1Tizai, imwi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nekuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
1预言耶路撒冷的败坏
2Ndichabvisa mukunda weZiyoni, iye wakanaka, unovunengwe.
2美丽高贵的锡安居民(“居民”原文作“女子”),我必除灭你们。
3Vafudzi vachaenda kwariri vana mapoka avo; vacharidzikira matende avo kumativi ose, mumwe nomumwe uchafura panzvimbo yake.
3牧人必带着他们的羊群,来到锡安那里,在城的四围支搭帐棚,各在自己的地方分别牧放羊群。”
4Zvigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tine nhamo, nekuti zuva rovira, nekuti mimvuri yamadekwana yareba.
4“你们要备战攻击她!起来!我们趁着正午上去。唉!可惜日渐西沉,暮影拖长了!
5Simukai, tiende vusiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro.
5起来!我们趁着夜间上去,毁坏她的堡垒。”
6nekuti zvakanzi naJehovha wehondo, Temai miti, mututire Jerusaremu murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurohwa, mukati maro munongova nokumanikidza chete.
6因为万军之耶和华这样说:“砍下她的树木,筑垒攻打耶路撒冷;她是那该受惩罚的城,其中尽是欺压的事。
7Tsime sezvarinobudisa mvura yaro, saizvozvo rinobudisa zvakaipa zvaro; kuita nesimba nokuparadza ndizvo zvinonzwikwa mukati maro, pamberi pangu panongova nokurwara namavanga nguva dzose.
7井怎样涌出水来,这城也怎样涌出恶来;城中常常听到强暴和毁灭的事,在我面前不断有病患与创伤。
8Tenda kurangwa, iwe Jerusaremu, kuti mweya wangu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita dongo, nyika isingagari vanhu.
8耶路撒冷啊!应当受警戒,免得我的心与你疏远,免得我使你荒凉,成为无人居住之地。”
9Zvanzi naJehovha wehondo, Vachatanha chose zvakasara zvaIsiraeri, somuzambiringa; dzoseraizve ruoko rwenyu mumatengu, sezvinoita mutanhi wemizambiringa.
9万军之耶和华这样说:“任凭他们像摘净葡萄一样对待以色列剩下的人;你要像摘葡萄的人,向枝子伸手,摘了又摘。”
10Ndichataura nani nokuvapupurira vanzwe? Tarirai, nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, havagoni kunzwa; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri.
10我可以向谁说话,向谁警告,使他们可以听从呢?他们的耳朵未受割礼,不能听闻;看哪!他们以耶和华的话为羞辱,一点也不喜欢。
11Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nekuti murume nomukadzi vachabatwa pamwechete nowava namazuva mazhinji.
11因此,我心里充满耶和华的忿怒,无法容忍。”你要把我的忿怒向街上的孩童倾倒,又倾在联群集结的年轻人身上。夫妻一起被捉住,年老的、寿高的也不例外。
12Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwechete navakadzi vavo; nekuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12他们的房屋、田地与妻子,都要一起转归别人;因为我要伸手,攻击这地的居民。”这是耶和华的宣告。
13nekuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira fuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
13“他们从最小的到最大的,个个都贪图不义之财;从先知到祭司,全都行事诡诈。
14Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
14他们草率地医治我子民(“我子民”原文作“我子民的女子”)的损伤,说:‘平安了!平安了!’其实没有平安。”
15Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
15耶和华说:“他们行了可憎的事,本应觉得羞愧,可是他们一点羞愧都没有,恬不知耻。因此他们必仆倒在倒下的人中间,我惩罚他们的时候,他们必倒下来。”
16Zvanzi naJehovha, Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zoro; asi vakati, Hatidi kufamba mairi.
16耶和华这样说:“你们要站在路上察看,寻访远古的路径,看哪一条是美善的路,就走在其中;这样,你们心里就必得安息。他们却说:‘我们不走在其中。’
17Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati, teererai inzwi rehwamanda; asi ivo vakati, Hatidi kuteerera.
17我设立守望的人照管你们,说:‘你们要留心听号角的声音!’他们却说:‘我们不听!’
18Naizvozvo inzwai, imwi marudzi, newe ungano, muzive zviri pakati pavo.
18列国啊!因此你们要听。以色列会众啊!要晓得他们将遭遇的。
19Inzwa, Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nekuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
19大地啊,要听!我必使灾祸临到这人民,这是他们的意图带来的结果;因为他们没有留心听我的话,我的律法他们也弃绝了。
20Ko zvinonhuhwira zvinouyirei kwandiri zvichibva Shebha, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi, nezvibayiro zvenyu hazvindifadzi.
20从示巴来的乳香,从远地出的菖蒲,献给我有什么益处呢?你们的燔祭不蒙悦纳,你们的祭祀我不喜悦。”
21Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisira vanhu ava zvigumbuso, madzibaba navanakomana vavo vachagumbuswa nazvo pamwechete; munhu neshamwari yake vachaparara pamwechete.
21因此,耶和华这样说:“我要把绊脚石放在这人民的前面,他们父子一起在其上绊倒,邻舍与朋友也都灭亡。”
22Zvanzi naJehovha, Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, rudzi rukuru ruchamutswa, ruchibva kumigumo yenyika.
22耶和华这样说:“看哪!有一个民族从北方之地而来,有一大国被激动从地极来到。
23Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZiyoni.
23他们紧握弓和枪,性情残忍,毫无怜悯;他们的声音像海洋怒吼;锡安的居民(“居民”原文作“女子”)哪!他们骑着战马,在战场上如同一人,列阵攻击你们。”
24Takanzwa guhu razvo, maoko edu oshaiwa simba, tabatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokomukadzi unosurumuka,
24我们听到有关他们的消息,手就发软;痛苦紧紧抓住我们,我们疼痛好像正在生产的妇人。
25Regai kubudira kubundo, kana kufamba nenzira; nekuti munondo womuvengi nezvinotyisa zviri kumativi ose.
25你们不要出到田野去,也不要在路上走,因为四围有仇敌的刀剑和惊吓。
26Haiwa, mukunda wavanhu vangu, Zvisunge chiuno namakudza, uumburuke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nekuti muparadzi uchatiwira pakarepo.
26我的同胞(“同胞”原文作“人民的女子”)啊!应当披上麻布,在灰尘中打滚,悲哀如丧独生子,号咷痛哭,因为有行毁灭的会突然攻击我们。
27Ndakakuita mushori nenhare pakati pavanhu vangu, kuti uzive nokuidza nzira yavo.
27“我使你在我子民中作鉴辨和试验的,好让你查察、鉴别他们的行径。”
28Vose vavo vamukiri vakaisvoipa, vanongofamba-famba vachiita makuhwa; indarira nedare, vanoita zvakashata vose.
28他们都是十分悖逆的人,到处搬弄是非。他们是铜是铁,他们都是败坏的。
29Mvuto inovhutira kwazvo, mutobvu wapera nomoto, vanoramba vachinatsa pasina, nekuti vakaipa havabviswi.
29风箱猛烈地吹,铅在火中销熔;他们炼而又炼,徒劳无功,因为邪恶的仍未除去。
30Vachanzi sirivha yakarashwa, nekuti Jehovha wakavaramba.
30人要称他们为被弃的银渣,因为耶和华把他们弃绝了。