1Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri nerimwe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Hamutari mukunda waJeremiya weRibhina.
1耶路撒冷失陷(王下24:18-20;代下36:11-16)
2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha netsika dzose dzaJehoiakimu.
2他行耶和华眼中看为恶的事,像约雅敬一切所行的。
3nekuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhikia akamukira mambo weBhabhironi.
3因为耶和华的怒气向耶路撒冷和犹大发作,直到他把他们从自己的面前赶走。后来,西底家背叛了巴比伦王。
4Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
4西底家背叛巴比伦王(王下25:1-2;代下36:17)西底家作王第九年十月十日,巴比伦王尼布甲尼撒率领他的全军来攻打耶路撒冷;他们在城外安营,又在四周筑垒攻城。
5Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
5于是,城被围困,直到西底家王第十一年。
6Zvino nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi, nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika vakashaiwa zvokudya.
6圣城沦陷,人民被掳(王下25:3-12;代下36:17、19)四月九日,城里饥荒非常严重,甚至那地的人民都断了粮食。
7Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza, vakabuda muguta vusiku nenzira yesuwo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta); vakaenda nenzira yokurenje.
7城终于被攻破了,所有的战士就在夜间从靠近王的花园的两墙中间的那门,逃跑出城。那时迦勒底人在四围攻城;他们就往亚拉巴的方向逃走。
8Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
8迦勒底人的军队追赶,在耶利哥的原野上把西底家追上了;他的全军都离开他四散了。
9Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.
9他们把王擒住,把他解到哈马地的利比拉巴比伦王那里;他就宣判他的罪。
10Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia iye achizviona, akaurayawo machinda ose aJudha paRibhira.
10巴比伦王在利比拉,当着西底家眼前杀了他的众子,也杀了犹大所有的领袖,
11Akatumbura meso aZedhekia, mambo weBhabhironi akamusunga namatare, akamuisa Bhabhironi, akamusunga mutirongo kusvikira pazuva rokufa kwake.
11并且把西底家的眼睛弄瞎,然后用铜链锁住他。巴比伦王把他带到巴比伦去,关在牢里,直到他去世的日子。
12Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, waimira pamberi pamambo weBhabhironi, wakasvika Jerusaremu.
12五月十日,就是巴比伦王尼布甲尼撒第十九年,侍立在巴比伦王面前的护卫长尼布撒拉旦来到耶路撒冷。
13Akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.
13他放火焚烧耶和华的殿和王宫,以及耶路撒冷一切房屋,一切高大的房屋,他都放火烧了。
14Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo ose eJerusaremu kunhivi dzose.
14跟随护卫长的迦勒底人全军拆毁了耶路撒冷周围所有的城墙。
15Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vamwe varombo chaivo vavanhu, navamwe vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vanyengera vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
15至于人民中最贫穷的、城中剩下的人民,和已经向巴比伦王投降的人,以及剩下的技工,护卫长尼布撒拉旦都掳了去。
16Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya vamwe varombo chaivo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.
16至于那地最贫穷的人,护卫长尼布撒拉旦把他们留下,去修理葡萄园和耕种田地。
17VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.
17圣殿被掠(王下25:13-17;代下36:18)耶和华殿的铜柱,以及耶和华殿的铜座和铜海,迦勒底人都打碎了,把所有的铜都运到巴比伦去。
18Vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.
18他们又把锅、铲子、烛剪、碗、碟子,和敬拜用的一切铜器都拿去了。
19Nemikombe, nezvaenga zvomoto, nembiya, nehari, nezvitimiko zvemwenje, nezvirongo, nemidziyo, zvose zvakanga zviri zvendarama nezvose zvakanga zviri zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.
19此外,碗盆、火鼎、碗、锅、灯台、碟子和奠酒的爵,无论是金的或是银的,护卫长都拿去了。
20Mbiru mbiri, nedziva rimwe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiva pasi pezvingoro, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni, kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.
20所罗门王为耶和华的殿所做的两根铜柱、一个铜海、铜海下面的十二头铜牛,和十个铜座,这一切器皿的铜,重得无法可称。
21Zvino kana dziri mbiru, kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere; pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakarupoteredza; pakukora yakasvika mimwe mina; mukati makanga munemhango.
21至于那些柱子,每根高八公尺,圆周是五公尺三公分,柱子是空心的。铜的厚度有七十五公厘。
22Yakanga inomusoro wendarira pamusoro payo, kureba komusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo
22柱上有铜柱头,柱头高两公尺三十公分,柱头四周有网子和石榴都是铜的;另一根柱子同样也有石榴。
23Pamativi pakanga pana matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu, matamba ose akasvika zana pane zvakarukwa pamativi ose.
23每个网子周围共有一百个石榴,明显可见的有九十六个。
24Mukuru wavarindi akatora Seraia mupristi mukuru, naZefaniya mupristi wechipiri, navarindi vatatu vomukova;
24祭司与朝臣被杀(王下25:18-21)护卫长拿住祭司长西莱雅、副祭司长西番亚和三个守门的;
25napaguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vanomwe vaisionana namambo, vaakawana muguta, nomunyori womukuru wehondo, waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana mukati meguta.
25又从城里拿住一个管理军兵的官长,并且在城里搜获常见王面的七个人,和一个负责召募当地人民的军长书记,又在城中搜获六十个当地的人民。
26Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
26护卫长尼布撒拉旦把他们拿住,带到利比拉巴比伦王那里。
27Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
27巴比伦王击打他们,在哈马地的利比拉把他们处死。这样,犹大人被掳,离开了他们的国土。
28Ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadhirezari; negore rechinomwe vaJudha vane zviuru zvitatu namakumi maviri navatatu;
28被掳的人数以下是尼布甲尼撒掳去的人民的数目:在他执政第七年,有犹大人三千零二十三名;
29negore regumi namasere raNebhukadhirezari wakatapa paJerusaremu vanhu vana mazana masere namakumi matatu navaviri, akaenda navo;
29尼布甲尼撒第十八年,从耶路撒冷掳去的,有八百三十二人;
30negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.
30尼布甲尼撒第二十三年,护卫长尼布撒拉旦掳去犹大人七百四十五名。总数是四千六百人。
31Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutirongo;
31巴比伦王善待约雅斤(王下25:27-30)犹大王约雅斤被掳后第三十七年,就是巴比伦王以未.米罗达登基的那一年,十二月二十五日,他恩待(“恩待”原文作“使抬起头来”)犹大王约雅斤,把他从狱中领出来,
32akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kukunda zvigaro zvoushe zvamadzimambo akanga anaye paBhabhironi,
32并且安慰他,使他的地位高过和他一起在巴比伦的众王。
33akashandura nguvo dzake dzokusungwa. Jehoiakini akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose ohupenyu hwake.
33又换下他的囚衣,赐他终生常在王面前吃饭。
34Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo weBhabhironi nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, kusvikira zuva rokufa kwake, namazuva ose oupenyu hwake
34他的生活费用,在他一生的年日中,每日不断由巴比伦王供应,直到他去世的日子。