1Zvino negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
1耶和华命令耶利米写书卷
2Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakakuudza pamusoro paIsiraeri, napamusoro paJudha, napamusoro pamarudzi ose, kubva pazuva randakataura newe, kubva pamazuva aJosiya kusvikira zuva ranhasi.
2“你取一卷书卷来,在上面写下我在约西亚作王的时候开始,直到今日,对你所说论到以色列和犹大,以及列国的一切话。
3Zvimwe imba yaJudha vachanzwa zvakaipa zvose zvandinofunga kuvaitira, kuti vadzoke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, ndivakangamwire kuipa kwavo nezvivi zvavo.
3或者犹大家听见我想要降给他们的一切灾祸,各人就回转,离开自己的恶道,我就赦免他们的罪孽和罪恶。”
4Ipapo Jeremiya wakadana Bharuki mwanakomana waNeria, Bharuki akanyora parugwaro rwakapetwa mashoko ose aJehovha akabva mumuromo waJeremiya, aakataura kwaari.
4耶利米吩咐巴录宣读书卷于是耶利米把尼利亚的儿子巴录叫了来,巴录就从耶利米口中,把耶和华向耶利米所说的一切话,都写在书卷上。
5Jeremiya akaraira Bharuki, achiti, Ini ndakadziviswa, handigoni kupinda mumba maJehovha.
5耶利米吩咐巴录说:“我被阻止,不能进耶和华的殿里去。
6Naizvozvo chienda iwe, undorava murugwaro rwakapetwa, mawanyora zvakabva pamuromo wangu, mashoko aJehovha zvinzwikwe nenzeve dzavanhu mumba maJehovha pazuva rokutsanya; uye uaravewo anzwikwe nenzeve dzavaJudha vose vanobuda mumaguta avo.
6所以你要进去,趁禁食的日子,在耶和华的殿里,向众人宣读书卷上的话,就是你从我口中所录下耶和华的话。你要向从犹大各城来的人宣读。
7Zvimwe kunyengetera kwavo kuchasvika pamberi paJehovha, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; nekuti kutsamwa nehasha zvakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava zvakakura kwazvo.
7也许他们会向耶和华恳求,各人回转,离开自己的恶道,因为耶和华向这人民所说要发的怒气和烈怒是很大的。”
8Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose sezvaakarairwa nomuporofita Jeremiya akarava mubhuku mashoko aJehovha mumba maJehovha.
8尼利亚的儿子巴录就照着耶利米先知吩咐的一切去行,在耶和华的殿里宣读书上耶和华的话。
9Zvino negore rechishanu raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, nomwedzi wepfumbamwe, vanhu vose veJerusaremu, navanhu vose vakanga vabva kumaguta aJudha vachiuya Jerusaremu, vakatara zuva rokutsanya pamberi paJehovha.
9犹大王约西亚的儿子约雅敬第五年九月,耶路撒冷的众民,和所有从犹大各城来到耶路撒冷的人民,都在耶和华面前宣告禁食。
10Ipapo Bharuki akarava mubhuku mashoko aJeremiya mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana womunyori Shafani, muruvazhe rwokumusoro, pavaipinda pasuwo idzva reimba yaJehovha, vanhu vose vachizvinzwa nenzeve dzavo.
10巴录就在耶和华的殿里,向众民宣读书上耶利米的话。那时他是在沙番的儿子书记基玛利雅的房间里,这房间是在上院,靠近耶和华殿里新门的入口。
11Zvino Mikaia mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, wakati anzwa mashoko ose aJehovha mubhuku,
11沙番的孙子基玛利雅的儿子米该亚,听见了书上耶和华的一切话,
12akaburukira kumba kwamambo, mukamuri yomunyori, wanei, machinda ose agerepo, vaiti, Erishama munyori, naDheraia mwanakomana waShemaia, naErinatani mwanakomana waAkibhori, naGemaria mwanakomana waShafani, naZedhekiya mwanakomana waHanania, namachinda ose.
12就下到王宫,进入书记的房间里;所有领袖都在那里坐着,他们是书记以利沙玛、示玛雅的儿子第莱雅、亚革波的儿子以利拿单、沙番的儿子基玛利雅、哈拿尼雅的儿子西底家和所有其余的领袖。
13Ipapo Mikaia akavaparidzira mashoko ose aakanzwa, Bharuki achirava mubhuku vanhu vachizvinzwa nenzeve dzavo.
13米该亚就把所听见的一切都告诉他们,就是巴录向众人宣读那书的时候,他所听见的。
14Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye. Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.
14于是所有的领袖差派古示的曾孙、示利米雅的孙子、尼探雅的儿子犹底,去见巴录,说:“请你把向众人宣读的那书卷亲自拿来。”尼利亚的儿子巴录就把书卷亲自带到他们那里。
15Vakati kwaari, Zvino chigara pasi, uirave tinzwe nenzeve dzedu. Ipapo Bharuki wakavaravira vakanzwa nenzeve dzavo.
