1Mhanyai kose-kose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikangamwira.
1耶路撒冷的罪恶
2Kunyange vachiti havo, NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo vanopika nhema.
2城里的人虽然指着永活的耶和华起誓,其实,他们起的誓是假的。”
3Haiwa Jehovha, meso enyu haazinotsvaka zvokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; makavapedza, asi vakaramba kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka.
3耶和华啊!你的眼目不是要看诚实的事吗?你击打他们,他们却不觉得伤痛;你摧毁他们,他们仍不肯接受管教。他们板着脸,脸皮比磐石还硬,总不肯回转。
4Ipapo ndikati, Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nekuti havazivi nzira yaJehovha, kana murayiro waMwari wavo.
4我说:“这些人只是贫穷小民,为人愚昧;他们不晓得耶和华的道路,也不明白他们 神的法则。
5Ndichaenda kuvakuru, ndichataura navo; nekuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, nomurayiro waMwari wavo. Asi ava vose pamwechete vakaputsa joko, vakadambura zvisungo.
5我要亲自去见那些权贵领袖,跟他们谈谈;因为他们晓得耶和华的道路,也明白他们 神的法则。”谁知他们竟一起把轭折断,挣脱绳索。
6Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nekuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.
6因此,狮子必从林中出来袭击他们,旷野的豺狼要杀害他们,豹子在他们的城边窥伺,出城的都必被撕碎;因为他们的过犯众多,背道的事也无法数算。
7Ndingakukangamwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvifeve vachiita mapoka.
7“为什么我要赦免你?你的儿女离弃我,指着那些不是神的起誓。我使他们饱足,他们却去行淫,一起挤在妓院里。
8Vakanga vakaita samabhiza akagutswa, anongozvifambira; mumwe nomumwe wakadana mukadzi wowokwake.
8他们像饱食的马,情欲奔放,各向别人的妻子嘶叫。
9Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
9我因这些事怎能不施行惩罚呢?像这样的国家,我怎能不亲自报复呢?”这是耶和华的宣告。
10Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musapedza chose; bvisai matavi aro, nekuti haazi Jehovha.
10“你们要走进她的葡萄园(“葡萄园”原文作“葡萄树的行列”)里施行毁坏,但不可毁灭她的枝子,因为它们不属耶和华。
11nekuti imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaita nokunyengera kukuru kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
11以色列家和犹大家,待我实在太奸诈了。”这是耶和华的宣告。
12Vakaramba Jehovha, vakati, Haazi iye; hakuna chakaipa chingatiwira, hatingaoni munondo kana nzara;
12他们不信耶和华,说:“他不会作什么,灾祸必不临到我们,我们也不会看见刀剑和饥荒。
13vaporofita vachashanduka mhepo, shoko raJehovha harizi mavari; ngavaitirwe saizvozvo.
13先知不过是一阵风,主的道也不在他们里面;他们所说的必临到他们身上。”
14Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Zvamunotaura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu ave moto mumiromo yenyu, navanhu ava vave huni, vapedzwe nawo.
14因此,耶和华万军之 神这样说:“因他们说了这话,我必使我的话在你口中成为火,使这人民成为柴,火要把他们吞灭。
15Tarirai ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imwi imba yaIsiraeri, rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.
15以色列家啊!我必使一国从远方来攻击你们。”这是耶和华的宣告。”那国历久不衰,从古就有;他们的言语你们不懂得,他们所说的你们不明白。
16Goba ravo hwiro hwakashama, vose vanhu vane simba.
16他们的箭囊像敞开的坟墓,他们尽都是勇士。
17Vachadya zvamakohwa nezvokudya zvenyu zvaifanira kudyiwa navanakomana venyu navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu; vachadya mizambiringa yenyu nemionde yenyu; vachaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaivimba nawo.
17他们必吞灭你们的庄稼和粮食,吞灭你的儿女,你们的羊群牛群,以及你们的葡萄和无花果;他们也必用刀剑毁坏你们所倚仗的坚固城。
18Asi zvanzi naJehovha, Kunyange napamazuva iwayo handingakupedziyi chose.
18就是到了那时,我也不把你们完全毁灭。”这是耶和华的宣告。
19Zvino kana muchinge munoti, Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose? Ipapo uti kwavari, Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.
19“将来如果有人问:‘耶和华我们的 神,为什么向我们行这一切事呢?’你就要对他们说:‘你们怎样离弃我,在你们的土地上事奉外族人的神,你们也要在不属你们的土地上照样服事外族人。’”
20Taurirai izvozvi paimba yaJakove, muzviparidzire paJudha, muchiti,
20 神的警告你们要在雅各家宣告这事,在犹大传扬,说:
21Zvino chinzwai izvozvi, imwi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.
21“愚昧无知的民哪!你们有眼不能看,有耳不能听;你们应当听这话:
22Zvanzi naJehovha, Hamundityi here? Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganhu wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi.
22‘你们连我都不惧怕吗?在我面前你们也不战兢吗?’这是耶和华的宣告。’我以沙作海的疆界,作永远的界限,海就不能越过;波浪翻腾,却不能漫过;怒涛澎湃,仍无法逾越。
23Asi vanhu ava vanomoyo wakasindimara unoramba kunzwa; vakatsauka, ndokuenda.
23可是这人民,竟存着顽梗悖逆的心;背我而去。’
24Havati mumoyo yavo, Zvino ngatitye Jehovha Mwari wedu, unotipa panguva yazvo mvura yokutanga neyokupedzisira, iye unotichengetera mavhiki akatarwa okukohwa.
24他们心里也不想想:‘我们应当敬畏耶和华我们的 神,他按时赐雨,就是秋雨春霖,又为我们保存定时收割的节令。’
25Zvakaipa zvenyu zvakatsausa izvozvi, kutadza kwenyu kwakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zvirege kuuya kwamuri.
25你们的罪孽使这些都离开了,你们的罪恶剥夺了你们的幸福。
26nekuti vanhu vakaipa varipo pakati pavanhu vangu; vanorindira, savanogarira shiri; vanoteya misungo, vanobata vanhu.
26在我的子民中发现了恶人,他们好像捕鸟的人蹲伏窥探,装置网罗捕捉人。
27Sedendere, rizere neshiri, saizvozvo dzimba dzavo dzizere nokunyengera; nemhaka iyo vakura, vafuma.
27笼中怎样满了雀鸟,他们的屋里也满了诡诈;他们就因此财雄势大。
28Vakora, vanobwinya; zvirokwazvo vanokurira vamwe namabasa akaipa; havatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti vagare zvakanaka; havaruramisiri vanoshaiwa.
28他们肥胖光润,作尽各种坏事;他们不为人辩护,不替孤儿辨屈,使他们获益,也不为穷人伸冤。
29Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
29我因这些事怎能不施行惩罚呢?像这样的国家,我怎能不亲自报复呢?”这是耶和华的宣告。
30Chinhu chinoshamisa chinosemesa chakaitwa panyika ino;
30“恐怖骇人的事在国中发生了。
31vaporofita va noporofita nhema, navapristi vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?
31先知说假预言,祭司凭己意把持权柄。我的子民竟喜爱这样,到了结局你们怎么办呢?”