1Ipapo Jobho akapindura, akati, kwaari
1约伯讥笑比勒达
2Iwe wakabatsira sei asine simba! Wakaponesa sei ruoko rusine simba!
2“无能力的,你怎样帮助他,膀臂无力的,你怎样拯救他!
3Wakapa mano sei asina kungwara, Nokududzira kwazvo zivo yechokwadi!
3无智慧的,你怎样教导他,显明你丰盛的智慧!
4Wakataurira aniko mashoko awa? Mweya wakabuda kwauri ndowaaniko?
4你靠谁发言呢?谁的灵从你而出呢?
5Vakafa vanodedera Pasi pemvura navagere mukati mayo.
5称赞 神伟大的作为阴魂和在水中居住的,都在水下痛苦不堪。
6Sheori rakashama pamberi pake, Kuparadza hakune chifukidzo.
6阴间在 神面前赤露敞开,灭亡之处也没有遮盖。
7Anotatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, Anoturikira nyika pasine chinhu.
7他把北极铺在空间,把地球挂在太空。
8Anosungira mvura mumakore ake makobvu; Asi gore haribvaruki nokurema kwayo.
8他把水包在密云中,水下面的云却不破裂。
9Anofukidza chigaro chake choushe, chirege kuonekwa,
9他遮蔽自己宝座的正面,把云铺在上面。
10Akatara muganhu pamusoro pemvura, Kusvikira pakupedzisira kwechiedza nerima.
10在水面划出界限,直到光与暗的交界。
11Mbiru dzedenga dzinodedera, Nokuvhunduka nokutuka kwake.
11天的柱子都因他的斥责震动惊奇;
12Anomutsa gungwa nesimba rake, Nenjere dzake anoparadza Rahabhi.
12他以能力搅动大海,以聪明击伤拉哈伯。
13Denga rinoshongedzwa nomweya wake; Ruoko rwake rwakabaya nyoka inokurumidza.
13他以自己的气使天晴朗,他的手刺穿逃跑的蛇。
14Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinongonzwa zeve-zeve roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?
14这些不过是他的作为的一点点,我们从他那里所听到的,是多么的微小!他大能的雷声谁能够明白呢?”