1Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here?
1 神造鳄鱼,显出他伟大
2Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono?
2能把草绳穿进它的鼻子吗?能用刺钩穿透它的腮骨吗?
3Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri?
3它会向你再三恳求,对你说温柔的话吗?
4Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi?
4它肯与你立约,好使你永远奴役它吗?
5Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?
5你怎能玩弄它,像玩弄雀鸟一样呢?怎能把它拴住,给你的幼女取乐呢?
6Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi?
6结伙的渔夫怎能拿它当货物买卖呢?怎能把它分给商人呢?
7Ungagona kuzadza ganda rayo nemiseve yenzeve here, Kana musoro wayo namapfumo ehove?
7你能用倒钩扎满它的皮吗?能用鱼叉扎满它的头吗?
8Isa ruoko rwako pamusoro payo; Rangarira kurwa, haungapamhidzizve.
8你把手按在它身上,想到与它的战斗,你就不再是这样作了。(本章第1-8节在《马索拉抄本》为40:25-32)
9Tarira, tariro yake hapana; Munhu haangaori moyo nokuionachetehere?
9人希望捉住它是徒然的,人一见它,就心惊胆战。(本节在《马索拉抄本》为41:1)
10Hakuna munhu anotyisa angatsunga kuivamba, Zvino ndianiko angagona kumira pamberi pangu here?
10人惹它的时候,它不是很凶猛吗?这样,有谁人在我面前能站立得住呢?
11Ndianiko akatanga kundipa, kuti ndifanire kumuripirazve? Zvose zviri pasi pedenga rose ndezvangu.
11谁先给了我,以致我要偿还呢?天下万物,都是我的。
12Handinganyarari kurondedzera mitezo yayo, Kana simba rayo, kana muturu wayo wakanaka.
12论到鳄鱼的四肢和它的力气,以及美好的体态,我不能缄默不言。
13Ndianiko angagona kubvisa nguvo yayo yokunze? Ndianiko angapinda pakati pemisara miviri yameno ayo?
13谁能揭开它的外皮呢?谁能进入它上下两颚之间呢?
14Ndianiko angagona kuzarura mikova yechiso chayo? Pameno payo panotyisa kwazvo.
14谁能打开它的口呢?它的牙齿令人战栗。
15Makwande ayo, ane simba, ndiko kuzvikudza kwayo; Akabatanidzwa nechisimbiso chakabata.
15它的背有一行一行的鳞甲,紧紧合闭着,像印得很紧的印章一样。
16Ari pedo nepedo, Mhepo haigoni kupinda napakati pawo.
16这鳞甲一一相连接,连气也透不入其间,
17Akabatanidzwa; Anonamatirana, haangaparadzaniswi.
17鳞甲一一互相连合,互相紧贴,不能分离。
18Kuhotsira kwayo kunopenya chiedza; Meso ayo akafanana namafungiro amangwanani.
18它打的喷嚏闪出光来,它的眼睛如同清晨的阳光;
19Mumuromo mayo munobuda mazhenje anopfuta; Masasaradzi omoto anobarika achibvamo.
19有火从它的口中发出,火星四射;
20Utsi hunobuda pamhino dzayo, Sapahari inovira nenhokwe dzinopfuta.
20有烟从它的鼻孔里冒出来,像从沸腾的锅中和烧着的芦苇里冒出来一样;
21Mweya wayo unobatidza masimbe, Uye murazvo womoto unobuda mumuromo mayo.
21它的气可以点着煤炭,有火焰从它的口里喷出来,
22Simba rinogara mumutsipa wayo, Kutyisa kunotamba pamberi payo.
22它的颈项上存着能力,惊恐在它面前跳跃。
23Nyama dzayo dzakabatanidzwa kumativi ose, Dzakasimba pairi, hadzingazununguswi.
23它下垂的肌肉紧贴在一起,牢牢地贴在身上,不能摇动。
24moyo wayo wakasimba sebwe; Zvirokwazvo, wakasimba seguyo.
24它的心坚实如石头,如下磨石那样坚实。
25Kana ichisimuka, vane simba vanotya; Vanopenga nokuvhunduswa.
25它一起来,勇士都惊慌,因惊惶过度举止失措。
26Kana munhu akaitema nomunondo, haune simba; Kunyange nepfumo, kana nomuseve, kana matare anopinza.
26追上它的刀剑都没用,矛枪、标枪、短枪也是这样。
27Iyo inoti matare mashanga, Uye ndarira danda rakaora.
27它把铁当作干草,把铜当作朽木。
28Museve haungaitizisi; Mabwe anoposhwa nechifuramabwe inoti makoto.
28弓箭不能使它逃跑,甩石机弦在它看来不过是碎秸。
29Tsvimbo dzakaita samakoto; Inoseka kana ichinzwa kuunga kwebakatwa.
29棍棒被它当作碎秸,短枪飕飕之声它也讥笑。
30Pasi payo pakafanana nezvaenga zvinocheka; Inoita sokukwekweredza chireyi chine mbambo mumatope.
30它的腹下像锐利的瓦片,它在泥上碾过如同有利钉的耙犁田一样。
31Inovirisa mvura yakadzika sehari; Inoita gungwa samafuta okuzora.
31它使深渊沸腾,它搅动海洋如在鼎中调制膏油。
32Inotara nzira inopenya shure kwayo; Zvimwe munhu ungati, mvura yakadzika yachena vhudzi.
32它使自己行过的路发出白光,令人把深渊当作白发老人。
33Panyika hapana chakafanana nayo, Chakaitwa chisina kutya.
33在世上没有一样像它的,它是无所惧怕的动物;
34Inoona zvose zvakakwirira; Ndiyo mambo wezvikara zvose zvinozvikudza.
34所有高大的动物,它都藐视,它在一切狂傲的野兽之上作王。”