15他们对他说:“请坐下,念给我们听。”巴录就向他们宣读。
16Zvino vakati vanzwa mashoko ose, vakatarirana vachitya, vakati kuna Bharuki, Zvirokwazvo tichaudza mambo mashoko awa ose.
16他们听见这一切话,就惊惧起来,面面相觑,对巴录说:“我们必须把这一切话禀告王。”
17Vakabvunza Bharuki, vachiti, Zvino chitiudza kuti wakanyora mashoko awa ose sei, achibva mumuromo make.
17他们向巴录说:“请告诉我们,你怎样写下这一切话,是耶利米亲口说的吗?”
18Ipapo Bharuki akavapindura, akati, Wakandiparidzira mashoko awa ose nomuromo wake, ndikaanyora neingi mubhuku.
18巴录对他们说:“这一切话是他亲口向我讲述的,我就用墨写在书上。”
19Ipapo machinda akati kuna Bharuki, Endai mundovanda, iwe naJeremiya, kurege kuva nomunhu unoziva kwamuri.
19众领袖对巴录说:“你和耶利米都要去躲藏起来;不要给人知道你们在什么地方。”
20Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.
20王焚烧书卷众领袖把书卷存在书记以利沙玛的房间里,然后进内院去见王,把这一切话都禀告给王听。
21Ipapo mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, iye akandorutora mukamuri yomunyori Erishama. Jehudhi akaravira mambo achizvinzwa nenzeve dzake, namachinda ose akanga amire namambo ivo vachinzwa nenzeve dzavo.
21于是王差派犹底去把书卷拿来;犹底就从书记以利沙玛的房间里把书卷取来,向王和所有侍立在王左右的领袖宣读。
22Zvino mambo wakange agere muimba yakavakirwa nguva yechando nomwedzi wepfumbamwe, moto uchipfuta pamberi pake pachaenga.
22那时正是九月,王坐在冬宫里,在他面前有一盆炭火烧着。
23Zvino Jehudhi wakati apedza kurava zvikamu zvitatu kana zvina, mambo ndokuzvicheka nebanga ndokuzvikandira mumoto wakange uri muchaenga, kusvikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomoto wakange uri muchaenga.
23每逢犹底宣读完三四段,王就用书记的小刀把书割破,丢进盆中的火里,直到全卷都在盆中的火里烧尽了。
24Asi havana kutya, kana kubvarura nguvo dzavo, kunyange mambo kunyange nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.
24王和他所有听见这一切话的臣仆,都不惊惧,也不撕裂衣服。
25Erinatani naDheraia naGemaria vakanga vanyengetera havo mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa, asi haana kuvateerera.
25虽然以利拿单、第莱雅和基玛利雅恳求王不要烧这书卷,王却不听他们,
26Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha wakavavanza.
26更吩咐王子耶拉篾、亚次列的儿子西莱雅和亚伯叠的儿子示利米雅,去捉拿文士巴录和耶利米先知;但耶和华把他们隐藏起来。
27Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, mambo apisa rugwaro rwakapetwa, namashoko akanga anyorwa naBharuki achibva mumuromo waJeremiya, richiti,
27预言焚烧书卷者必遭重灾王烧了那载有巴录从耶利米口中录下的话的书卷以后,耶和华的话又临到耶利米,说:
28Chitorazve rumwe rugwaro rwakapetwa unyoremozve mashoko ose okutanga, akanga ari murugwaro rwakapetwa rwokutanga, rwakapiswa naJehoiakimu mambo waJudha.
28“你再取一书卷来,把犹大王约雅敬烧掉的前一书卷里原来的一切话,都写在书卷上面。
29Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwakapetwa, uchiti, Wanyorereimo uchiti, Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?
29论到犹大王约雅敬你要说:‘耶和华这样说:你烧了那书卷,说:你为什么在上面写着说:巴比伦王一定来,毁灭这地,使地上的人畜都灭绝呢?
30Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mambo waJudha, Haangavi nomumwe uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; chitunha chake chichakandirwa kunze masikati kana kuchipisa, novusiku kana kune chando.
30因此,耶和华论到犹大王约雅敬这样说:他的后代必没有人坐在大卫的王位上;他的尸体必拋弃在外,日间受炎热,夜间受寒霜。
31Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuteerera.
31我必惩罚他和他的后裔,以及他臣仆的罪孽;我必使我对他们预告过的一切灾祸,临到他们和耶路撒冷的居民,以及犹大人的身上;他们却不听从。’”
32Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku yakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha, mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.
32命巴录重写书卷于是耶利米取了另一卷书卷,交给尼利亚的儿子文士巴录;巴录就从耶利米的口中,把犹大王约雅敬在火中烧掉的那书上的一切话,都写在书卷上,还加上很多类似的话。