1Zvinonzi, Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikamwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
1以色列行恶不忠
2Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
2“你向光秃的高冈举目看看,哪里没有你的淫迹?你坐在路边等候情人,像阿拉伯人在旷野埋伏一样。你以淫乱和邪恶,把这地玷污了。
3Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, nemvura yokupedzisira yakanga isipo; kunyange zvakadaro wakange une huma yechifeve, ukaramba kunyadziswa.
3所以甘霖停止,春雨不降;你还是一副妓女的面孔(“面孔”原文作“额”),不顾羞耻。
4Ko haungatangi zvino uchidana kwandiri here, uchiti, baba vangu, ndimi muperekedzi wohuduku hwangu?
4你刚刚不是还呼叫我:‘我父啊!你是我年轻时的良伴;
5Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa.
5耶和华怎会永远怀怒,常存愤恨呢?’你虽然这样说了,还是尽力去作恶。”
6Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josiya, Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
6犹大与以色列行淫不忠约西亚王在位的日子,耶和华对我说:“背道的以色列所作的,她怎样走上各高山,在每棵繁茂的树下行淫,你看见了没有?
7Zvino vakati vapedza kuita izvozvo zvose, ini ndakati, vachadzokera kwandiri, asi havana kudzokera; kwandiri nomunin'ina wavo, Judha, wokusatendeka, vakazviona.
7我以为她作了这些事以后,就必回转过来,可是她没有回转。她诡诈的妹妹犹大也看见了。
8Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba VaIsiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munin'ina wavo, ivo vaJudha, vokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
8因背道的以色列犯了淫乱,我就给她休书,把她休了。我看见她诡诈的妹妹犹大还是不惧怕,照样行淫。
9Zvino nokusarangarira kwavo nyika yakasvibiswa nokufeva kwavo, vakafeva namabwe namatanda.
9因以色列把自己的淫行视作等闲,去与石头木头行淫,就把这地玷污了。
10Kunyange zvinhu izvi zvakadaro zvose, munin'ina wavo, Judha, havana kudzokera kwandiri nomoyo wavo wose, asi nokunyengera ndizvo zvinotaura Jehovha.
10虽然这样,她诡诈的妹妹犹大还没有全心归向我,只是假意地归我。”这是耶和华的宣告。
11Zvino Jehovha akati kwandiri, Isiraeri wokudzokera shure, vakaita zvakarurama kukunda Judha wokusatendeka.
11悔改蒙恩耶和华对我说:“背道的以色列,比诡诈的犹大还显得正义。
12Enda unoparidza mashoko awa kurutivi rwokumusoro, uti, Dzokai, imwi Isiraeri wokudzokera shure ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nekuti ndine nyasha, handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
12你去,把这些话向北方宣告,说:‘背道的以色列啊,回转吧!’这是耶和华的宣告。’我必不向你们变脸,因为我是慈爱的,我必不永远怀怒。’这是耶和华的宣告。
13Asi muzive zvakaipa zvenyu chete, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasateerera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
13‘只要你承认自己的罪孽,就是悖逆了耶和华你的 神,在每棵繁茂的树下,滥爱外族人的神,没有听从我的话。’这是耶和华的宣告。
14Zvanzi naJehovha, Dzokai imwi vana vokudzokera shure, nekuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Ziyoni.
14‘背道的人哪,回转吧!’这是耶和华的宣告。’因为我才是你们的主。我要每城取一人,每族取二人,把你们带到锡安。
15Ndichakupai vafudzi vanofadza moyo wangu, vachakufudzai nezivo nenjere.
15“我必把合我心意的牧人赐给你们,他们要用知识和智慧牧养你们。
16Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, Areka yesungano yaJehovha; havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
16当那些日子,你们在这地繁殖增多的时候,人必不再提说耶和华的约柜,不把它放在心上,不思念它,不觉得缺少,也不再制造。’这是耶和华的宣告。
17Panguva iyo vachatumidza Jerusaremu chigaro choushe chaJehovha; marudzi ose achaunganidzirwapo, paJerusaremu, nokuda kwezita raJehovha; havachazofambi nohukukutu bwemoyo yavo yakashata.
17‘那时,人必称耶路撒冷为耶和华的宝座,万国要聚集到她那里,因耶和华名的缘故来到耶路撒冷;他们必不再随从自己顽梗的恶心行事。
18Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.
18在那些日子,犹大家必与以色列家同行,他们必从北方之地一同来到我赐给你们列祖为业的地方。’”
19Asi ndakati, Ndichakuisai sei pakati pavana vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda, ndikati, Imi muchanditumidza zita rokuti, Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.
19“我说:‘我待你,像待儿女一样,赐给你佳美之地,就是列国中最美好的产业;我以为你会称我为父,不再离去不跟从我了。
20Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imwi makandinyengera, imwi imba yaIsiraeri.
20以色列家啊!妻子怎样行奸诈对丈夫不忠,你也照样以奸诈待我。’”这是耶和华的宣告。
21Inzwi rinonzwika kuzvikomo zvisina miti, kuchema nokunyengetera kwavana vaIsiraeri; nekuti vakaminamisa nzira dzavo, vakakangamwa Jehovha Mwari wavo.
21在光秃的高冈听到人声,就是以色列人哭泣恳求的声音;因为他们改转了自己的道路,忘记了耶和华他们的 神。
22Dzokai, imwi vana vokudzokera shure, ndichapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, tauya kwamuri, nekuti imwi muri Jehovha Mwari wedu.
22“背道的人哪,回转吧!我必医治你们背道的病。”“看哪!我们来到你这里,因为你是耶和华我们的 神!
23Zvirokwazvo, zvinobva kuzvikomo nemhere-mhere inobva kumakomo hazvina maturo; zvirokwazvo kuponeswa kwaIsiraeri kuri kuna Jehovha Mwari wedu.
23小山和大山上的喧嚷,真是徒然的,以色列的救恩诚然在于耶和华我们的 神。
24Asi chinhu chinonyangadza chakaparadza basa ramadzibaba edu kubva pahuduku bwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo navanasikana vavo.
24从我们幼年以来,我们列祖劳苦得来的,他们的牛羊,他们的儿女,都给那可耻的偶像吞掉了。
25Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nekuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku bwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
25但愿我们躺卧在羞耻中,让惭愧遮盖着我们!因为我们得罪了耶和华我们的 神,从我们幼年直到现在,我们和列祖都没有听从耶和华我们的 神的话。”