Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Jeremiah

51

1Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichamutsira Bhabhironi navagere Rebhikamai mhepo inoparadza.
1再审判巴比伦
2Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nekuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose.
2我必打发外族人去巴比伦簸扬它,扬净它的地;在它遭祸的日子,他们必从四围攻击它。
3Mupfuri ngaapfure nohuta hwake ani naani unopfura nohuta nounozvisimudza ane nguvo dzake dzokurwa, regai kunzwira tsitsi majaya aro, paradzai chose hondo yaro yose.
3不要容拉弓的拉他的弓,也不要容战士穿上盔甲站起来;不要顾惜巴比伦的年轻人,要把它的全军灭绝。
4Vachawira pasi vaurawa panyika yavaKaradhea, vabayiwa munzira dzaro.
4它的全军必在迦勒底人的地被杀倒下,在它的街道上被刺死。”
5nekuti Isiraeri naJudha havana kurashwa naMwari wavo, naJehovha wehondo, kunyange nyika yavo izere nemhosva pamberi poMutsvene waIs iraeri.
5虽然以色列和犹大境内(“以色列和犹大境内”或译:“巴比伦境内”)充满了违背以色列圣者的罪恶,以色列和犹大却不会被他们的 神万军之耶和华遗弃。
6Tizai mubve mukati meBhabhironi, mumwe nomumwe aponese hupenyu hwake; regai kuparadzwa mukati mezvakaipa zvaro, nekuti inguva yokutsiva kwaJehovha, iye uchariripidzira.
6你仍要从巴比伦境内逃出来,各自逃命!不要因它的罪孽灭亡;因为这是耶和华报复的时候,他必向巴比伦施行应得的报应。
7Bhabhironi wakange uri mukombe muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akamwa waini yawo, saka marudzi akapenga.
7巴比伦曾是耶和华手中的金杯,使全地都喝醉;列国喝了它的酒,就都疯狂乱性。
8Bhabhironi rakawira pasi pakarepo rikaparadzwa; wungudzai pamusoro paro, torai muti webharisami kurapa kurwadziwa kwaro, zvimwe ringapora.
8巴比伦必突然倾覆毁灭,你们要为它哀号!拿乳香来消除它的痛楚,也许可以治好它。
9Taida kuporesa Bhabhironi, asi harina kupora; risiyei, mumwe nomumwe wedu aende kunyika yake, nekuti mhosva yaro yasvikira kudenga, yasimudzirwa kumakore.
9我们本想医治巴比伦,但它没有治好。我们离开它,各归本地去吧!因为它的刑罚极大,上达于天,直到云霄。
10Jehovha wakaratidza kururama kwedu; uyai, tiparidze paZiyoni basa raJehovha Mwari wedu.
10耶和华已为我们伸冤;来吧!我们要在锡安宣扬耶和华我们 神的作为。
11Rodzai miseve, batisai nhovo! Jehovha wakamutsa mweya yamadzimambo avaMedhia, nekuti murangariro wake ndowokuparadza Bhabhironi, nekuti ndiko kutsiva kwaJehovha, iko kutsiva kwetemberi yake.
11你们要磨尖箭头,拿起盾牌(“拿起盾牌”《七十士译本》译作“装满箭袋”);耶和华定意要毁灭巴比伦,所以激动玛代诸王的心;这是耶和华的报复,就是为他的殿而施行的报复。
12Simudzirai masvingo eBhabhironi mureza, simbisai varindi, isaipo nharirire, gadzirai vanovandira, nekuti Jehovha wakafunga nokuita zvaakataura pamusoro pavagere Bhabhironi.
12你们要竖起旗帜,攻击巴比伦的城墙,并要加强防卫,设立防哨,布下埋伏;因为耶和华不但定意,也必作成他攻击巴比伦居民的话。
13Iwe ugere pamvura zhinji, une fuma zhinji, kuguma kwako kwasvika, icho chiyero chezvawakawana nokunyengera.
13你这住在众水旁,多有财宝的啊!你的结局到了,你被剪除的时刻到了。
14Jehovha wehondo wakapika naiye amene, achiti, Zvirokwazvo ndichakuzadza navanhu semhashu, ivo vachakupururudzira.
14万军之耶和华指着自己起誓,说:“我必使敌人充满你,像蝗虫一样布满你的全地,他们必对你发出胜利的吶喊。”
15Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
15耶和华用自己的能力创造了大地,用自己的智慧坚立了世界,又用自己的聪明展开了诸天。
16Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
16他一发声,空中诸水就澎湃;他使云雾从地极上腾;他造了闪电和雷雨,又使风从他的仓库里吹出来。
17Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nekuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.
