Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Jeremiah

38

1Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti,
1耶利米在牢狱里
2Zvanzi naJehovha, Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.
2“耶和华这样说:‘凡留在这城里的,必因刀剑、饥荒、瘟疫而死;但出去向迦勒底人投降的,必可以活着;他们必捡回自己的性命,得以生存。’
3Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.
3耶和华这样说:‘这城必交在巴比伦王军队的手中,巴比伦王必攻取这城。’”
4Ipapo machinda akati kuna mambo, Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nekuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nekuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.
4于是众领袖对王说:“这人应该处死,因为他向这城里剩下的军兵和众民说了这样的话,使他们的手都软弱无力。这人不是为这人民求平安,却是惹来灾祸的。”
5Mambo Zedhekia ndokuti, Tarirai, uri pamaoko enyu, nekuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi.
5西底家王说:“看哪!他在你们手中;王不能作什么反对你们。”
6Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope.
6他们就拿住耶利米,把他丢在王子玛基雅的井里,那井是在卫兵的院子里的;他们用绳子把耶利米缒下去。井里没有水,只有淤泥;耶利米就陷在淤泥中。
7Zvino multiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakange agere musuwo raBhenjamini).
7以伯.米勒援救耶利米宫中的臣宰古实人以伯.米勒,在王宫里听见他们把耶利米关在井里的消息(那时,王正在便雅悯门坐着),
8Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti,
8以伯.米勒就从王宫里出来,禀告王说:
9Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nekuti hakuchina chingwa muguta.
9“我主我王啊!这些人对耶利米先知所作的一切真是恶毒,他们把他丢在井里;在那地方他必饿死,因为城里再没有粮食了。”
10Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.
10于是王吩咐古实人以伯.米勒说:“你从这里带三十个人,在耶利米先知未死以前,把他从井里拉上来。”
11Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chefuma, akatorapo mamvemve nenguvo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
11以伯.米勒就带人进王宫去,到储物室下面的一个房间,从那里取了些破布烂衣,用绳子缒下井里给耶利米。
12Multiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, Zvino chiisai mamvemve awa nenguvo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi. mamabote. Jeremiya akaita saizvozvo.
12古实人以伯.米勒对耶利米说:“把这些破布烂衣垫在你的腋下,然后束上绳子。”耶利米就这样作了。
13Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
13于是他们用绳子把耶利米从井里拉出来;这样,耶利米可以住在卫兵的院子里。
14Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.
14西底家私会耶利米后来,西底家王派人去把耶利米先知带到耶和华殿中的第三道门那里去见他。王对耶利米说:“我要问你一件事,你什么都不可以向我隐瞒。”
15Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditeereri.
15耶利米对西底家说:“我若告诉你,你不是要杀死我吗?我若向你建议,你必不听从我。”
16Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyararire, akati, NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.
16于是西底家王私下向耶利米起誓,说:“我指着那创造我们生命的永活的耶和华起誓:我决不杀死你,也不把你交在这些寻索你性命的人的手里。”
17Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imwi muchararama, neimba yenyu.
17耶利米劝西底家出降耶利米对西底家说:“耶和华万军的 神、以色列的 神这样说:‘你若出去归降巴比伦王的将领,你的性命就可以存活;这城也不会被火焚烧,你和你一家都可以存活。
18Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemwi hamungapukunyuki pamaoko avo.
18但你若不出去归降巴比伦王的将领,这城就必交在迦勒底人的手中;他们必放火烧毁这城,你自己也不能从他们的手里逃脱。’”
19Ipapo mambo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.
19西底家王对耶利米说:“我害怕那些已向迦勒底人投降的犹大人,恐怕迦勒底人把我交在他们手中,他们就会凌辱我。”
20Asi Jeremiya wakati, Havangakusiiyi kwavari. Chiteererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
20耶利米说:“迦勒底人必不会把你交给他们。求你听从我对你所说的耶和华的话;这样,你就可以平安无事,你的性命也可以存活。
21Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha,
21你若拒绝出去投降,耶和华指示我的话就是这样:
22Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi, zvino vakadzi avo vachati, Shamwari dzenyu dzinodikamwa nemwi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai, zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.
22看哪!犹大王宫里所有剩下的妇女,都必被带出来,去到巴比伦王的将领那里。那些妇女必对你说:‘你的盟友煽惑了你,左右了你;现在你的脚陷在泥沼中,他们就都离弃你。’
23Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imwi muchapisisa guta rino nomoto.
23你所有的后妃和你的儿女,都必被带出来,去到迦勒底人那里;你自己也不能从他们的手里逃脱,因为你必被巴比伦王的手抓住;这城也必被火烧毁(“这城也必被火烧毁”有古抄本作“你必放火烧毁这城”)。”
24Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi.
24王命耶利米要保密西底家对耶利米说:“不要给人知道这些话,这样你就不会死。
25Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, Chitizivisa zvino zvawaudza mambo, usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.
25众领袖若听见了我和你说过话,就会来见你,对你说:‘告诉我们,你对王说了些什么?不可向我们隐瞒,我们就不会杀死你。王又对你说了些什么?’
26Ipapo uti kwavari, Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.
26你就要对他们说:‘我只是把我的恳求呈到王面前,求他不要把我送回约拿单的房子去,免得我死在那里。’”
27Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nekuti shoko rakanga risina kuzikamwa.
27所有的领袖果然来见耶利米,查问他;他就照着王所吩咐的这一切话告诉他们。于是他们不再追问他,因为王和他说话的内容没有给人听见。
28Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.
28这样,耶利米留在卫兵的院子里,直到耶路撒冷被攻取的那一天。