幽暗中!
10Tinotsvangadzira pamadziro samapofu; zvirokwazvo tinotsvangadzira savasina meso; tinogumburwa masikati sezvatinoita kana kosviba; pakati pavapenyu takafanana navakafa.
10我们摸索墙壁,好像瞎子一样;我们摸索,如同没有眼睛的人一般;我们在中午跌倒,有如在黄昏跌倒一样;我们在肥壮的人中,好像死人一般。
11Tinoomba tose samapere, tinochema zvikuru senjiva; tinotsvaka kururamisirwa; asi hakuna; tinotsvaka ruponeso, asi ruri kure nesu.
11我们都咆哮如熊,悲鸣像鸽子;我们等候公平,却没有公平;指望拯救,拯救却离我们很远。
12nekuti kudarika kwedu kwakawanda pamberi penyu, zvivi zvedu zvinotipupurira; nekuti kudarika kwedu kunesu, kana zviri zvakaipa zvedu tinozviziva, zvinoti:
12因为我们的过犯在你面前增多,我们的罪作证控告我们,我们的过犯与我们在一起;我们知道我们的罪孽,
13Kudarikira Jehovha nokumuramba, nokutsauka tisingateveri Mwari wedu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufunga nokutaura mashoko enhema anobva pamoyo.
13就是悖逆、否认耶和华,转去不跟从我们的 神,说欺压和背道的话,心里怀着谎言,随即说出来;
14Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nekuti chokwadi chakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda.
14公平被迫后退,公义站在远处;诚实在街上跌倒,正直不能进入。
15Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa.
15诚实缺乏,远离恶事的人反成为掠物。耶和华看见了,就看这为恶事,因为一点公平也没有。
16Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nekuti kwakanga kusina murevereri, naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira.
16耶和华必拯救自己的子民他见无人行善,无人代求,就非常诧异,所以他用自己的膀臂为他施行拯救,以自己的公义扶持他。
17Akashonga kururama senguvo yendarira, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguvo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi.
17他穿上公义的铠甲,戴上救恩的头盔,穿上复仇的衣服,披上热心作外袍。
18Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubayiro wokutsiva.
18他要按照各人的行为施行报应,把烈怒降与他的敌人,把报应加给他的仇敌,向众海岛的人施行报应。
19Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nekuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
19这样,人从日落之处必敬畏耶和华的名,从日出之地也必敬畏他的荣耀,仇敌像河水冲来的时候,耶和华的气必向他催逼。
20Zvino Mudzikunuri achasvika paZiyoni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakove, ndizvo zvinotaura Jehovha.
20“必有一位救赎主来到锡安,来到雅各家中那些转离过犯的人那里。”这是耶和华说的。
21Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo ndizvo zvinotaura Jehovha, Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
21耶和华说:“至于我,我与他们所立的约是这样:我加在你们身上的灵和我放在你口里的话,必不离开你的口,不离开你后裔的口,也不离开你后裔的后裔的口,从现在直到永远;这是耶和华说的。”