17人人都是顽梗无知;所有的金匠都因偶像羞愧,因为他们铸造的像都是虚假,没有气息。
18Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.
18偶像都是虚无的,是荒谬可笑的作品;到了讨罪的时候,它们必被除灭。
19Mugove waJakove haufanani naizvozvi, nekuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
19那作雅各产业的并不像这些偶像,因为他是万物的创造者;以色列是属他的民族,万军之耶和华是他的名。
20Iwe uri nyundo yangu nenhumbi dzangu dzokurwa; newe ndichaputsanya marudzi avanhu newe ndichaparadza ushe;
20耶和华说:“你是我的铁锤,作我的兵器;我用你们打碎列国,用你毁灭万邦。
21newe ndichaputsanya bhiza nomutasvi waro; newe ndichaputsanya ngoro nounofamba nayo;
21我用你打碎战马和骑马的,用你打碎战车和坐战车的。
22newe ndichaputsanya murume nomukadzi; newe ndichaputsanya mutana nomuduku; newe ndichaputsanya mujaya nemhandara;
22我用你打碎男人和妇女,用你打碎老年人和少年人,用你打碎少男和少女。
23newe ndichaputsanya murimi nenzombe dzake mbiri; newe ndichaputsanya vabati navakuru.
23我用你打碎牧人和他的羊群,用你打碎农夫和他的耕牛,用你打碎省长和总监。
24Ndicharipidzira Bhabhironi navose vagere Karadhea zvakaipa zvavo zvose zvavakaita Ziyoni pamberi penyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
24“但我必在你们眼前报复巴比伦和迦勒底所有的居民在锡安所作的一切恶事。”这是耶和华的宣告。
25Tarira, ndine mhosva newe, iwe gomo rokuparadza, rinoparadza nyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakukungurusa pamabwe, ndichakuita gomo rakatsva.
25“行毁灭的山哪,就是毁灭全地的山哪!我要和你作对,我要伸手攻击你,使你从山岩上滚下来,使你成为烧毁了的山。”这是耶和华的宣告。
26Havangatori kwauri ibwe rekona, kana ibwe renheyo; asi uchava dongo nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
26“人必不从你那里取石头作房角石,也不从你那里取石头作基石,因为你必永远荒凉。”这是耶和华的宣告。
27Simudzai mureza panyika, ridzai hwamanda pakati pamarudzi, gadzirai marudzi kuzorwa naro, kokerai ushe bweArarati neMini neAshikenazi kuzorwa naro, gadzai mukuru wehondo kuzorwa naro, uyisai mabhiza semhashu dzinoparadza.
27“你们要在地上竖起旗帜,在列国中吹号角,使列国作好准备攻击巴比伦,把亚拉腊、米尼、亚实基拿等国召来攻击她,又指派元帅来攻击她,使马匹像蝗虫汹涌上来。
28Gadzirai marudzi kuzorwa naro, iwo madzimambo avaMedhia, navabati vavo, navakuru vavo vose, nenyika yose yavakabata.
28你们要使列国作好准备攻击她,使玛代诸王,和她的省长、总监,以及他们辖下各地的人民都作好准备攻击她。
29Nyika inodedera nokurwadziwa; nekuti zvakafunga Jehovha kuitira Bhabhironi zvakasimba, kuti aite nyika yeBhabhironi dongo, isina unogaramo.
29大地震动翻腾,因为耶和华攻击巴比伦所定的旨意立定不移,要使巴比伦的地荒凉,没有人居住。
30Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa, vakarambira munhare dzavo, simba ravo rakapera, vava savakadzi; vakapisa dzimba dzaro, zvipfigiso zvaro zvakavhuniwa.
30巴比伦的勇士停止作战,留在堡垒里面;他们的勇士消退,变成像妇人一样软弱。巴比伦的房屋被火焚烧,她的门闩都被折断。
31Imwe nhume ichamhanya kundosangana neimwe, mumwe wakatumwa kundosangana nomumwe, kuzivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa kumativi ose.
31驿卒一个接一个跑来,报信的也相继而至,向巴比伦王报告,他的京城已经完全被攻取了。
32Uye kuti mazambuko abatwa, kuti mapani eshanga apiswa nomoto, kuti varwi vavhunduswa.
32渡口已经被占据了,生满芦苇的沼泽也被火烧了,军兵都惊慌失措。”
33nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokukohwa.
