Shona

聖經新譯本 (Simplified)

John

10

1Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi napamukova mudanga remakwai, asi unokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.
1耶稣是好牧人
2Zvino unopinda nepamukova mufudzi wemakwai.
2那从门进去的,才是羊的牧人。
3Murindi wemukova unomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye unodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.
3看门的给他开门,羊也听他的声音;他按着名字呼叫自己的羊,领它们出来。
4Uye kana abudisa makwai ake, unoatungamirira; nemakwai anomutevera, nekuti anoziva inzwi rake.
4他把自己的羊领出来以后,就走在前头,羊也跟随他,因为认得他的声音。
5Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nekuti haazivi inzwi revaeni.
5它们决不会跟随陌生人,反而逃避他,因为不认得陌生人的声音。”
6Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.
6耶稣对他们说了这个譬喻,他们却不明白他所说的是什么。
7Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
7于是耶稣又说:“我实实在在告诉你们,我就是羊的门。
8vose vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
8所有在我以先来的,都是贼和强盗;羊却不听从他们。
9Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, uchaponeswa, uchapinda nekubuda, nekuwana mafuro.
9我就是门,如果有人借着我进来,就必定得救,并且可以出、可以入,也可以找到草场。
10Mbavha haiuyi asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nezvinopfachukira.
10贼来了,不过是要偷窃、杀害、毁坏;我来了,是要使羊得生命,并且得的更丰盛。
11Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka unoradzikira pasi makwai ake upenyu hwake.
11我是好牧人,好牧人为羊舍命。
12Asi muricho, usati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, unoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.
12那作雇工不是牧人的,羊也不是自己的,他一见狼来,就把羊撇下逃跑,狼就抓住羊群,把他们驱散了;
13Muricho unotiza nekuti muricho, uye haana hanya nemakwai.
13因为他是个雇工,对羊群漠不关心。
14Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikamwa neangu,
14我是好牧人,我认识我的羊,我的羊也认识我,
15Baba sezvavanondiziva, saizvozvo neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.
15好像父认识我,我也认识父一样;并且我为羊舍命。
16Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.
16我还有别的羊,不在这羊圈里;我必须把它们领来,它们也要听我的声音,并且要合成一群,归于一个牧人。
17Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nekuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihwutorezve.
17父爱我,因为我把生命舍去,好再把它取回来。
18Hakuna ungahwutora kubva kwandiri, asi ini ndinohwuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhwuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhwutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.
18没有人能夺去我的生命,是我自己舍去的。我有权把生命舍去,也有权把它取回来;这是我从我的父所领受的命令。”
19Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati pevaJudha nekuda kwemashoko awa.
19犹太人因着这些话又起了纷争。
20Vazhinji vavo vakati: Une dhimoni uye unopenga; munomuteererei?
20他们当中有许多人说:“他是鬼附的,他发疯了;为什么要听他呢?”
21Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eune dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?
21另外有人说:“这话不是鬼附的人所说的。鬼怎能使瞎子的眼睛开了呢?”
22Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;
22犹太人弃绝耶稣在耶路撒冷,献殿节到了,那时是冬天。
23Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.
23耶稣在殿的所罗门廊上走过,
24Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya yedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.
24犹太人围着他,对他说:“你使我们心里悬疑不定,要到几时呢?如果你是基督,就公开地告诉我们吧!”
25Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;
25耶稣对他们说:“我已经告诉你们,你们却不相信;我奉我父的名所作的事,可以为我作证。
26asi imwi hamutendi; nekuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.
26只是你们不信,因为你们不是我的羊。
27Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
27我的羊听我的声音,我也认识他们,他们也跟随我。
28uye ini ndinoapa upenyu hwusingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna uchaabvuta muruoko rwangu.
28我赐给他们永生,他们永不灭亡,谁也不能把他们从我手里夺去。
29Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vose; uye hakuna unogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.
29那位把羊群赐给我的父比一切都大,也没有人能把他们从我父的手里夺去。
30Ini naBaba tiri umwe.
30我与父原为一。”
31Naizvozvo vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
31犹太人又拿起石头要打他。
32Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?
32耶稣对他们说:“我把许多从父那里来的善事显给你们看,你们因哪一件要用石头打我呢?”
33VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nekuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
33犹太人对他说:“我们不是因为善事用石头打你,而是因为你说了僭妄的话;又因为你是个人,竟然把自己当作 神。”
34Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?
34耶稣说:“你们的律法上不是写着‘我说你们是神’吗?
35Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;
35圣经是不能废除的,如果那些承受 神的道的人, 神尚且称他们是神,
36imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nekuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
36那么父所分别为圣又差到世上来的,他自称是 神的儿子,你们就说他说了僭妄 神的话吗?
37Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.
37我若不作我父的事,你们就不必信我;
38Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.
38我若作了,你们纵然不信我,也应当信这些事,好使你们确实知道,我父是在我里面,我也在父里面。”
39Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.
39他们又要逮捕耶稣,他却从他们的手中逃脱了。
40Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.
40耶稣又往约旦河东去,到约翰从前施洗的地方,住在那里。
41Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chose chakareva Johwani pamusoro peuyu chaiva chokwadi.
41许多人到他那里去,说:“约翰没有行过一件神迹,但约翰指着这人所说的一切话,都是真实的。”
42Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.
42在那里就有许多人信了耶稣。