Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Jeremiah

4

1Zvanzi naJehovha, Kana muchida kudzoka, imwi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira.
1呼召以色列和犹大悔改
2Ipapo muchapika, muchiti, NaJehovha mupenyu, nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari.
2如果你凭真理、公正、公义,指着永活的耶和华起誓;列国就必因耶和华蒙福,也必以他为荣。”
3nekuti zvanzi naJehovha kuvanhu vaJudha naveJerusaremu, Zvivundirei gombo, idzva, musadzvara pakati pemhinzwa.
3耶和华对犹大和耶路撒冷的人这样说:“你们要为自己开垦未经耕耘之地,却不要撒种在荆棘中!
4Zvidzingisirei Jehovha, mubvise zvikanda zvapamberi zvomoyo, imwi vanhu vaJudha navagere Jerusaremu; kuti kutsamwa kwangu kukuru kurege kubuda somoto, upise kusino munhu unogona kuudzimura, nokuda kwezvakaipa zvamakaita.
4犹大人和耶路撒冷的居民哪!你们要为了耶和华的缘故自行割礼,除去心里的污秽;不然,我的忿怒必因你们的恶行,如火一般发出来,无人能熄灭!”
5Taurai pakati paJudha, muparidze muJerusaremu, muti Ridzai hwamanda panyika, danidzirai, muti, Unganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa.
5“你们应当在犹大宣告,在耶路撒冷传扬,说:‘要在境内吹号。’高声呼叫,说:‘你们要集合起来,我们要进到坚固的城里去!’
6Simudzirai mureza kurutivi rweZiyoni, tizai, musamira; nekuti ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
6要向锡安竖起旗号,赶快逃命,不可停留,因为我必使灾祸与严重的毁灭,从北方而来。”
7Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.
7狮子从它的密林中上来了,毁坏列国的已经动身,从他的本处出发,为要使你的地荒凉,使你的城市破毁,无人居住。
8Naizvozvo zvisungei zviuno zvenyu namakudza, mucheme nokuwungudza; nekuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kudzorwa kwatiri.
8因此,你们应当披上麻布,痛哭哀号,因为耶和华的烈怒,还没有离开我们。
9Zvino ndizvo zvinotaura Jehovha nezuva iro moyo wamambo uchaora, nemoyo yamachindawo; vapristi vachashamiswa navaporofita vachakanuka.
9“到那日,君王和首领的勇气消失,祭司也要惊惶,先知都必诧异。”这是耶和华的宣告。
10Ipapo ndikati, Haiwa, Ishe Jehovha zvirokwazvo makanyengera kwazvo vanhu ava naveJerusaremu, zvamakati, Muchava norugare, nyamba munondo unobaya kusvikira pamweya.
10于是我说:“噢!主耶和华啊!你真的欺骗了这人民,也欺骗了耶路撒冷,说:‘你们必平安无事’,其实刀剑已经架在颈项上了!”
11Nenguva iyo vanhu ava naveJerusaremu vachaudzwa, zvichinzi, Tarirai mhepo inopisa, inobva kuzvikomo zvisina miti murenje, inouya kumukunda wavanhu vangu, isingavingi kurudza kana kunatsa;
11到那时,必有话对这人民和耶路撒冷说:“有一阵热风从旷野光秃的高冈,刮向我的子民(“我的子民”原文作“我子民的女子”),不是为簸散,也不是为扬净;
12mhepo ine simba, inobva ikoko, ichandiuyira; zvino ndicharevawo zvandakatonga pamusoro pavo.
12这过强的风要为我刮来,我就要向他们宣告我的判词。”
13Tarirai, uchauya samakore, ngoro dzake dzichaita sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tine nhamo, nekuti taparadzwa.
13看哪!我必如密云涌聚,他的战车如旋风,他的马比鹰还快。我们有祸了,我们灭亡了!
14Haiwa, Jerusaremu, suka zvakaipa zviri pamoyo wako, kuti uponeswe. Ndangariro dzako dzakaipa dzichagara mukati mako kusvikira rinhiko?