33因为万军之耶和华以色列的 神这样说:“巴比伦城(“城”原文作“女子”)好像正被踹平的禾场,再过片时,她被收割的时候就到了。”
34Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga.
34以色列人说:“巴比伦王尼布甲尼撒吞灭了我们,使我们十分混乱,又使我们成为空的器皿;他像怪兽把我们吞下,他的肚塞满了我们的美物,他却把我们吐出去。”
35Ugere Ziyoni uchati, Zvakaipa zvandakaitirwa ini nenyama yangu ngazvive pamusoro peBhabhironi; Jerusaremu richati, Ropa rangu ngarive pamusoro pavagere Karadhea.
35锡安的居民要说:“愿巴比伦以强暴待我们(“我们”或译:“我和我骨肉之亲”)的罪归到巴比伦身上。”耶路撒冷要说:“愿流我血的罪归到迦勒底的居民身上。”
36Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira, ndichakureverera mhaka yako, ndichakutsiva; ndichapwisa gungwa raro, ndichaomesa tsime raro.
36因此,耶和华这样说:“看哪!我必为你的案件申诉,为你报仇;我必使巴比伦的河水枯竭,使它们的水源干涸。
37Bhabhironi richaitwa mirwi yamabwe, hugaro hwamakava, chinhu chinoshamisa, chinoridzirwa muridzo, pasina unogaramo.
37巴比伦必变成乱堆,成为野狗的巢穴,成为令人惊骇和嗤笑的对象,没有人居住。
38Vachaomba pamwechete savana veshumba, vachaganya savana veshumba.
38巴比伦人必像少壮狮子一起吼叫,又像幼狮咆哮。
39Kana vamutswa moyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.
39他们食欲大动的时候,我必为他们摆设筵席,使他们喝醉,狂欢乱叫,然后永远沉睡,不再醒来(这是耶和华的宣告)。
40Ndichavaburusira kwavanondobayiwa samakwaiana, samakondobwe pamwechete nenhongo.
40我必使他们像羊羔,像公绵羊和公山羊一样下到屠宰之地。
41Sheshaki rakundwa sei! Guta rairumbidzwa nenyika yose rapindwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi!
41示沙克怎么竟被攻取!全地所称赞的怎么竟被占领!巴比伦在列国中怎么竟成了令人惊骇的对象!
42Gungwa rakwira rasvika Bhabhironi, rafukidzwa namafungu aro mazhinji.
42大海上涨漫过巴比伦,它被汹涌的波浪淹没。
43Maguta aro ava matongo, nyika yakaoma nerenje, nenyika musingagari munhu, hakuna Mwanakomana womunhu unopfuura napo.
43它的城镇变为荒凉,成为干旱的地和沙漠,没有人住在里面,也没有人经过。
44Ndichatonga Bheri paBhabhironi, ndichabudisa mumuromo make chaakanga amedza, marudzi avanhu haachazovangiri kwariri; zvirokwazvo rusvingo rwaBhabhironi ruchawa.
44我必惩罚巴比伦的彼勒,使它从口中吐出它所吞噬的;列国必不再归附它,巴比伦的城墙也倒塌了。
45Imi vanhu vangu, budai mukati maro, muzviponese mumwe nomumwe pakutsamwa kukuru kwaJehovha.
45我的子民哪!你们要从它那里出来,各自逃命,躲避耶和华的烈怒。
46moyo yenyu irege kuora, musatya guhuzve nerimwe gore shure kwaizvozvo; panyika vachaitirana simba, mubati mumwe achirwa nomumwe.
46你们不要心惊胆怯,也不要因在境内听到的谣言惧怕;因为今年有谣言传来,明年也会有谣言传来,境内有强暴的事,官长互相攻击。
47Naizvozvo tarirai, mazuva anouya andichatonga mifananidzo yakavezwa yaBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, vakaurawa varo vose vachawira pasi mukati maro.
47因此,你看,日子快到,我必惩罚巴比伦的偶像;巴比伦全地都必蒙羞,所有被刺杀的人都必倒在境内。
48Ipapo denga nenyika nezvose zviri mukati mazvo zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi, nekuti vaparadzi vachauya kwariri vachibva kurutivi rwokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha.
48那时天地和其中的一切,都必因巴比伦的倾覆欢呼,因为行毁灭的要从北方来攻击她。”这是耶和华的宣告。
49Vakaurawa valsiraeri, Bhabhironi rinofanira kuwawo, sezvakawira pasi paBhabhironi vakaurawa venyika yose.
