1Zvino Zedhekia mwanakomana waJosiya wakabata ushe ari mambo panzvimbo yaKonia mwanakomana waJehoiakimu, wakange apiwa ushe munyika yaJudha naNebhukadhirezari mambo waBhabhironi.
1西底家求耶利米代祷
2Asi iye, kunyange varanda vake, kana vanhu venyika, havana kuteerera mashoko aJehovha, aakataura nomuporofita Jeremiya.
2西底家和他的臣仆,以及那地的人民,都不听从耶和华借耶利米先知所传的话。
3Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womupristi Maaseia, kumuporofita Jeremiya, achiti, Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.
3西底家王差派示利米雅的儿子犹甲和玛西雅祭司的儿子西番雅,去见耶利米先知,说:“请你为我们向耶和华我们的 神祷告。”
4Zvino Jeremiya wakange achingopinda nokubuda hake pakati pavanhu, nekuti vakanga vachigere kumusunga mutirongo.
4那时,耶利米还可以在民众中间自由行动,因为他们还没有把他关进监狱里。
5Hondo yaFarao yakanga yabvawo Egipita; zvino vaKaradhea, vakanga vakakomba Jerusaremu, vakati vachinzwa zvavo, vakarega kukomba Jerusaremu.
5法老的军队已经从埃及出来;那些围困耶路撒冷的迦勒底人听见了他们的风声,就从耶路撒冷撤退了。
6Ipapo shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Jeremiya, richiti,
6那时,耶和华的话临到耶利米先知,
7Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Egipita kunyika yavo.
7“耶和华以色列的 神这样说:你们要对差派你们来求问我的犹大王这样说:‘看哪!那出来帮助你们的法老的军队,必回到他们的埃及本地去。
8VaKaradhea vachauyazve vachirwa neguta rino; vacharikunda, nokuripisa nomoto.
8迦勒底人必回来,攻击这城,占领这城,放火烧毁这城。’
9Zvanzi naJehovha, Musazvinyengera henyu, muchiti, Zvirokwazvo, vaKaradhea vachabva kwatiri, nekuti havangabvi.
9耶和华这样说:你们不要自己欺骗自己,说:‘迦勒底人必定离开我们!’因为他们必不离开。
10nekuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa chete, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake vakapisa guta rino nomoto.
10即使你们击败了那攻打你们的迦勒底全军,他们中间只剩下一些受重伤的人,他们也必各从自己的帐棚里起来,放火烧毁这城。’”
11Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao,
11耶利米被囚禁迦勒底人的军队因惧怕法老的军队而从耶路撒冷撤退的时候,
12Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake.
12耶利米离开耶路撒冷,往便雅悯地去,要在那里,在同乡中间,取得自己的产业。
13Zvino wakati ari pasuwo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.
13他到了便雅悯门,那里有一个守卫的长官,名叫伊利雅,是哈拿尼雅的孙子、示利米雅的儿子;他拿住耶利米先知,说:“你想去投降迦勒底人!”
14Jeremiya akati, Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea. Asi haana kumuteerera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda.
14耶利米说:“这是谎话!我并不是去投降迦勒底人。”但伊利雅不听他,仍拿住他,把他带到众领袖那里。
15Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutirongo mumba momunyori Jonatani; nekuti vakanga vaiita tirongo.
15众领袖都恼怒耶利米,就吩咐人打他,并且把他关进监里,就是在书记约拿单的房子里,因为他们已把这房子改作监狱。
16Zvino Jeremiya wakati apinda mutirongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji,
16耶利米进了地牢里的一个囚房,在那里监禁了多日。
17mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, Kune shoko rinobva kuna Jehovha here? Jeremiya akati, Ririko. Akatiwo, Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.
17后来,西底家王派人去把他带出来;王在自己的宫中私下问他,说:“从耶和华那里有话来吗?”耶利米回答:“有!”又说:“你必交在巴比伦王的手中。”
18Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutirongo?
18耶利米再对西底家王说:“我有什么得罪你,或你的臣仆,或这人民,你竟然把我送进监狱里呢?
19Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofitirai, vachiti, Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?
19你们的先知曾向你们预言说:‘巴比伦王必不会来攻击你们和这地。’他们现今在哪里呢?
20Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba komunyori Jonatani, ndirege kufirapo.
20我主我王啊!现在求你垂听,求你容我向你恳求!不要把我送回书记约拿单的房子去,免得我死在那里。”
21Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
21于是西底家王下令,把耶利米拘留在卫兵的院子里;他们每天从饼铺街拿一个饼给他,直到城里的饼都吃光了。耶利米就这样留在卫兵的院子里。