14耶路撒冷啊!洗净你心中的邪恶,使你可以得救!你心存恶念,要到几时呢?
15nekuti inzwi rinotaura richibva Dhani, rinoparidza njodzi richibva pazvikomo zveEfuremu.
15因为有声音从但宣告,从以法莲山传出灾祸的警报。
16Udzai marudzi izvozvo, tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.
16“要向列国提说,向耶路撒冷宣扬:‘围攻的人从远地而来,向犹大的各城镇大声吶喊。
17Dzinovakomberedza savarindi vanokomberedza munda, nekuti vakandimukira ndizvo zvinotaura Jehovha.
17他们四面包围耶路撒冷,好像看守田地的人一样,因为耶路撒冷背叛了我。’”这是耶和华的宣告。
18Mufambiro wako nezvawakaita ndizvo zvakakuvuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nekuti zvinovava, nokuti
18“你这一切灾祸是你的所作所为作成的,这就是你的恶果,实在是苦,直透心底。”
19Maiwe ! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumoyo mangu mumene; moyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nekuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.
19先知为 神的子民悲哀我的肺腑,我的肺腑啊!我绞痛欲绝。我的心哪!我的心在我里面颤抖,我不能缄默不语。我的灵啊!我听见了号角的声音,也听见了战争的吶喊。
20Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa; nekuti nyika yose yaitwa dongo; matende angu aparadzwa kamwekamwe, namaseiri amatende angu pakarepo.
20毁灭的消息频传,因为全国尽都毁坏,我的帐棚忽然毁坏,我的幔子转瞬破裂。
21Ndichaona mureza kusvikira rinhiko, nokunzwa kurira kwehwamanda?
21我看见旗号要到几时呢?我听见号角的声音要到几时呢?
22nekuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka.
22“我的子民愚妄,他们连我都不认识,是无知的儿女,没有悟性;他们有智慧行恶,却没有知识行善。”
23Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza.
23我观看地,地是空虚混沌;我仰视天,天上也全然无光。
24Ndakatarira makomo, ndikaona achidedera, nezvikomo zvose zvichizununguka.
24我观看大山,它们尽都震动,小山也都摇来摇去。
25Ndakatarira, ndikasaona munhu, neshiri dzose dzokudenga dzakanga dzatiza.
25我观看,毫无人迹;空中的飞鸟也逃掉了。
26Ndakatarira, ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka pamberi paJehovha, napamberi pokutsamwa kwake kukuru.
26我观看,肥美田园变为荒野;在耶和华面前,就是在他烈怒之下,所有的城市都被拆毁。
27nekuti zvanzi naJehovha, Nyika yose ichasiiwa yaparadzwa, asi handingaipedzi chose.
27因为耶和华这样说:“全国都必荒凉,我却不尽行毁灭。
28Nemhaka iyi nyika ichachema, nedenga rose kumusoro richasviba; nekuti ndakazvitaura, ndakafunga kuzviita, handina kuzvidemba, handingadzoki pachinhu ichi.
28因此,地要悲哀,天必昏暗。因为我说过,就不后悔;我定了意,决不改变。”
29Maguta ose anotiza nokuda komubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiiwa hakuna munhu unogaramo.
29因着骑兵和弓箭手的响声,各城的人尽都逃跑。他们进入密林,爬上岩穴;各城都被撇下,无人住在其中。
30Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikamwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.
30你这被毁坏的啊!你在干什么?即使你穿上朱红色的服装,佩戴黄金饰物,用颜料画大你的眼睛,你自炫漂亮,也是白费的。爱你的人仍然鄙视你,他们都在寻索你的命!
31nekuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZiyoni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, Ndine nhamo zvino! nekuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!
31我听到好像妇人产痛的叫声,正像生头胎孩子的妇人疼痛的叫声,就是锡安居民(“居民”原文作“女子”)的声音,他们喘着气,伸开双手,说:“哎!我有祸了!在那些杀人者跟前,我发昏了!”