49“巴比伦必因以色列被刺杀的人而倒下,就如全地被刺杀的人因巴比伦而倒下。
50Imi makapukunyuka pamunondo, endai, musamira; rangarirai Jehovha muri kure, fungai Jerusaremu pamoyo yenyu.
50那些已逃脱了刀剑的人哪!走吧!不要站着,要从远方记念耶和华,心中惦念耶路撒冷。
51Takanyadziswa, nekuti takanzwa kushoorwa, kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nekuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.
51我们因听见辱骂而蒙羞,满面惭愧;因为外族人进入了耶和华殿的圣所。
52Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya andichatonga mifananidzo yaro yakavezwa; vakakuvadzwa vachagomera kose panyika yaro.
52因此,看哪!日子快到,这是耶和华的宣告。我必惩罚巴比伦的偶像,在巴比伦全境到处都有被刺伤的人在唉哼。
53Kunyange Bhabhironi rikakwira kudenga, kunyange rikasimbisa pakakwirira pane simba raro, kunyange zvakadaro vaparadzi vachabva kwandiri vachiendako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
53即使巴比伦升到天上,即使它在高处建造难以进侵的堡垒,但必有行毁灭的从我这里去攻击它。”这是耶和华的宣告。
54Inzwai inzwi rokuchema rinobva Bhabhironi, nerokuparadzwa kukuru rinobva panyika yavaKaradhea!
54“听啊!有哀号的声音从巴比伦传出,有大毁灭的声音从迦勒底人的地发出。
55nekuti Jehovha unoparadza Bhabhironi, uchanyaradzamo mubvumo mukuru; mafungu avo anotinhira semvura zhinji, mubvumo wamanzwi avo anonzwika.
55因为耶和华正在毁灭巴比伦,使城中喧闹的声音灭绝。敌军好像洪水,波浪澎湃,发出吶喊的声音。
56nekuti muparadzi wasvika kwariri, iko Bhabhironi, mhare dzaro dzakundwa, huta hwavo hwavhuniwa-vhuniwa; nekuti Jehovha ndiMwari wokutsiva, ucharipidzira zvirokwazvo.
56因为有一位行毁灭的来攻击巴比伦,巴比伦的勇士被擒住,他们的弓弩折断了,因为耶和华是报应的 神,他必报复巴比伦。
57Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.
57我必使巴比伦的领袖和智慧人,省长、总监和勇士都喝醉,永远沉睡,不再醒来。”这是君王的宣告,万军之耶和华是他的名。
58Zvanzi naJehovha wehondo, Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuwo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.
58万军之耶和华这样说:“巴比伦宽阔的城墙必被夷为平地,它高大的城门必被焚烧;万民所劳碌的都必成空,万族所辛劳的都付诸一炬。”
59Ndiro shoko, rakarairwa Seraia mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, nomuporofita Jeremiya, nguva yaakaenda Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha negore rechina rokubata kwake ushe. Zvino Seraia wakange ari murairi mukuru parwendo.
59耶利米的预言传到巴比伦犹大王西底家执政的第四年,玛西雅的孙子、尼利亚的儿子西莱雅和王同去巴比伦的时候,耶利米先知有话吩咐西莱雅,他是掌管住宿事务的官员。
60Jeremiya akanyora mubhuku zvakaipa zvose zvaifanira kuwira Bhabhironi, iwo mashoko ose akanyorwa pamusoro peBhabhironi.
60耶利米把一切将要临到巴比伦的灾祸,就是这一切论到巴比伦的话,都写在一卷书上。
61Jeremiya akati kuna Seraia, Kana wasvika Bhabhironi rangarira kuti urave mashoko awa ose.
61耶利米对西莱雅说:“你到了巴比伦以后,一定要宣读这一切话,
62Uti, Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino kuti muchai,paradza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuwo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.
62然后你要说:‘耶和华啊!论到这地方,你曾经亲自说过要把它剪除,使这地永远荒凉,没有人畜居住。’
63Zvino kana wapedza kurava bhuku iyi, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuratesi;
63你宣读完这书卷以后,要把一块石头和书拴在一起,丢进幼发拉底河里,
64uchiti, Saizvozvo Bhabhironi richanyura, haringazobudizve, nokuda kwezvakaipa zvandichauyisa pamusoro paro; vachaneta. Ndipo panoguma mashoko aJeremiya.
64然后说:‘巴比伦必因耶和华(“耶和华”原文作“我”)所要降给它的灾祸,照样沉下去,不再浮上来;它的人民也必灭没。’”耶利米的话到此为止。